bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 9
John 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
1
Wakati acipfuʋura, akaʋona munhu wakaŋga ari ɓofu kubva pakuɓerekwa kwake.
2
Ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, ʋaciti: Rabi, ndianiko wakatadza, uyu kana ʋaɓereki ʋake, ɀaakaɓerekwa riri ɓofu?
3
Jesu akapindura, akati: Uyu haana‐kutadza, kunyaŋge naʋaɓereki ʋake; asi iɀi ɀakaitwa kuti maɓasa aMŋari aʋoneswe maari.
4
Tinofanira kuɓate‐ɓasa rowakandituma, aciri masikati; ʋusiku bgunoʋuya, bgusiŋgagoni munhu kuɓate‐ɓasa nabgo.
5
Ndiciri panyika, ndiri ciedza cenyika.
6
Wakati areʋa iɀoɀo, akapfira mate pasi, akakanya ɗope namate, akazodza ɗope rawo pameso ake,
7
akati kwaari: Enda undoshamba mudziʋa reSiroami, (ndokuti, kana ɀicishandurwa, Kutumŋa). Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka aciʋona.
8
Ʋakaŋga ʋagere naye, naʋaimuʋona kare, kuti ndiye waikumbira, ʋakati: Ko uyu haazi iye waigara acikumbira here?
9
Ʋamŋe ʋakati: Ndiye; ʋamŋe ʋakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini.
10
Ɀino ʋakati kwaari: Meso ako akagoȿinudzwa seiko?
11
Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya ɗope, akazodza meso aŋgu, akati kwandiri: Enda Siroami, undoshamba; naiɀoɀo ndakaenda, ndikashamba, ndikaʋona.
12
Ʋakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handiziʋi.
13
Ʋakamuisa kuʋaFarise, iye wakaŋga ari ɓofu kare.
14
Ɀino raiʋa saɓata zuʋa iro Jesu raakakanya ɗope naro, akaȿinudza meso ake.
15
Ɀino ʋaFarise ʋakamubvunza ɀe, kuti wakaʋoneswa sei. Akati kwaʋari: Wakaisa ɗope pameso aŋgu, ndikandoshamba, ndikaʋona.
16
Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati: Munhu uyu haazi waMŋari, nokuti haaceŋgeti saɓata. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko munhu mutadzi uŋgaita seiko ɀiratidzo ɀakaɗai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati paʋo.
17
Ɀino ʋakati ɀe kuɓofu: Iwe unoti kuɗiniko pamsoro pake, ɀaakaȿinudza meso ako? Akati: Muprofita.
18
Naiɀoɀo ʋaJuda haʋana‐kutenda pamsoro pake, kuti wakaŋga ari ɓofu, akazoʋona, kuȿikira ʋaɗana ʋaɓereki ʋowakaʋoneswa,
19
ʋakaʋabvunza, ʋaciti: Uyu ndiye mŋanakomana wenyu, wamunoti wakaɓerekwa riri ɓofu here? Ɀino unogoʋona seiko?
20
Ʋaɓereki ʋake ʋakapindura, ʋakati: Tinoziʋa kuti uyu mŋanakomana weɗu, ʋuye kuti wakaɓerekwa riri ɓofu;
21
asi hatiziʋi kuti ɀino woʋona sei; nowakaȿinudza meso ake, hatimuziʋi; mubvunzei henyu; waaruka, ucaɀireʋera hake.
22
Ʋaɓereki ʋake ʋakareʋa iɀoɀo, nokuti ʋaitya ʋaJuda, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋatotenderana, kuti kana kuciŋge kuno munhu unotenda kuti ndiye Kristu, aɓuɗiswe musinagoge.
23
Naiɀoɀo ʋaɓereki ʋake ʋakati: Waaruka hake, mubvunzei henyu.
24
Ɀino ʋakamuɗana ɀe rwecipiri, iye munhu wakaŋga ari ɓofu, ʋakati kwaari: Rumbidza Mŋari; isu tinoziʋa kuti munhu uyu mutadzi.
25
Ipapo iye akapindura, akati: Kana ari mutadzi ini handiziʋi; ndinoziʋa cinhu cimŋe, kuti ndaiʋa ɓofu, ɀino ndoʋona.
26
Ipapo ʋakati kwaari: Wakakuiteiko? Wakaȿinudza meso ako sei?
27
Akaʋapindura, akati: Ndatokuʋudzai, mukasanzwa. Munoɗa kunzwa ɀe nemhaka yeiko? Nemi munoɗa kuʋa ʋadzidzi ʋake ʋo kanhi?
28
Ʋakamutuka, ʋaciti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri ʋadzidzi ʋaMosesi.
29
Tinoziʋa kuti Mŋari wakataura naMosesi; asi uyu hatiziʋi kwaakabva.
30
Iye munhu akapindura, akati kwaʋari: Nyambera cinhu ici cinoshamisa, kuti imi hamuziʋi kwaanobva, kunyaŋge akaȿinudza meso aŋgu.
31
Tinoziʋa kuti Mŋari haanzwi ʋatadzi; asi kana munhu acishumira Mŋari, aciita kuɗa kwake, unomunzwa iye.
32
Kubvira pakutaŋga hakunakumbonzwika, kuti mumŋe wakaȿinudza meso omunhu, wakaɓerekwa riri ɓofu.
33
Ƌai uyu asati ari waMŋari, haazaigona kuita cinhu.
34
Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Iwe wakaɓerekerwa kwaɀo muɀiʋi, ɀino iwe wotidzidzisa su? Ʋakamudziŋgira kunze.
35
Jesu akanzwa kuti ʋamudziŋgira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMŋanakomana waMŋari here?
36
Akapindura, akati: Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari?
37
Jesu akati kwaari: Wamuʋona, ʋuye, ndiye unotaura newe.
38
Ipapo akati: Ndinotenda, Ishe. Akamunamata.
39
Jesu akati: Kutoŋga ndiko kwandaʋuyira panyika ino, kuti ʋasiŋgaʋoni, ʋaʋone; naʋanoʋona ʋaʋe mapofu.
40
Aʋo ʋaʋaFarise ʋaiʋa naye, ʋakaɀinzwa, ʋakati kwaari: Ko nesu ʋo tiri mapofu here?
41
Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa mapofu, hamuzaiʋa neɀiʋi, asi ɀino munoti: Tinoʋona; ɀiʋi ɀenyu ɀinoramba ɀiri’po.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21