bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 16
John 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
1
Ɀinhu iɀi ndakakuʋudzai, kuti murege kugumburwa.
2
Ʋacakuɓuɗisai mumasinagoge; asi ŋguʋa inoȿika, mumŋe nomumŋe wakakuʋurayai, ucati unoɓatira Mŋari ɓasa.
3
Ɀinhu iɀi ʋacaita, nokuti haʋana‐kuziʋa Ƃaɓa, kana ini.
4
Asi ndakakuʋudzai iɀi, kuti kana ŋguʋa yaɀo yaȿika, mugoɀiraŋgarira, kuti ndakakuʋudzai. Handina‐kukuʋudzai iɀi kubva pakutaŋga, nokuti ndaiʋa nemi.
5
Asi ɀino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumŋe wenyu unondibvunza, aciti: Munoendepiko?
6
Asi ɀino mŋoyo yenyu yafa neshuŋgu ɀandakakuʋudzai iɀi.
7
Asi ini ndinokuʋudzai ɀokwaɗi, kana ndiciti: Ɀirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisiŋgaendi, Munyaradzi haaŋgaʋuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndicamutumira kwamuri.
8
Iye kana aȿika, ucaziʋisa nyika pamsoro peɀiʋi, napamsoro pokururama, napamsoro pokutoŋgwa;
9
pamsoro peɀiʋi, nokuti haʋatendi kwandiri;
10
pamsoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa, hamuŋgazondiʋoni;
11
pamsoro pokutoŋgwa, nokuti mucinda wenyika ino watoŋgwa.
12
Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kukuʋudzai; asi hamugoni kuɀigamucira ɀino.
13
Asi kana aȿika, iye Mŋeya waɀokwaɗi, ucakutuŋgamirirai muɀokwaɗi yose; nokuti haaŋgatauri ɀake, asi ɀaakanzwa, ndiɀo ɀaacataura, ʋuye ucakuparidzirai ɀinoʋuya.
14
Ucandikudza, nokuti ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo.
15
Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanaɀo, ndeɀaŋgu; naiɀoɀo ndakati: Ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo.
16
Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona.
17
Ɀino ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋakataurirana, ʋaciti: Cinyiko ici caanoreʋa kwatiri, kuti: Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona, ʋuye: Nokuti ndinoenda kunaƂaɓa?
18
Naiɀoɀo ʋakati: Cinyiko caanoti: Casara ciŋguʋa ciɗuku? Hatiziʋi caanotaura.
19
Jesu akaziʋa kuti ʋanoɗa kumubvunza, akati kwaʋari: Munobvunzana here pamsoro pecinhu ici candareʋa, ndiciti: Casara ciŋguʋa ciɗuku, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona?
20
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mucarira nokucema imi, asi nyika icafara; imi mucanzwa shuŋgu, asi shuŋgu dzenyu dzicashanduka mufaro.
21
Mukadzi kana acipona, unonzwa shuŋgu, nokuti ŋguʋa yake yaȿika; asi kana apona mŋana, haacafuŋgi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika.
22
Nemi ɀino muneshuŋgu; asi ndicakuʋonai ɀe, nomŋoyo yenyu icafara; hakunomunhu uŋgakutorerai mufaro wenyu.
23
Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu.
24
Kuȿikira ɀino hamuna‐kukumbira cinhu muzita raŋgu; kumbirai, mucapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
25
Iɀi ndakataura kwamuri nemifananidzo, ŋguʋa inoʋuya yandisiŋgazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndicakuparidzirai pacena ɀaƂaɓa.
26
Nezuʋa iro mucakumbira muzita raŋgu; handikuʋudziyi, kuti ndicakunyeŋgeterera ini kunaƂaɓa;
27
nokuti Ƃaɓa ʋamene ʋanokuɗai, nokuti makandiɗa ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaƂaɓa.
28
Ndakabva kunaƂaɓa, ndikaʋuya panyika; ndinobva ɀe panyika, ndicienda kunaƂaɓa.
29
Ʋadzidzi ʋake ʋakati: Tarirai, ɀino motaura pacena, hamucareʋi nemifananidzo.
30
Ɀino toziʋa, kuti munoziʋa ɀose, hamutȿaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda naiɀoɀi kuti makabva kunaMŋari.
31
Jesu akaʋapindura, akati: Motenda ɀino here?
32
Tarirai, ŋguʋa inoʋuya, yatoȿika, yamucaparadzirwa, mumŋe nomumŋe kuneɀake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Ƃaɓa ʋaneni.
33
Ndakareʋa iɀoɀi kwamuri, kuti muʋe norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsuŋgai mŋoyo, ini ndakakunda nyika.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21