bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 10
John 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
1
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Usiŋgapindi nomukoʋa muɗaŋga ramakwai, asi unokwira nokumŋe, imbava negororo.
2
Asi unopinda nomukoʋa, ndiye mufudzi wamakwai.
3
Murindi womukoʋa unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unoɗana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze.
4
Kana aɓuɗisa makwai ake ose, unoatuŋgamirira; makwai anomuteʋera, nokuti anoziʋa inzwi rake.
5
Asi mŋeni haaŋgatoŋgomuteʋeri, asi anomutiza; nokuti haaziʋi inzwi raʋaeni.
6
Jesu akareʋa mufananidzo uyu kwaʋari, asi haʋana‐kunzwisisa, kuti ɀaakaʋataurira ndeɀei.
7
Ɀino Jesu akati kwaʋari ɀe: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ndini mukoʋa wamakwai.
8
Ʋose ʋakanditaŋgira kuʋuya, imbava namakororo, asi makwai haana‐kuʋanzwa.
9
Ndini mukoʋa; kana munhu apinda neni, ucaponeswa, ucapinda, ucaɓuɗa, ucawana mafuro.
10
Mbava inoŋgoʋuya, kuti iɓe nokuʋuraya nokuparadza. Ini ndakaʋuya, kuti aʋe noʋupenyu, ʋuye aʋe nobgakawanda.
11
Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake ʋupenyu bgake.
12
Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unoti kana aciʋona ɓere riciʋuya, unosiya makwai, ndokutiza; ɓere rinoabvuta, nokuaparadza;
13
unotiza, ɀaari muranda; haanehanya namakwai.
14
Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziʋa makwai aŋgu, namakwai aŋgu anondiziʋa ini,
15
Ƃaɓa seɀaʋanondiziʋa, neni ndiciziʋa Ƃaɓa; ndinorashira makwai aŋgu ʋupenyu bgaŋgu.
16
Namamŋe makwai ndinawo, asati ari eɗaŋga rino. Naiwo ndinofanira kuʋuya nawo ʋo, acanzwa inzwi raŋgu; ricaʋa ɓoka rimŋe, nomufudzi mumŋe.
17
Saka Ƃaɓa ʋanondiɗa, nokuti ndinorasha ʋupenyu bgaŋgu, ndigobgutora ɀe.
18
Hakunomunhu uŋganditorera ibgo; asi ndinobgurasha ndimene. Ndinesimba rokubgurasha, ʋuye ndinesimba rokubgutora ɀe. Uyu murairo ndakaupiwa naƂaɓa ʋaŋgu.
19
Ipapo kupesana kukamuka ɀe pakati paʋaJuda pamsoro pamashoko iwayo.
20
Ʋazhinji ʋaʋo ʋakati: Unomŋeya wakaipa, unopeŋga; munomuterereiko?
21
Ʋamŋe ʋakati: Mashoko awa haati ari omunhu wakaɓatwa nomŋeya wakaipa; ko mŋeya wakaipa uŋgagona kuȿinudza meso amapofu here?
22
Yaiʋa ŋguʋa yomutambo wokuʋandudzwa kwetembere paJerusarema; caiʋa cando.
23
Jesu akafamba mutembere paɓiraʋira raSoromoni.
24
Ɀino ʋaJuda ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Ucatiʋetsa kuȿikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tiʋudze pacena.
25
Jesu akaʋapindura, akati: Ndakakuʋudzai, mukasatenda. Maɓasa andinoita nezita raƂaɓa, ndiwo anondipupurireni.
26
Asi imi hamutendi, nokuti hamuzi ʋamakwai aŋgu.
27
Makwai aŋgu anonzwa inzwi raŋgu; neni ndinoaziʋa, ʋuye anonditeʋera.
28
Ndinoapa ʋupenyu bgusiŋgaperi; haaŋgafi nokusiŋgaperi, ʋuye hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaŋgu.
29
Ɀandakapiwa naƂaɓa ʋaŋgu ɀikuru kuneɀose; hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaƂaɓa ʋaŋgu.
30
Ini naƂaɓa tiri ʋamŋe.
31
Ɀino ʋaJuda ʋakanoŋga ɀe mabge, kuti ʋamutake.
32
Jesu akaʋapindura, akati: Ndakakuratidzai maɓasa mazhinji akanaka akabva kunaƂaɓa; munonditakira ɓasa ripiko kunaiwayo?
33
ƲaJuda ʋakamupindura, ʋakati: Hatikutakiri ɓasa rakanaka; asi nokuti wamhura Mŋari; ʋuye, nokuti iwe munhu, unoɀiita Mŋari.
34
Jesu akaʋapindura, akati: Haɀina‐kunyorwa here mumurairo wenyu, ɀicinzi: Ndakati: Muri ʋamŋari?
35
Ɀino kana akaʋaidza ʋamŋari, iʋo shoko raMŋari rakaȿika kwaʋari, (Rugwaro haruŋgaputswi);
36
imi moti seiko kunaiye wakaitwa mutȿene naƂaɓa, nokutumŋa panyika: Unomhura Mŋari, ɀandakati: Ndiri Mŋanakomana waMŋari?
37
Kana ndisiŋgaiti maɓasa aƂaɓa ʋaŋgu, regai kunditenda ini;
38
asi kana ndiciaita, kunyaŋge musiŋganditendi ini, tendai maɓasa, mugoziʋa nokuziʋisisa, kuti Ƃaɓa ʋari mandiri, neni ndiri munaƂaɓa.
39
Ɀino ʋakatȿaka ɀe kumuɓata, asi iye wakapukunyuka pamaʋoko aʋo.
40
Ɀino wakaenda ɀe mhiri kwaJoridani, paya paibapatidza Johane pakutaŋga; akagara’po.
41
Ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Johane haana‐kuita ciratidzo, asi ɀose ɀakareʋa Johane pamsoro poyuyu ndeɀaɀokwaɗi.
42
Ʋazhinji ʋakatenda kwaari ipapo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21