bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 8
John 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 9 →
1
Jesu akaenda kugomo reMiorivi.
2
Maŋgwanani akadzokera ɀe kutembere, ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kwaari; akagara pasi akaʋadzidzisa.
3
Ʋanyori naʋaFarise ʋakaʋuya kwaari nomukadzi wakaŋga aɓatwa acifeʋa ʋakamuisa pakati paʋo.
4
Ʋakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wakaɓatwa acifeʋa, ipapo pamene.
5
Ɀino Mosesi wakatiraira pamurairo kuti ʋakadzi ʋakaɗaro ʋatakwe namabge; ɀino imi munoti kuɗiniko?
6
Ʋakareʋa iɀoɀo, ʋacimuidza, kuti ʋawane caʋaŋgamupomera mhoȿa naco. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomunwe.
7
Ɀino iʋo ʋakati ʋaciramba ʋacimubvunza, akakotoroka, akati kwaʋari: Usineciʋi pakati penyu, ŋgaataŋge kukande‐bge kwaari.
8
Akakotama ɀe, akanyora pasi.
9
Ɀino iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, hana dzaʋo dzikaʋaroʋa, ʋakaɓuɗa mumŋe‐mumŋe, kutaŋga ʋakuru kuȿikira kunowokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi wakaŋga amire pakati paʋo.
10
Jesu akakotoroka; ɀino asiŋgaʋoni munhu, asi mukadzi oga, akati kwaari: Mai, ʋaya ʋakupomera mhoȿa ʋaripiko? Hakuna‐wakutoŋga here?
11
Iye akati: Hakuna, Ishe! Jesu akati kwaari: Neni ʋo handikupi mhoȿa. Enda hako, usatadza ɀe.]
12
Ɀino Jesu wakataura ɀe naʋo, akati: Ndini ciedza cenyika; unonditeʋera haaŋgatoŋgofambi murima, asi ucaʋa neciedza coʋupenyu.
13
Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakati kwaari: Unoɀipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwaɀokwaɗi.
14
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Kunyaŋge ndiciɀipupurira, kupupura kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti ndinoziʋa kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuziʋi kwandakabva, nokwandinoenda.
15
Imi munotoŋga nenyama; ini handitoŋgi munhu.
16
Asi kunyaŋge ndicitoŋga, kutoŋga kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti handizi ndoga, asi ini naƂaɓa ʋakandituma.
17
Ʋuye mumurairo wenyu makanyorwa, kuti kupupura kwaʋanhu ʋaʋiri ndokwaɀowaɗi.
18
Ndini ndinoɀipupurira, naƂaɓa ʋakandituma, ʋanondipupurira ʋo.
19
Ɀino ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋako ʋaripiko? Jesu akapindura, akati: Hamundiziʋi ini, kunyaŋge naƂaɓa ʋaŋgu ʋo; ɗai maindiziʋa ini, maiziʋa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu.
20
Wakataura mashoko awa paciʋigiro cemari acidzidzisa mutembere; kwakaŋga kusinomunhu wakamuɓata, nokuti ŋguʋa yake yakaŋga isati yaȿika.
21
Ɀino wakati ɀe kwaʋari: Ndinoenda, mucanditȿaka, mukafira muɀiʋi ɀenyu; pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po.
22
Ɀino ʋaJuda ʋakati: Ucaɀiʋuraya kanhi, ɀaanoti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po?
23
Akati kwaʋari: Imi muri ʋapasi, ini ndiri wokumsoro; imi muri ʋenyika ino, ini handizi wenyika ino.
24
Naiɀoɀo ndakati kwamuri: Mucafira muɀiʋi ɀenyu, nokuti kana musiŋganditendi, kuti ndini iye, mucafira muɀiʋi ɀenyu.
25
Ɀino ʋakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwaʋari: Iɀo ɀandinoŋgoramba ndicikuʋudzai kubva pakutaŋga.
26
Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kureʋa nokutoŋga pamsoro penyu; asi wakandituma ndowaɀokwaɗi; iɀo ɀandakanzwa kwaari, ndiɀo ɀandinoʋudza nyika.
27
Asi haʋana‐kunzwisisa kuti unoʋaʋudza ɀaƂaɓa.
28
Naiɀoɀo Jesu akati: Kana masimudza Mŋanakomana womunhu, ipapo mucaziʋa kuti ndini iye, ʋuye kuti ini handiiti cinhu ndimene, asi ndinoreʋa iɀoɀo ɀandakadzidziswa naƂaɓa.
29
Wakandituma uneni. Haana‐kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita ŋguʋa dzose ɀinomufadza.
30
Wakati areʋa iɀoɀo, ʋazhinji ʋakatenda kwaari.
