bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 14
John 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
1
Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri.
2
Mumba maƂaɓa ʋaŋgu munenɀimbo zhinji dzokugara; ɗai kusaiʋa kuɗaro, ndiŋgaɗai ndaikuʋudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara.
3
Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozoʋuya ɀe, ndikugamucirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugoʋa’po ʋo.
4
Napandinoenda’po, imi munoziʋa nzira.
5
Tomasi akati kwaari: Ishe, hatiziʋi pamunoenda; nzira tiŋgaiziʋa seiko?
6
Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri.
7
Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona.
8
Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Ƃaɓa ɀigotiriŋgana.
9
Jesu akati kwaari: Ndakaʋa nemi ŋguʋa refu yakaɗai, ko hauzati wandiziʋa here, Firipo? Wandiʋona ini, waʋona Ƃaɓa; ɀino unoreʋa seiko, uciti: Tiratidzei Ƃaɓa?
10
Hautendi here kuti ndiri munaƂaɓa naƂaɓa ʋari mandiri? Mashoko andinoreʋa kwamuri, handiareʋi pacaŋgu; asi Ƃaɓa, ʋanogara mandiri, ndiʋo ʋanoita maɓasa aʋo.
11
Nditendei kuti ndiri munaƂaɓa, naƂaɓa ʋari mandiri; kana kusi kuɗaro, nditendei nokuɗa kwamaɓasa amene.
12
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa.
13
Cinhu cipi necipi camunokumbira muzita raŋgu, ndicaciita, kuti Ƃaɓa ʋakudzwe muMŋanakomana.
14
Kana mucikumbira cinhu kwandiri muzita raŋgu, ndicaciita.
15
Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu.
16
Neni ndicakumbira Ƃaɓa, ʋacakupai mumŋe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusiŋgaperi;
17
ndiye Mŋeya waɀokwaɗi; nyika haigoni kumugamucira, nokuti haimuʋoni, kana kumuziʋa; imi munomuziʋa, nokuti ugere nemi, ucaʋa mukati menyu.
18
Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri.
19
Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu.
20
Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri.
21
Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari.
22
Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika?
23
Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari.
24
Usiŋgandiɗi, haaceŋgeti mashoko aŋgu; shoko ramunonzwa, harizi raŋgu, asi nderaƂaɓa ʋakandituma.
25
Ɀinhu iɀoɀi ndakakuʋudzai ndicigere nemi.
26
Asi Munyaradzi, Mŋeya Mutȿene, ucatumŋa naƂaɓa muzita raŋgu, iye ucakudzidzisai ɀose, nokukuyeʋudzirai ɀose, ɀandakareʋa kwamuri.
27
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwaŋgu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.
28
Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera ɀe kwamuri. Ƌai maindiɗa, muŋgaɗai maifara, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa; nokuti Ƃaɓa ʋakuru kwandiri.
29
Ɀino ndakuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti musi waɀinoitika mugotenda.
30
Handicazotauri ɀizhinji nemi, nokuti mucinda wenyika unoʋuya; asi haanecinhu kwandiri;
31
asi iɀi ɀinoitika kuti nyika iziʋe kuti ndinoɗa Ƃaɓa, ʋuye kuti seɀandakarairwa naƂaɓa, ndiɀo ɀandinoita. Simukai, ŋgatibve pano.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21