bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 12
John 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
1
Ɀino mazuʋa matanhatu paseka icigere kuȿika, Jesu wakaȿika Betania, paiʋa naRazaro, wakaɗeya kumutswa naJesu kuʋakafa.
2
Ʋakamuitira’po cirayiro; Marta akaʋashandira; naRazaro wakaŋga ari mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya.
3
Ɀino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomuteŋgo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta.
4
Ipapo mumŋe waʋadzidzi ʋake, Judasi Iskarioti, wakaŋga acazomupandukira, akati:
5
Mafuta awa akaregereiko kuteŋgeswa namadenari mazana matatu, akapiwa ʋarombo?
6
Asi haana‐kureʋa iɀoɀo kuri kuti wakaraŋgarira ʋarombo, asi nokuti waiʋa mbava; waigara necikwama, acisiɓa ɀaiiswa’mo.
7
Asi Jesu wakati: Muregei, aɀiceŋgetere zuʋa rokuʋigwa kwaŋgu.
8
Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose; asi ini hamuneni ŋguʋa dzose.
9
Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋokuʋaJuda ʋakanzwa kuti uri’po; ʋakaʋuya, asi haʋana‐ kuʋuya nokuɗa kwaJesu ɓedzi, asi kuti ʋaʋone ʋo Razaro, waakaŋga amutsa kuʋakafa.
10
Asi ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana kuti ʋaʋuraye naRazaro ʋo,
11
nokuti nokuɗa kwake ʋaJuda ʋazhinji ʋakaŋga ʋacibva kwaʋari, ʋacitenda kunaJesu.
12
Ɀino aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋaʋuya kumutambo, ʋakati ʋanzwa kuti Jesu woʋuya Jerusarema,
13
ʋakatora mashizha emicindwe, ʋakaɓuda kundomuciŋgamidza, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana! Ŋgaarumbidzwe unoʋuya muzita raShe, Mambo waʋaIsraeri.
14
Jesu akati awana mŋana wemboŋgoro, akagara pamsoro payo, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
15
Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako unoʋuya, agere pamsoro pemhuru yemboŋgoro.
16
Ʋadzidzi ʋake haʋana‐kunzwisisa iɀoɀi pakutaŋga; asi Jesu wakati akudzwa, ʋakazoraŋgarira, kuti iɀoɀo ɀakaŋga ɀanyorwa pamsoro pake, ʋuye kuti ʋakaŋga ʋamuitira iɀoɀo.
17
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa naye pakuɗana kwake Razaro kuti abve mubgiro, nokumumutsa kuʋakafa, ʋakapupura.
18
Saka ʋazhinji ʋakamuciŋgamidza ʋo, nokuti ʋakaŋga ʋanzwa, kuti wakaita ciratidzo iceco.
19
Ipapo ʋaFarise ʋakataurirana, ʋaciti: Munoʋona henyu kuti hamugoni cinhu; tarirai, nyika yose yamuteʋera.
20
Ɀino kwaiʋa naʋamŋe ʋaGiriki pakati paʋakaŋga ʋakwira kumutambo kundonamata’ko;
21
iʋo ʋakaʋuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Ishe, tinoɗa kuʋona Jesu.
22
Firipo akaenda, akandoʋudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, ʋakandoʋudza Jesu.
23
Jesu akaʋapindura, akati: Ŋguʋa yaȿika, kuti Mŋanakomana womunhu akudzwe.
24
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana tsaŋga yeɀiyo ikasawira muvu, ikafa, icagara iri yoga; asi kana ikafa, inoɓereka ɀiɓereko ɀizhinji.
25
Unoɗa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; nounoʋeŋga ʋupenyu bgake panyika ino, ucabguceŋgeta kuʋupenyu bgusiŋgaperi.
26
Kana munhu acindishumira, ŋgaanditeʋere; napandineŋge ndiri, nomuranda waŋgu ucaʋa’po ʋo. Kana munhu acindishumira, Ƃaɓa ʋacamukudza.
27
Ɀino mŋeya waŋgu unomanikidzwa; ndicatiyiko? Ƃaɓa ndiponesei paŋguʋa ino. Asi ndiɀo ɀandaʋuyira paŋguʋa ino.
28
Ƃaɓa, kudzai zita renyu. Ipapo inzwi rakaʋuya, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ndatorikudza, ndicarikudza ɀe.
29
Ɀino ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Kwatinhira. Ʋamŋe ʋakati: Mutumŋa wataura naye.
30
Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina‐kuʋuya nokuɗa kwaŋgu, asi nokuɗa kwenyu.
31
Ɀino kutoŋgwa kwenyika ino kwaʋa’po, ɀino mucinda wenyika ino ucadziŋgwa.
32
Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndicakweʋera ʋose kwandiri.
33
Wakareʋa iɀoɀi, aciratidza kufa, kwaaizofa nako.
34
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakamupindura, ʋakati: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu ucagara nokusiŋgaperi; ɀino moreʋa seiko imi, kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mŋanakomana womunhu ndianiko?
35
Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ciedza cici’po pakati penyu ciŋguʋa ciɗuku. Fambai mucineciedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haaziʋi kwaanoenda.
36
Mucineciedza, tendai kuciedza, mugoitwa ʋana ʋeciedza. Jesu wakareʋa iɀoɀi, akabva, akaɀiʋanza kwaʋari.
37
Ɀino kunyaŋge akaŋga aita ɀiratidzo ɀizhinji ɀakaɗaro pamberi paʋo, haʋana‐kutenda kwaari;
38
kuti shoko romuprofita Isaya riitike, raakareʋa, aciti: Ishe, ndianiko wakatenda caʋakanzwa kwatiri? Noruʋoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko?
39
Saka ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kutenda, nokuti Isaya wakati ɀe:
40
Wakapofumadza meso aʋo, akawomesa mŋoyo yaʋo; Kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, nokunzwisisa nemŋoyo yaʋo, Ʋadzoke, Ndiʋaporese.
41
Isaya wakareʋa iɀoɀi, nokuti wakaʋona kubginya kwake; akamureʋa iye.
42
Asi kunyaŋge ɀakaɗaro ʋazhinji ʋaʋaɓati ʋakatenda kwaari; asi ʋakaŋga ʋasiŋgamureʋururi nokuɗa kwaʋaFarise, kuti ʋarege kuɓuɗiswa musinagoge;
43
nokuti ʋakaŋga ʋaciɗa kukudzwa naʋanhu kupfuʋura kukudzwa naMŋari.
44
Ɀino Jesu akaɗana, akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kunowakandituma.
45
Unondiʋona, unoʋona wakandituma.
46
Ini ndakaʋuya munyika, ndiri ciedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.
47
Kana munhu acinzwa mashoko aŋgu, akasaaceŋgeta, handimutoŋgi ini, nokuti handina‐kuʋuya kuzotoŋga nyika, asi kuti ndiponese nyika.
48
Unondiramba, asiŋgagamuciri mashoko aŋgu, uno mumŋe, unomutoŋga; shoko randakareʋa ndiro ricamutoŋga nezuʋa rokupedzisira.
49
Nokuti handina‐kureʋa pacaŋgu, asi Ƃaɓa, ʋakandituma, ndiʋo ʋakandipa murairo, ɀandicareʋa neɀandicataura.
50
Ndinoziʋa kuti murairo waʋo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi; naiɀoɀi ɀandinotaura, ndinotaura seɀandakaʋudzwa naƂaɓa.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21