bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 11
John 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
1
Mumŋe munhu wakaŋga acirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta.
2
Ndiye Maria uya, wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; hanɀadzi yake Razaro, wakaŋga acirwara.
3
Ɀino hanɀadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dziciti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara.
4
Jesu wakati aɀinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mŋari akudzwe, noMŋanakomana waMŋari akudzwe ʋo naɀo.
5
Jesu wakaŋga aciɗa Marta, nomunuŋuna wake, naRazaro.
6
Ɀino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuʋa maʋiri paakaŋga ari.
7
Shure kwaiɀoɀo akati kuʋadzidzi ʋake: Hendei ɀe Judea.
8
Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Rabi, ʋaJuda ʋakaŋga ʋacikutȿakai ikoɀino, kuti ʋakutakei namabge; ɀino moenda ɀe ikoko here?
9
Jesu akapindura, akati: Ŋguʋa hadzizi gumi nembiri pazuʋa here? Kana munhu acifamba masikati, haagumburwi, nokuti unoʋona ciedza cenyika ino.
10
Asi kana munhu acifamba ʋusiku, unogumburwa, nokuti hakuneciedza maari.
11
Ndiɀoɀo ɀaakareʋa, akazoti kwaʋari: Razaro, hama yeɗu, waʋata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.
12
Ɀino ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ishe, kana aciʋata, ucanaya.
13
Jesu wakaŋga areʋa kufa kwake, asi iʋo ʋakaŋga ʋaciti, unoreʋa kuʋata hope.
14
Ipapo Jesu akaʋaʋudza pacena: Razaro wafa.
15
Ndinofara nokuɗa kwenyu, kuti ndakaŋga ndisi’po, kuti mugotenda; asi ɀino hendei kwaari.
16
Ipapo Tomasi, wainzi Didimo, akati kunaʋamŋe ʋadzidzi: Hendei nesu ʋo, kuti tindofa naye.
17
Ɀino Jesu wakati aciȿika, akamuwana atoʋa mubgiro mazuʋa manna.
18
Betania rakaŋga riri pedyo neJerusarema, mastadia aneŋge gumi namashanu;
19
ʋazhinji ʋaʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya kunaMarta naMaria, kuti ʋaʋaɓate ruʋoko pamsoro pehanɀadzi yaʋo.
20
Ɀino Marta wakati acinzwa kuti Jesu woʋuya, akaenda kundomuciŋgamidza; asi Maria wakagara mumba.
21
Marta akati kunaJesu: Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa.
22
Kunyaŋge ɀino ndinoziʋa, kuti ɀose ɀamunokumbira kunaMŋari, Mŋari ucakupai.
23
Jesu akati kwaari: Hanɀadzi yako icamuka ɀe.
24
Marta akati kwaari: Ndinoziʋa kuti ucamuka ɀe pakumuka nezuʋa rokupedzisira.
25
Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noʋupenyu; unotenda kwandiri, kunyaŋge akafa, ucararama.
26
Mumŋe nomumŋe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haaŋgatoŋgofi. Unotenda iɀoɀo here?
27
Akati kwaari: Hoŋo, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mŋanakomana waMŋari, uyo wainzi unoʋuya panyika.
28
Wakati areʋa iɀoɀo, akandoɗana Maria, munuŋuna wake, akati kwaari ʋari ʋoga: Mudzidzisi waȿika, unokuɗana.
29
Iye wakati aciɀinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari.
30
(Ɀino Jesu wakaŋga asati aȿika pamusha, asi wakaŋga aciri paya paakaciŋgamidzwa naMarta.)
31
Ɀino ʋaJuda, ʋakaŋga ʋari mumba naye ʋacimuɓata ruʋoko, ʋakati ʋaciʋona Maria acikurumidza kusimuka aciɓuɗa, ʋakamuteʋera, ʋaciti, unoenda kubgiro kundocema’ko.
32
Ɀino Maria wakati aciȿika kunaJesu, acimuʋona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa.
