bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 17
John 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
1
Jesu wakataura iɀoɀi, akatarira kuɗeŋga, akati: Ƃaɓa, ŋguʋa yaȿika; kudzai Mŋanakomana wenyu, kuti Mŋanakomana akukudzei imi,
2
seɀamakamupa simba pamsoro penyama yose, kuti ʋose ʋamakamupa, aʋape ʋupenyu bgusiŋgaperi.
3
Ʋupenyu bgusiŋgaperi ndibgo, kuti ʋakuziʋei imi, Mŋari uri woga waɀokwaɗi, naJesu Kristu, wamakatuma.
4
Ndakakukudzai panyika, ndapedza ɓasa ramakandipa kuti ndiriite.
5
Ɀino imi Ƃaɓa, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiʋa nako kwamuri, nyika isati yaʋa’po.
6
Ndakaratidza ʋanhu, ʋamakandipa panyika, zita renyu. Ʋakaŋga ʋari ʋenyu, mukandipa iʋo, ʋakaceŋgeta shoko renyu.
7
Ɀino ʋanoziʋa kuti ɀose‐ɀose, ɀamakandipa, ɀinobva kwamuri.
8
Nokuti ndakaʋapa mashoko amakandipa, ʋakaagamucira, ʋakaziʋa ɀirokwaɀo kuti ndakabva kwamuri, ʋakatenda kuti ndakatumŋa nemi
9
Ndinoʋanyeŋgeterera iʋo; handinyeŋgetereri nyika, asi aʋo ʋamakandipa, nokuti ndiʋo ʋenyu.
10
Ɀose ɀaŋgu ndeɀenyu, neɀenyu ndeɀaŋgu; ndakudzwa maʋari.
11
Ini handiciri munyika, asi iʋo ʋari munyika; ini ndinoʋuya kwamuri. Ƃaɓa ʋatȿene, muʋaceŋgete muzita renyu, ramakandipa, kuti ʋaʋe ʋamŋe, sesu.
12
Ndiciri naʋo, ini ndaiʋaceŋgeta muzita renyu, ramakandipa; ndakaʋarinda, hapanomumŋe waʋo wakarashika, asi mŋanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike.
13
Asi ɀino ndoʋuya kwamuri; ndinotaura iɀi panyika, kuti ʋaʋe nomufaro waŋgu, wakazadzika maʋari.
14
Ini ndakaʋapa shoko renyu, nyika ikaʋaʋeŋga, nokuti haʋazi ʋenyika, seni ndisi wenyika.
15
Handinyeŋgeteri kuti muʋabvise panyika, asi kuti muʋaceŋgete panowakaipa.
16
Haʋazi ʋenyika, seni ndisi wenyika.
17
Muʋaite ʋatȿene muɀokwaɗi; shoko renyu iɀokwaɗi.
18
Seɀamakandituma panyika imi, saiɀoɀo neni ndakaʋatuma panyika.
19
Ndinoɀiita mutȿene nokuɗa kwaʋo, kuti naiʋo ʋaitwe ʋatȿene muɀokwaɗi.
20
Handinyeŋgetereri aʋa ɓedzi, asi naiʋo ʋanotenda ʋo kwandiri neshoko raʋo,
21
kuti ʋose ʋaʋe ʋamŋe; semi Ƃaɓa muri mandiri, neni mamuri; kuti naiʋo ʋaʋe matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
22
Neni ndakaʋapa kubginya kwamakandipa; kuti ʋaʋe ʋamŋe, sesu tiri ʋamŋe;
23
ini maʋari, nemi mandiri, ʋakwaniswe kuʋa ʋamŋe; kuti nyika iziʋe kuti makandituma, ʋuye kuti makaʋaɗa, seɀamakandiɗa ini.
24
Ƃaɓa, ndinoɗa kuti aʋo ʋamakandipa, ʋaʋe ʋo neni apo pandiri, kuti ʋaʋone kubginya kwaŋgu, kwamakandipa, nokuti makandiɗa nyika isati yaʋambga.
25
Ƃaɓa ʋakarurama, nyika hainakukuziʋai; asi ini ndakakuziʋai; naiʋaʋa ʋakaziʋa kuti makandituma.
26
Ndakaʋaziʋisa zita renyu, ʋuye ndicariziʋisa, kuti ruɗo, rwamakandiɗa narwo, ruʋe maʋari, neni ndiʋe maʋari.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21