bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 7
John 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
1
Shure kwaiɀoɀo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakaŋga asiŋgaɗi kufamba muJudea, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋaciɗa kumuʋuraya.
2
Ɀino mutambo waʋaJuda wamatumba wakaŋga uri pedyo.
3
Naiɀoɀo ʋanuŋuna ʋake ʋakati kwaari: Ibva pano, uende Judea, kuti ʋadzidzi ʋako ʋaʋone ʋo maɓasa ako aunoita.
4
Nokuti hakunomunhu unoita cinhu cinyararire, kana iye amene aciɗa kuzikanwa; kana iwe uciita iɀi, uɀiratidze kunyika.
5
Nokuti naʋanuŋuna ʋake ʋakaŋga ʋasiŋgatendi kwaari.
6
Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika; asi ŋguʋa yenyu inogara yakagadzirwa.
7
Nyika haiŋgakuʋeŋgiyi imi; asi inondiʋeŋga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti maɓasa ayo akaipa.
8
Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika kwaɀo.
9
Wakati areʋa iɀoɀo kwaʋari, akagara Garirea.
10
Ɀino ʋanuŋuna ʋake ʋakati ʋakwira kumutambo, iye akabva okwira ʋo, asiŋgaendi pacena, asi paneŋge sapakaʋanda.
11
Ɀino ʋaJuda ʋakamutȿaka pamutambo, ʋakati: Uripiko iye?
12
Kuŋuŋuna kukuru kukaʋa’po pakati paʋazhinji pamsoro pake, ʋamŋe ʋaciti: Wakanaka; ʋamŋe ʋaciti: Kwete, unotsausa ʋanhu ʋazhinji.
13
Kunyaŋge ɀakaɗaro kwakaŋga kusinomunhu waitaura pacena pamsoro pake, nokuti ʋakatya ʋaJuda.
14
Ɀino kwakati paʋa pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akataŋga kudzidzisa.
15
Naiɀoɀo ʋaJuda ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu unoziʋa seiko manyoro, ɀaasina‐kumbodzidza?
16
Jesu akapindura, akati: Kudzidzisa kwaŋgu hakuzi kwaŋgu, asi ndokwowakandituma.
17
Kana munhu aciɗa kuita kuɗa kwake, ucaziʋa kana kudzidzisa uku kucibva kunaMŋari, kana ndiciɀitaurira ndimene.
18
Unoɀitaurira, unotȿaka kukudzwa kwake; asi unotȿaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye waɀokwaɗi, hapanakusarurama maari.
19
Mosesi haana‐kukupai murairo here? Asi hakunomumŋe wenyu unoita murairo. Munotȿakireiko kundiʋuraya?
20
Ʋanhu ʋazhinji ʋakapindura, ʋaciti: Unomŋeya wakaipa iwe; ndianiko unotȿaka kukuʋuraya?
21
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ndakaita ɓasa rimŋe, mukashamiswa mose.
22
Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dziŋgiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadziɓaɓa); ɀino imi munodziŋgisa munhu nesaɓata.
23
Ɀino kana munhu aŋgadziŋgiswa nesaɓata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamŋira nokuti ndakaporesa munhu wose nesaɓata here?
24
Musatoŋga neɀinoʋonekwa, asi toŋgai nokutoŋga kwakarurama.
25
Ɀino ʋamŋe ʋeJerusarema ʋakati: Ko haazi iye waʋaitȿaka kuʋuraya here?
26
Tarirai, unotaura pacena, ʋasiŋgareʋi cinhu kwaari. Ko ʋakuru ʋanoziʋa kwaɀo kanhi kuti ndiye Kristu?
27
Ɀino uyu tinoziʋa kwaanobva, asi Kristu kana aciȿika, hakunomunhu uŋgaziʋa kwaanobva.
