bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 6
John 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
1
Shure kwaiɀoɀo Jesu wakenda mhiri kweguŋgwa reGarirea, ndiro reTiberiasi.
2
Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera, nokuti ʋakaʋona ɀiratidzo ɀaaiita kuʋarwere.
3
Jesu akakwira mugomo, akagara’mo naʋadzidzi ʋake.
4
Paseka, mutambo waʋaJuda, wakaŋga uri pedyo.
5
Ɀino Jesu wakati acitarira, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaciʋuya kwaari, akati kunaFiripo: Tiŋgateŋgepiko ɀiŋgwa, kuti ʋanhu aʋa ʋadye?
6
Wakareʋa iɀoɀo kuti amuidze, nokuti iye wakaziʋa amene ɀaakaŋga aciɗa kuita.
7
Firipo akamupindura, aciti: Ɀiŋgwa ɀamadenari anamazana maʋiri haɀiŋgaʋariŋgani, kuti mumŋe nomumŋe atore ɀishoma.
8
Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake, Andreasi, munuŋuna waSimoni Petro, akati kwaari:
9
Pano panomukomana, uneɀiŋgwa ɀishanu ɀebari nehoʋe mbiri; asi iɀi ɀiŋgakwanira sei ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai?
10
Jesu akati: Garisai ʋanhu pasi. Ɀino kwakaŋga kunoʋuswa bguzhinji ipapo. Naiɀoɀo ʋarume ʋakagara pasi, kuwanda kwaʋo kuneŋge ɀuru ɀishanu.
11
Ɀino Jesu akatora ɀiŋgwa; akaʋoŋga, akaɀipa ʋakaŋga ʋagere pasi; nehoʋe ʋo saiɀoɀo paʋaiɗa napo.
12
Ɀino ʋakati ʋaguta, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋuŋganidzai ɀimeɗu ɀakasara, kuti kurege kurashika cinhu.
13
Ipapo ʋakaɀiʋuŋganidza, ʋakazadza mateŋgu anegumi namaʋiri neɀimeɗu ɀeɀiŋgwa ɀishanu ɀebari, ɀakaŋga ɀasara kunaʋakadya.
14
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaʋona ciratidzo caakaita, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita, unoʋuya panyika.
15
Ɀino Jesu, ɀaakaziʋa kuti ʋoɗokuʋuya kumuɓata nesimba kuzomuita mambo, akabva ɀe, akaenda mugomo ari oga.
16
Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋake ʋakaɓurukira kuguŋgwa;
17
ʋakapinda mugwa, ʋakataŋga kuyambuka guŋgwa kuenda Kapernaume. Ɀino kwakaŋga kwaȿiɓa, asi Jesu wakaŋga asati aȿika kwaʋari.
18
Guŋgwa rikataŋga kumutswa nemhepo huru yaivuvuta.
19
Ɀino ʋakati ʋakwaȿa ɀikuru mastadia aneŋge makumi maʋiri namashanu, kana makumi matatu, ʋakaʋona Jesu acifamba pamsoro peguŋgwa, acisweɗera pedyo negwa; ʋakatya.
20
Asi iye akati kwaʋari: Ndini, musatya.
21
Ɀino ʋakafara kumugamucira mugwa, igwa rikaȿika pakarepo kunyika kwaʋakaŋga ʋacienda.
22
Aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire mhiri kweguŋgwa, ʋakaʋona kuti pakaŋga pasinerimŋe igwa ɗuku ipapo, asi iro rimŋe makaŋga mapinda ʋadzidzi ʋake, mariri, ʋuye kuti Jesu haana‐kupinda mugwa naʋadzidzi ʋake, asi kuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda ʋoga.
23
(Asi mamŋe magwa maɗuku akaŋga abva Tiberiasi, akaȿika pedyo paʋakadyira ɀiŋgwa, Ishe amboʋoŋga).
24
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona, kuti Jesu haa’po, naʋadzidzi ʋake, ʋakapinda ʋamene mumagwa maɗuku, ʋakaȿika Kapernaume, ʋacitȿaka Jesu.
25
Ɀino ʋakati ʋamuwana mhiri kweguŋgwa, ʋakati kwaari: Rabi, maʋuya pano riniko?
26
Jesu akaʋapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hamunditȿaki nokuti makaʋona ɀiratidzo, asi nokuti makadya ɀiŋgwa mukaguta.
27
Musaɓatira ɀokudya ɀinopera, asi ɀokudya ɀinogara kuʋupenyu bgusiŋgaperi, ɀamucapiwa noMŋanakomana womunhu; nokuti Ƃaɓa, Mŋari, ʋakaisa cisimbiso kwaari.
