bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 20
John 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
1
Ɀino no musi wokutaŋga weviki Maria Magdarene wakaenda kubgiro maŋgwanani, kucakaȿiɓa; akaʋona ibge rabviswa pabgiro.
2
Akamhanya, akaenda kunaSimoni Petro nokunomumŋe mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, akati kwaʋari: Ʋabvisa Ishe mubgiro, hatiziʋi paʋakamuisa.
3
Ɀino Petro akaɓuɗa nouya mumŋe mudzidzi, ʋakaenda kubgiro.
4
Ʋakamhanya ʋose ʋari ʋaʋiri; uya mumŋe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akataŋga kuȿika pabgiro,
5
akakotama aciɗoŋgorera, akaʋona miceka iri pasi, asi haana‐kupinda.
6
Ɀino Simoni Petro akaȿika ʋo, akapinda mubgiro, akaʋona miceka iri pasi;
7
nomuceka muɗuku, wakaŋga uri mumusoro wake, usati uri kunemimŋe miceka, asi wakapetwa uri pamŋe woga.
8
Ɀino uya mumŋe mudzidzi akapinda ʋo, iye wakataŋga kuȿika pabgiro, akaʋona, akatenda.
9
Nokuti ʋakaŋga ʋacigere kunzwisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuʋakafa.
10
Ɀino ʋadzidzi ʋakadzokera ɀe kumusha kwaʋo.
11
Asi Maria wakaramba amire kunze kwobgiro, acicema; ɀino acacema, akakotama, akaɗoŋgorera mubgiro.
12
Akaʋona ʋatumŋa ʋaʋiri, ʋane ŋguʋo cena, ʋagere, mumŋe kumusoro, mumŋe kumakumbo, ipapo pakaŋga paiswa mutumbu waJesu.
13
Iʋo ʋakati kwaari: Mai, munocemeiko? Akati kwaʋari: Nokuti ʋakabvisa Ishe waŋgu, ɀino handiziʋi kwaʋakamuisa.
14
Ɀino wakati acireʋa iɀoɀo, akatendeʋukira shure, akaʋona Jesu amire; asi haana‐kuziʋa kuti ndiJesu.
15
Jesu akati kwaari: Mai, munocemeiko? Munotȿaka aniko? Iye aciti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiʋudzei pamamuisa, ndindomutora.
16
Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeʋuka, akati kwaari neciHeberu: Raboni; ndokuti: Mudzidzisi.
17
Jesu akati kwaari: Usandiɓata, nokuti ndicigere kukwira kunaƂaɓa ʋaŋgu; asi enda kuhama dzaŋgu, uti kwaʋari: Ndinokwira kunaƂaɓa ʋaŋgu naƂaɓa ʋenyu, kunaMŋari waŋgu naMŋari wenyu.
18
Maria Magdarene akaenda, akaʋudza ʋadzidzi, aciti: Ndaʋona Ishe, ʋuye kuti wakaŋga aʋudzwa ɀinhu iɀi naye.
19
Ɀino aʋa maɗeko pazuʋa iro rokutaŋga reviki, mikoʋa yapfigwa paʋakaŋga ʋari ʋadzidzi nokutya ʋaJuda, Jesu akaʋuya, akamira pakati paʋo, akati kwaʋari: Rugare kwamuri!
20
Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake norutiʋi rwake. Ʋadzidzi ʋakafara ʋaciʋona Ishe.
21
Jesu akati ɀe kwaʋari: Rugare kwamuri! Ƃaɓa seɀaʋakandituma, neni ndinokutumai ʋo.
22
Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akafemera kwaʋari, akati kwaʋari: Gamucirai Mŋeya Mutȿene.
23
Aʋo, ʋamunokaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, ʋaɀikaŋganwirwa; aʋo, ʋamunoɓata ɀiʋi ɀaʋo, ɀaɓatwa.
24
Ɀino Tomasi, wainzi Didimo, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaŋga asi’po paʋari, pakuʋuya kwaJesu.
25
Ɀino ʋamŋe ʋadzidzi ʋakati kwaari: Taʋona Ishe. Iye akati kwaʋari: Kana ndikasaʋona maʋaŋga embambo muɀanza ɀake, nokuisa munwe waŋgu paiʋa nembambo, nokuisa ruʋoko rwaŋgu murutiʋi rwake, handiŋgatoŋgotendi.
26
Ɀino mazuʋa masere akati apfuʋura ɀe, ʋadzidzi ʋakaŋga ʋari’mo mukati, naTomasi anaʋo. Jesu akaʋuya, mikoʋa yapfigwa, akamira pakati paʋo, akati: Rugare kwamuri!
27
Ipapo akati kunaTomasi: Ʋuya pano nomunwe wako, uʋone ɀanza ɀaŋgu; ʋuya noruʋoko rwako, u ru ise murutiʋi rwaŋgu; usaʋa usiŋgatendi, asi unotenda.
28
Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe waŋgu, naMŋari waŋgu!
29
Jesu akati kwaari: Watenda, nokuti wandiʋona? Ʋacaropafadzwa ʋanotenda, kunyaŋge ʋasina‐kuʋona.
30
Ɀino Jesu wakaita ɀimŋe ɀiratidzo ɀizhinji pamberi paʋadzidzi ʋake, ɀisina‐kunyorwa mubuku iyi;
31
asi iɀi ɀakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mŋanakomana waMŋari; ʋuye kuti, mucitenda, muʋe noʋupenyu muzita rake.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21