bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 51
Isaiah 51
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 50
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 52 →
1
“Nditeererei imi munotevera ururami, imi munotsvaka Tenzi. Tarisai kudombo kwamakakwakwanurwa nokuziware kwamakacherwa.
2
Hamuone here baba wenyu Abhurahamu, naSara akakuberekai? Nokuti pandakamudaidza, akanga achingova munhu mumwechete ndikazomukomborera nokumupa vana vazhinji,
3
nokuti Tenzi achanyaradza guta reZioni achinzwira tsitsi matongo aro ose achaita kuti renje raro rive seEdheni, gwenga raro richiita sebindu raTenzi. Muchafarwa imomo muchipemberwa, muchitendwa Mwari muchiimbwa.
4
“Teererai kwandiri vanhu vangu ndinzwei imi rudzi rwavanhu vangu nokuti kwandiri ndokuchabva mutemo noruenzaniso rwangu rwunopa chiedza kumarudzi.
5
Nguva yangu yokununura yava kutosvika izvozvi, nguva yangu yokuti ndichiponesa yatova kuuya izvozvi, marudzi evanhu achava mumaoko mangu, ndichatonga nyika dzokumakungwa dzakamirireni, vava kungotarisira kwandiri inini noruoko rwangu.
6
Simudzai musoro mutarise nameso enyu kumatenga, mutarisewo panyika pasi pasi nokuti matenga achanyangarika soutsi, pasi pachasakara sembatya, vanhu vanogaramo vachafawo senhunzi. Asi kununura kwangu kuchagara narini wose uye kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi.
7
“Nditeererei munzwe imi munoziva ururami, vanhu vane mwoyo une mutemo wangu, regai kutya kushorwa navanhu musatye kunyomba kwavo.
8
Ndinodaro nokuti vachadyiwa namabetepeswa sehembe vachidyiwa nezviundudzi semvere. Asi kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi uye kununura kwangu kuchagara kuripo zvizvarwa zvenyu zvose.”
9
“Simukai, simukai mukoke simba, imi Tenzi nesimba reruoko rwenyu simukai somumazuva aye epasichigare mazuva aye ekarekare. Hamusirimi here makaita Rahabhu kanyama kanyama muchibaya garanyanya riya?
10
Hamusirimi here makaomesa gungwa mvura zhinji yehwenje chaiyo muchiita kuti pasi pasi pegungwa pave nenzira, kuitira kuti vakanunurwa vapfuure.
11
Ipapo vakanunurwa naTenzi vachadzoka, vachauya kuZioni vachiimba vaine rufaro rusingaperi mumwoyo vachava nokupembera nokufara kusuwa nokuyaura zvichati ware kutiza.
12
“Ini iyeni ndini ndinokunyaradzai, chaunotyira munhu anofa chii munhuwo zvake akaita souswa
13
uchikanganwa Tenzi akakusika akawarira matenga akaita ugaro hwenyika uchiswerotya zvako ukasha hwomunhu anodzvanyirira, iye akaisa mwoyo mune zvokuparadza? Hwava papiko ukasha hwomunhu anobata vamwe zvakaipa wacho?
14
Nyakumbonzi pasi kota kota atobva asunungurwa izvozvi. Haachapafa kana kudzika kuGomba kunyange kushaya chokudya
15
nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wako anobvundura gungwa kuti masaisai aro atinhire. NdiTenzi wehondo nehondo ndozita rake irori.
16
Ndaisa mashoko angu mumuromo mako iwe ndikakuhwandisa mumumvuri weruoko rwangu, matenga ndinoadzika nyika ndichiitirawo ugaro hwayo ndiri kuti kuguta reZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”
17
Muka Muka, uti twii kumira iwe guta reJerusaremu iwe wakatumhiswa neshamhu yeruoko rwaTenzi mukombe wehasha dzake iwe wakanwa namasese ese kapfuko kezvakakudhadharitsa.
18
Hapasisina nomumwe anotungamirira Jerusaremu pakati pevanakomana vose zvavo varakabereka; wokurisesedza noruoko hapasisina pakati pevanakomana varo vose zvavo varakarera.
19
Zvinhu zviviri izvozvi izvi zvakakuwira iwe zvino ndiani achakubata maoko? Ko paumharadzi nepakuparadza kwose uku nepashangwa yenzara nepamapakatwa ehondo zvakakuwirai izvi, pakadai, ndinokunyaradza ndakaita sei?
20
Vana vako vacharukutika vakati rakata kurara pakona yoga yoga yomugwagwa vachiita sengwarati iri mumambure Mwari ari kuvaonesa ndondo nehasha dzake, kuri kutsiudza kwaMwari wavo.
21
Naizvozvo iwe Jerusaremu teerera unzwe izvi, iwe uri kuoneswa nhamo iwe wakadai kudhakwa, nezvisiri waini.
22
Zvanzi naTenzi wako, Tenzi, Mwari wako anopipirira vanhu vake nhuna dzavo, “Chinzwa unzwe ndobvisa mumaoko mako mukombe waikudhadharitsa nekapfuko kehasha dzangu hauchazvinwazve.
23
Asi vaikuonesa ndondo ivavo ndivo vandava kupa muruoko mukombe wenhamo iyoyo, ivo vaikuti, ‘Zvambarara pasi tifambe napamusoro pako,’ iwe ukanyatsoita kuti musana wako uti kwasvarara sepasi uye somugwagwa wavanofamba nawo.”
← Chapter 50
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 52 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66