28
Ɀino ʋakati kwaari: Ticaiteiko, kuti tiɓate maɓasa aMŋari?
29
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ƃasa raMŋari ndiro, kuti mutende kunaiye waakatuma.
30
Ɀino ʋakati kwaari: Munoita ciratidzo cipiko, kuti tiʋone, tikutendei? Imi munoɓateiko?
31
Madziɓaɓa eɗu akadya mana murenje, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, kuti ʋadye.
32
Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga.
33
Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu.
34
Ɀino ʋakati kwaari: Ishe, tipei ciŋgwa ici misi yose.
35
Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota.
36
Asi ndakakuʋudzai, kuti makandiʋona, asi hamutendi.
37
Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanondipa ɀicaʋuya kwandiri; nounoʋuya kwandiri, handiŋgatoŋgomurashiri kunze.
38
Nokuti handina‐kuɓuruka kuɗeŋga, kuti ndiite kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma.
39
Kuɗa kwowakandituma ndiko, kuti paɀose ɀaakandipa, ndirege kurashikirwa necimŋe, asi kuti ndicimutse nezuʋa rokupedzisira.
40
Nokuti kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ndiko, kuti mumŋe nomumŋe, unotarira Mŋanakomana, nokutenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
41
Ɀino ʋaJuda ʋakaŋuŋuna pamsoro pake, nokuti wakati: Ndini ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga.
42
Ʋakati: Uyu haazi Jesu, Mŋanakomana waJosefa, watinoziʋa ɓaɓa namai ʋake here? Ɀino uŋgagoti seiko: Ndakaɓuruka kuɗeŋga?
43
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Musaŋuŋuna pakati penyu.
44
Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
45
Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri.
46
Ha ndireʋi kuti kunomunhu wakaʋona Ƃaɓa; asi uyo unobva kunaMŋari, ndiye wakaʋona Ƃaɓa.
47
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda, unoʋupenyu bgusiŋgaperi.
48
Ndini ciŋgwa coʋupenyu.
49
Madziɓaɓa enyu akadya mana murenje, akafa.
50
Ici ndico ciŋgwa, cinoɓuruka kuɗeŋga, kuti munhu acidye, arege kufa.
51
Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika.
52
Ɀino ʋaJuda ʋakakakaʋara pakati paʋo, ʋaciti: Munhu uyu uŋgatipa seiko nyama yake, tidye?
53
Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana musiŋgadyi nyama yoMŋanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamunoʋupenyu mamuri.
54
Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
55
Nokuti nyama yaŋgu ndiɀo ɀokudya ɀaɀokwaɗi, neropa raŋgu ɀokunwa ɀaɀokwaɗi.
56
Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unogara mandiri, neni maari.
57
Ƃaɓa ʋapenyu, seɀaʋakandituma, neni ndicirarama naƂaɓa; saiɀoɀo unondidya, ucararama neni.
58
Ici ndico ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga; haɀina‐kuita samadziɓaɓa akadya, akafa; unodya ciŋgwa ici ucararama nokusiŋgaperi.
59
Wakareʋa ɀinhu iɀi musinagoge, acidzidzisa paKapernaume.
60
Ɀino ʋazhinji ʋaʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Iri shoko igukutu; ndianiko uŋgarinzwa?
61
Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa mumŋoyo make kuti ʋadzidzi ʋake ʋanoŋuŋuna neshoko irero, akati kwaʋari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi?
62
Mucagoɗiniko kana muciʋona Mŋanakomana womunhu acikwira kwaaiʋa pakutaŋga?
63
Mŋeya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mŋeya noʋupenyu.
64
Asi ʋamŋe ʋenyu ʋari’ko ʋasiŋgatendi; nokuti Jesu wakaŋga aciziʋa kubva pakutaŋga, kuti ʋaisatenda ndiʋanani, ʋuye kuti ndiani waizomupandukira.
65
Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana asina‐kuɀipiwa naƂaɓa.
66
Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋazhinji ʋakadzokera shure, ʋakasazofamba naye.
67
Jesu akati kunaʋanegumi naʋaʋiri: Nemi munoɗa kubva ʋo here?
68
Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, ticagoenda kunaniko? Ndimi munamashoko oʋupenyu bgusiŋgaperi.
69
Isu takatenda, tikaziʋa kuti ndimi Mutȿene waMŋari.
70
Jesu akapindura, akati: Handina‐kukusanaŋgurai, imi ʋanegumi naʋaʋiri here? Asi mumŋe wenyu ndo wa Diaborosi.
71
Wakareʋa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti, nokuti ndiye waizomupandukira, waiʋa mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21