bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 2
John 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 3 →
1
Nezuʋa retatu mutambo wokuwana waiʋa’po paKana yeGarirea; namai ʋaJesu ʋakaŋga ʋari’po.
2
NaJesu naʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaɗanwa ʋo kumutambo wokuwana.
3
Waini yakati icizoshaikwa, mai ʋaJesu ʋakati kwaari: Haʋacinewaini.
4
Jesu akati kwaʋari: Ndineiko nemi, mai? Ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika.
5
Mai ʋake ʋakati kuʋaranda: Itai ɀose ɀaanokuʋudzai.
6
Ɀino kwakaŋga kunamakate matanhatu amabge, akaŋga aiswa’po netsika yaʋaJuda yokuɀinatsa, rimŋe nerimŋe raizadzwa neɀiyero ɀiʋiri kana ɀitatu.
7
Jesu akati kwaʋari: Zadzai makate nemvura. Iʋo ʋakaazadza kuȿikira pamiromo.
8
Akati kwaʋari: Cerai ɀino muise kumukuru womutambo. Ʋakandoisa.
9
Ɀino mukuru womutambo wakati araʋira mvura yakashanduka waini, asiŋgaziʋi payabva, (asi ʋaranda, ʋakaŋga ʋacera mvura, ʋaiziʋa), mukuru womutambo akaɗana cikomba,
10
akati kwaari: Munhu mumŋe nomumŋe unositaŋga aɓuɗisa waini yakanaka, neisiŋganaki kana ʋanwa kwaɀo; asi iwe waceŋgeta waini yakanaka kuȿikira ɀino.
11
Ici ciratidzo cake cokutaŋga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubginya kwake; ʋadzidzi ʋake ʋakatenda kwaari.
12
Shure kwaiɀoɀo wakaɓurukira Kapernaume, iye namai ʋake naʋanuŋuna, naʋadzidzi ʋake; akagara’po mazuʋa mashomanene.
13
Paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo; ɀino Jesu akakwira Jerusarema.
14
Akawana mutembere ʋaiteŋgesa ŋombe namakwai nenjiʋa, naʋaitsinhanha mari, ʋagere’mo.
15
Akaruka tyaʋa yorwonzi, akaɓuɗisa mutembere makwai neŋombe ɀose; akaparadza mari yaʋaitsinhanha, nokuwisa matafura aʋo.
16
Akati kunaʋaiteŋgesa njiʋa: Bvisai ɀinhu iɀoɀo muno; musaita imba yaƂaɓa ʋaŋgu imba yokuteŋgesera.
17
Ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira kuti kwakanyorwa, kucinzi: Kushiŋgairira imba yenyu kucandipedza.
18
Ɀino ʋaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Uŋgatiratidza ciratidzo ceiko, ɀaunoita ɀinhu iɀoɀo?
19
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Putsai tembere iyi, ini ndicaimutsa ɀe namazuʋa matatu.
20
Ɀino ʋaJuda ʋakati: Tembere iyi yakaʋakwa namakore anamakumi manna namatanhatu, ɀino iwe uŋgaimutsa namazuʋa matatu here?
21
Asi iye wakaŋga acireʋa tembere yomuʋiri wake
22
Ɀino wakati amutswa kuʋakafa, ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira, kuti wakaŋga areʋa iɀoɀo; ʋakatenda Rugwaro neshoko rakaŋga rarebga naJesu.
23
Ɀino ŋguʋa yaakaŋga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, ʋazhinji ʋakatenda kuzita rake, ʋaciʋona ɀiratidzo ɀaaiita.
24
Asi Jesu haana‐kuɀiisa mumaʋoko aʋo, nokuti wakaŋga aciʋaziʋa ʋose.
25
Wakaŋga asiŋgatȿaki kuti munhu mumŋe apupure ɀomunhu; nokuti wakaŋga aciziʋa iye ɀiri mumunhu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21