28
Ɀino Jesu akaɗanidzira mutembere, akadzidzisa, aciti: Munondiziʋa, munoziʋa napandakabva; handina‐kuʋuya ini ndimene, asi wakandituma ndiye waɀokwaɗi, wamusiŋgaziʋi imi.
29
Ini ndinomuziʋa, nokuti ndinobva kwaari; ndiye wakandituma.
30
Naiɀoɀo ʋakatȿaka kumuɓata, asi kwakaŋga kusinomunhu wakaisa ruʋoko kwaari, nokuti ŋguʋa yake yakaŋga isati yaȿika.
31
Asi ʋamŋe ʋazhinji ʋakatenda kwaari, ʋakati: Kana Kristu acizoȿika, uŋgaita ɀiratidzo ɀizhinji kuneɀiɀi ɀakaitwa noyuyu here?
32
Ɀino ʋaFarise ʋakanzwa ʋanhu ʋazhinji ʋaciŋuŋuna iɀoɀo pamsoro pake; ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakatuma ʋatariri kundomuɓata.
33
Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ndiciri nemi ŋguʋa ɗuku, ndigoenda kunowakandituma.
34
Mucanditȿaka, asi hamuŋgandiwani; ʋuye apo pandiri, imi hamuŋgaȿiki’po.
35
Ɀino ʋaJuda ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu unoɗa kuendepiko, kwatisiŋgazomuwani? Ko unoɗa kuenda kunaʋakapararira pakati paʋaGiriki, kuti andodzidzisa ʋaGiriki here?
36
Rinoti kuɗiniko shoko iri raareʋa, rokuti: Mucanditȿaka, asi hamuŋgandiwani, ʋuye, apo pandiri, imi hamuŋgaȿiki’po?
37
Ɀino nezuʋa rokupedzisira, zuʋa guru romutambo, Jesu wakamira, akaɗanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ŋgaaʋuye kwandiri, anwe.
38
Unotenda kwandiri, seɀaɀakarebga noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzicayerera dzicibva mukati make.
39
Asi iɀi wakareʋa ɀoMŋeya, waizopiwa aʋo ʋaitenda kwaari, nokuti Mŋeya wakaŋga usati waʋa’po, nokuti Jesu wakaŋga asati akudzwa.
40
Ɀino ʋamŋe pakati paʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacinzwa mashoko awa, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita.
41
Ʋamŋe ʋakati: Uyu ndiye Kristu. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko Kristu uŋgabva Garirea here?
42
Rugwaro haruna‐kureʋa here, kuti Kristu ucabva kurudzi rwaDavidi, napamusha weBetrehema, paiʋa naDavidi?
43
Naiɀoɀo kupesana kwakamuka pamsoro pake pakati paʋazhinji.
44
Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciɗa kumuɓata; asi kwakaŋga kusina‐wakaisa maʋoko kwaari.
45
Ɀino ʋatariri ʋakaʋuya kuʋaprista ʋakuru nokuʋaFarise, iʋo ʋakati kwaʋari: Makaregereiko kuʋuya naye?
46
Ʋatariri ʋakapindura, ʋakati: Hakunomunhu wakatoŋgotaura nokutaura kwomunhu uyo.
47
Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakaʋapindura, ʋakati: Nemi ʋo matsauswa kanhi?
48
Kuʋakuru nokuʋaFarise kunomumŋe wakatoŋgotenda kwaari here?
49
Asi ʋanhu aʋa ʋazhinji, ʋasiŋgaziʋi murairo, ʋakatukwa.
50
Nikodimo, (uya wakamboʋuya kwaari, waiʋa mumŋe waʋo), akati kwaʋari:
51
Murairo weɗu unotoŋga munhu, usati wambomunzwa, nokuziʋa caanoita here?
52
Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ko newe ʋo uri weGarirea here? Nɀera, uʋone kuti hakunomuprofita, unobva Garirea.
53
[Ipapo mumŋe nomumŋe wakaenda kumba kwake.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21