31
Ɀino Jesu wakati kuʋaJuda aʋo, ʋakaŋga ʋamutenda: Kana imi mucigara mushoko raŋgu, muri ʋadzidzi ʋaŋgu ɀirokwaɀo.
32
Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai.
33
Ʋakamupindura, ʋakati: Tiri ʋorudzi rwaAbrahama isu, hatina‐kutoŋgoʋa ʋaranda ʋomunhu; ɀino iwe uŋgareʋa seiko kuti mucasunuŋgurwa?
34
Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, ndiye muranda weɀiʋi.
35
Muranda haagari mumba nokusiŋgaperi; mŋanakomana ndiye unogara nokusiŋgaperi.
36
Naiɀoɀo kana Mŋanakomana acikusunuŋgurai, mucaʋa ʋakasunuŋguka kwaɀo.
37
Ndinoziʋa kuti muri rudzi rwaAbrahama; asi munotȿaka kundiʋuraya, nokuti shoko raŋgu hariendiki mukati menyu.
38
Ini ndinoreʋa iɀo ɀandakaʋona kunaƂaɓa ʋaŋgu; imi munoita ʋo ɀamanzwa kunaɓaɓa ʋenyu.
39
Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋeɗu ndiAbrahama. Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa ʋana ʋaAbrahama, maiita maɓasa aAbrahama.
40
Asi ɀino munotȿaka kundiʋuraya, ini munhu wakakuʋudzai ɀokwaɗi, yandakanzwa kunaMŋari. Abrahama haana‐kuita iɀoɀo.
41
Imi munoita maɓasa aɓaɓa ʋenyu. Ʋakati kwaari: Hatina‐kuɓerekwa noʋupombge; tinaƂaɓa ʋamŋe, iye Mŋari.
42
Jesu akati kwaʋari: Ƌai Mŋari aiʋa Ƃaɓa ʋenyu, maindiɗa ini; nokuti Ndakaɓuɗa, ndikabva kunaMŋari. Nokuti handina‐kuɀiʋuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma.
43
Hamunzwisisi seiko kutaura kwaŋgu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko raŋgu.
44
Imi muri ʋaɓaɓa ʋenyu Diaborosi, munoɗa kuita kuɗa kwakaipa kwaɓaɓa ʋenyu. Iye wakaŋga ari muʋurayi kubva pakutaŋga; haamiri muɀokwaɗi, nokuti maari hamuneɀokwaɗi. Kana acireʋa nhema, unoreʋa ɀake, nokuti ndiye wenhema, ʋuye ɓaɓa ʋadzo.
45
Asi ini, ɀandinoreʋa ɀokwaɗi, hamunditendi.
46
Ndianiko kwamuri uŋganditendisa kuti ndineɀiʋi? Kana ndicireʋa ɀokwaɗi, munoregereiko kunditenda?
47
Uri waMŋari, unonzwa mashoko aMŋari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri ʋaMŋari.
48
ƲaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Hatinakureʋa kwaɀo here, ticiti: Uri muSamaria, unomŋeya wakaipa?
49
Jesu akapindura, akati: Handinomŋeya wakaipa, asi ndinokudza Ƃaɓa ʋaŋgu, ɀino imi mondiɀidza.
50
Ini handitȿaki kuti ndikudzwe; uri’ko mumŋe unoɀitȿaka, acitoŋga.
51
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu.
52
ƲaJuda ʋakati kwaari: Tinoziʋa ɀino kuti unomŋeya wakaipa; Abrahama wakafa, naʋaprofita ʋo; ɀino iwe unoti: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu.
53
Ko iwe uri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋakafa, kanhi? naʋaprofita ʋakafa? Unoɀiita aniko?
54
Jesu akapindura, akati: Kana ini ndiciɀikudza, kuɀikudza kwaŋgu hakunamaturo; unondikudza ndiʋo Ƃaɓa, aʋo ʋamunoti ndiMŋari wenyu.
55
Hamuna‐kuʋaziʋa imi, asi ini ndinoʋaziʋa; kana ini ndikati handiʋaziʋi, ndaʋa mureʋi wenhema semi; asi ndinoʋaziʋa ini, ndinoceŋgeta shoko raʋo.
56
Abrahama, ɓaɓa ʋenyu, ʋakafara, ʋaciti ʋacaʋona zuʋa raŋgu; ʋakariʋona, ʋakafara.
57
Ipapo ʋaJuda ʋakati kwaari: Iwe ugere kuȿika makore anamakumi mashanu, wakaʋona Abrahama sei?
58
Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Abrahama asati aʋa’po, ini ndaiʋa’po.
59
Ipapo ʋakanoŋga mabge kuti ʋamutake nawo; asi Jesu wakaɀiʋanza, akaɓuɗa mutembere.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21