bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 13
Isaiah 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 14 →
1
Iri shoko rinorema rakanangana neBhabhironi rezvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi:
2
Pamhene zvapo pamusoro pechikomo misaipo chiratidzo muzhambarare kudaidzira kwavari muvaninire ruoko kuti vapinde mumisuo mikuru yokuvakuru vakuru.
3
Ini pachangu ndatema vanhu vangu vandakazvitsaurira ndikakoka magamba angu okurwa vanozvinzwa kuti vazopedzera hasha dzangu pavanhu ivava.
4
Herwo ruzha rwemhomho yavanhu pamakomo runenge rwegurumwandira chairo ravanhu! Hero bongozozo redzinyika, rwamarudzi ari kukokorodzana pamwechete! Tenzi wehondo nehondo ari kuunganidza hondo yavarwi yokurwisa.
5
Vanobva kunyika iri kure uko, vachibva kwakaperera denga chaiko, Tenzi nezvombo zvake zvehondo zvokushatirwa kwaakaita kuzoparadza nyika yose zvayo.
6
Hwihwidzai kuchema, nokuti Zuva raTenzi rava padyo, iroro richasvika riri zuva rokuparadza kwaSamasimbaose.
7
Naizvozvo maoko ose acharukutika munhu wose acharohwa nehana
8
zvichivakanhamisa. Vachabatwa nokurwadziwa zvokutodemba, vacharwadziwa somukadzi ari pakusununguka. Vachangoti nde-e kutarisana vazvishayira pazvo zviso zvavo zvichidikitira.
9
Hero Zuva raTenzi rouya! Zuva routsinye nokutsamwa nerehasha dzinotyisa rokusiya nyika yava renje nokuparadza vatadzi mairi;
10
nokuti nyenyedzi dzedenga negurusvusvu radzo dzichange dzisisavhenekere, zuva richange rakasviba pakubuda kwaro, mwedziwo usisina chiedza chaunopa.
11
“Ndicharangira nyika zvivi zvayo uye vatadzi uipi hwavo. Ndichapedza kuzvikudza kwose kwavanozvitutumadza, ndichitonhodza kuzvinyundumadza kwavasingakatare.
12
Ndichaita kuti vanhu vave vashoma kupinda ndarama yakanyatsokwenenzverwa. Kuwana vanhu kunenge kwotonetsa kupinda kuwana chidimu chendarama yokuOfiri.
13
Naizvozvo ndichaita kuti matenga azunguzike pasi pandengendeke pabve panzvimbo yapo pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo pazuva rehasha dzake dzinotyisa.
14
Semhara iri kudzingirirwa kana kuti sehwai dzisina anodzikokorodza mumwe nomumwe achaenda kuvanhu vokwake munhu achitizira kunyika yokwake.
15
Anenge angowanikwa anobayiwa anenge angobatwa anofa nebakatwa.
16
Pwere dzavo dzichapwashurwa vakatarisa dzimba dzavo dzichipambwa vakadzi vavo vachibhinywa.
17
“Chionai ndavakuvamutsira vaMidhia vasina hanya nesirivha kana kufarira zvendarama.
18
Uta hwavo hucharakasha kuuraya majaya vachange vasina tsitsi norusvava kana kuitira vana tsiye nyoro.
19
Bhabhironi, guta rinoshamisa panyika dzose mbiri nechidadiso chevaKaridhea richaita seSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari.
20
Hamuzombofa makagarwa kana kumboitwa musha imomo pazvizvarwa zvose zvazvo. Hakuna muArabhu achazomisa tendhe rake imomo hakuna vafudzi vachararisa hwai dzavo imomo.
21
Asi muchatorarwa zvamo namakava esango, dzimba dzavo dzichazara namazizi namajijidza. Mhou dzichagaramo uye zvidhoma zvichatambiramo.
22
Mapere acharidza zvawo huwi munharire dzavo namakava achihukura, mumizinda yavo inoyevedza. Nguva yaro yatosvika mazuva acho zvemberengera hapasisina.”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66