bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 42
Isaiah 42
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 43 →
1
“Hoyu muranda wangu wandinotsigira munhu wandakazvisarudzira, wangu wepamwoyo. Ndakaisa Mweya wangu maari, achaunzira marudzi avanhu ruenzaniso.
2
Haazoita zvokudaidzira kana zvokushevedzera nenzwi rake kunyange kuita kuti rinzwike mumugwagwa.
3
Rutsanga runenge rwakatyoka haridimure, rambhi rine tambo inoti kamoto roi roi kubvira haaridzime, achaunzira vanhu ruenzaniso chairwo.
4
Haachazorasa mwoyo kana kudzokera shure. Kusvikira aunza ruenzaniso panyika, nyika dziri kumahombekombe kwegungwa dzamirira mutemo wake.”
5
Zvanzi naTenzi Mwari, iye akasika matenga achiatambanudza nokokoko iye akawarira nyika nezviri mairi iye anopa vanhu mweya wokufema iye anopa upenyu vanofamba mairi,
6
“Ndini Tenzi. Ndakakudaidzira kuzoita zvinhu chaizvo zvakarurama, ndakakubata ruoko ndikakuchengeta. Iwe ndiwe wandakaita kuti uve sechitenderano changu nendudzi dzavanhu chiedza kumarudzi avanhu
7
kuzozarura maziso amapofu, kuzoburitsa vasungwa mujeri rapasi pevhu kuburitsa mujeri vagere muzarima.
8
Ndini Yahweh, irori ndiro zita rangu. Hakuna zvako kana mumwe wandinopa ukuru hwangu kana kupa kurumbidzwa kwandinoitwa kuzvifananidzo zvokunamata zvakavezwa.
9
Chionaika kuti, zvinhu zvakare zvakatoitika zvino ndava kukuzivisai zvinhu zvitsva nguva yokuitika kwazvo isati yasvika, ndava kufanokutaurirai nezvazvo.”
10
Imbirai Tenzi rwiyo rutsva mumurumbidze, kubvira kumucheto wapasi pose. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri nenyika dzokumahombekombe kwegungwa navagari vadzo.
11
Gwenga namaguta aro ngazvidaidzire nezwi razvo nemishawo inogara Kedhari. Vagari vokuSera ngavaimbe nokufara kwazvo. Ngavadaidzire vari pamusoro chaipo pamakomo.
12
Ngavape mbiri kuna Tenzi vadhumise mukurumbira wake munyika dzokumahombekombe kwegungwa
13
Tenzi ari kuenda zvake segamba chairo rehondo, anoviruka nehasha somunhu wehondo. Anodaidzira anoshevedzera achizviratidza kuti ane simba rokukurira mhandu dzake.
14
Kwenguva ndefu ndanga ndinyerere zvangu, ndanga ndakangobata mwoyo ndichizvidzora zvangu. Zvino ndava kuridza mhere somukadzi ari panguva yokusununguka, ndochitura femo ndichifemereka.
15
Makomo nezvikomo ndichazviti pasi mbombombo kuparadza ndiomese zvose zvinomeramo. Nzizi ndichadzisandura kuita zvitsuwa madziva ndichiaomesa.
16
Uye mapofu ndichaatungamirira nenzira yavasingazivi, ndichivatungamirira nomutunzira twavanga vasingazivi. Panzvimbo perima rakavaputira ini ndichaisa chiedza pana makomba makomba ndichiita kuti pati chechetere. Izvozvi izvi ndozvinhu zvandichaita, handisi kuzovafuratira.
17
Asi vachapishunurwa vachinyadziswa chaizvo vanovimba nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvakavezwa, vanoti kuzvifananidzo zvoutare hwakaita zvokunyungurutswa, “Imi ndimi vamwari vedu.”
18
Chinzwa unzwe iwe matsi chitarisa iwe bofu uonewo!
19
Ndiani chaizvo ano upofu kusatoti iye muranda wangu, kana kuti ane umatsi sohwenhume yangu yandinotuma? Ndiani chaizvo ane upofu sehwaiye akateketererweni uyu, kana kuti ane upofu hwakaita sohwemuranda waTenzi?
20
Unoona zvako zvinhu zvakawanda asi haunyatsozvicherechedza, nzeve dzako dzakazaruka asi haunzwe.
21
Tenzi, pamusana pokururama kwake, akafadzwa nokurumbidza mutemo wake nokuita kuti ukurumbire.
22
Asi vanhu ivava vanhu vakabhinywa, vakapambwa, vose zvavo vakazaririrwa muninga vakahwandiswa mujeri, vakapinda munhamo isina anonunura, chinhu zvacho chokupamba chisina anoti, “Ngachidzorerwe!”
23
Pakati penyu nyaya iyoyi ndiani angaitetekere nzeve akateerera akanzwa zvakanangana neramangwana?
24
Ndianiko wakaisa wokwaJakobho mumaoko omupambi, uye vokwaIsiraeri mumaoko amabhinya? Handiti ndiTenzi here watakatadzira, ana makwara avasina kutevedza ano mutemo wavasina kuteerera?
25
Ndokusaka akapedzera paari shungu dzokuviruka kwaakanga aita nehasha, nokumupinza munhamo yehondo. Akaputirwa namarimi omoto asi kuti zvazvaireva haana kuzvibata zvakamupisa asi chidzidzo chacho hachina kumupinda mumusoro.
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 43 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66