33
Ɀino Jesu wakati acimuʋona acicema, naʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacicema ʋo, akafa neshuŋgu mumŋeya, akatambudzika,
34
akati: Mamuisepiko? Ʋakati kwaari: Ishe, ʋuyai, muʋone.
35
Jesu akacema misodzi.
36
Ipapo ʋaJuda ʋakati: Tarirai, waimuɗa sei!
37
Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakati: Uyu wakaȿinudza meso eɓofu, haazaigona kudziʋisa kuti uyu munhu arege kufa here?
38
Ipapo Jesu akafa ɀe neshuŋgu mukati make, akaȿika pabgiro. Iro raiʋa ɓako, nebge rakaŋga riri pamsoro paro.
39
Jesu akati: Bvisai ibge! Marta, hanɀadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa ɀino, nokuti waʋa namazuʋa manna okufa kwake.
40
Jesu akati kwaari: Handina‐kukuʋudza here, kuti kana ukatenda, ucaʋona kubginya kwaMŋari?
41
Ipapo ʋakabvisa ibge. Ɀino Jesu akatarira kuɗeŋga, akati: Ƃaɓa, ndinokuʋoŋgai, nokuti mandinzwa.
42
Asi ndakaŋga ndiciziʋa, kuti munosindinzwa ŋguʋa dzose; asi ndakaɀireʋa nokuɗa kwaʋazhinji ʋakandikomba, kuti ʋatende kuti makandituma.
43
Wakati areʋa iɀoɀo, akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, ɓuɗa!
44
Wakaŋga afa akaɓuɗa, akapombga makumbo namaʋoko nemiceka yobgiro, neciso cake cakapombga nomuceka. Jesu akati kwaʋari: Mumusunuŋgurei, aende.
45
Naiɀoɀo ʋazhinji ʋaʋaJuda, ʋakaŋga ʋaʋuya kunaMaria, ʋakati ʋaʋona ɀaaita, ʋakatenda kwaari.
46
Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakaenda kuʋaFarise, ʋakandoʋaʋudza ɀakaŋga ɀaitwa naJesu.
47
Naiɀoɀo ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakaʋuŋganidza makurukota, ʋakati: Toɗiniko? nokuti uyu unoita ɀiratidzo ɀizhinji.
48
Kana tikamurega aciɗaro, ʋanhu ʋose ʋacatenda kwaari; naʋaRoma ʋacaʋuya ʋakatitorera nɀimbo yeɗu norudzi rweɗu.
49
Ɀino mumŋe waʋo, Kayafasi, wakaŋga ari muprista mukuru gore iro, akati kwaʋari: Hamuziʋi cinhu, imi,
50
ʋuye hamuraŋgariri kuti ɀirinani kwamuri, kuti munhu mumŋe afire ʋanhu, rudzi rwose rurege kufa.
51
Haana‐kureʋa iɀoɀo pacake, asi, ɀaakaŋga ari muprista mukuru gore iro, wakaprofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi;
52
rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti aʋuŋganidze pamŋe cete ʋana ʋaMŋari ʋakapararira.
53
Ɀino kubva pazuʋa iro ʋakaraŋgana, kuti ʋamuʋuraye.
54
Naiɀoɀo Jesu haana‐kuzofamba pacena pakati paʋaJuda, asi wakabva’po, akaenda kunyika iri pedyo nerenje, kuguta rainzi Efraimi; akagara’ko naʋadzidzi ʋake.
55
Ɀino paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo, ʋanhu ʋazhinji ʋenyika iyo ʋakakwira Jerusarema, paseka isati yaȿika, kuti ʋaɀinatse.
56
Ɀino ʋakatȿaka Jesu, ʋakataurirana ʋamire mutembere, ʋaciti: Munoti kuɗiniko? Munoti haaŋgaʋuyi kumutambo here?
57
Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakaŋga ʋaraira, kuti, aninani kana aciziʋa kwaari, aʋaziʋise, kuti ʋandomuɓata.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21