bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 47
Isaiah 47
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 48 →
1
Chiburuka pasi ugare pavhu iwe mukunda mhandara, guta reBhabhironi ugare pasi usina chigaro choumambo. Iwe mukunda, guta revaKaridhea nokuti hauchanzi munhu ano mwoyo munyoro mwoyo wokuziva.
2
Chitotora makuyo uchikuya zvako upfu, vhoiri rako bvisa, katanura rokwe rako rinozvezvera napasi. Kwinya rokwe rako urisvitse muchiuno uyambuke nzizi.
3
Muviri wako uchaiswa pachena, uonererwe navanhu. Ndichatsividza ndisina wandinosiya.
4
Mununuri wedu ndiTenzi wehondo nehondo, ndozita rake iroro, ndiye Anoera weIsiraeri.
5
Chigara chinyararire upinde murima, iwe mukunda guta revaKaridhea, nokuti hauchazonzi shasha anotonga dzinyika.
6
Ndakanga ndashatirirwa vanhu vangu ndikan'oresa nhaka yangu ndikaiti mumaoko mako kuche, iwe hauna kuvaitira tsiye nyoro. Pane vakanga vakwegura ava joko rako wakariita kuti rinyatsoremesesa chaizvo
7
uchizviti, “Ndini ndichagara ndiri shasha narini wose.” Zvokuti mumwoyo mako umu zvinhu izvozvi izvi hauna kumbozvifunga kana kumborangarira zvako magumo wazvo.
8
Zvino naizvozvo chinzwa zvinhu izvi, iwe munhu wokusasana, iwe wakanyatsogarikana unozviti mumwoyo “Ndini pano ini, hakuna mumwe akaita seni! Ini, kugara sechirikadzi, hazvitomboitika, kana iko zvako kunzi ndafirwawo navana.”
9
Izvozvi zviri zviviri uchayerekana zvakuwira zuva rimwechetero, iko kushayikirwa navana nouchirikadzi, zvichakuwira nomwero wakanyatsokwana kunyange zvazvo iwe uine uroyi hwakanyanya kudai nesimba guru remakona ako.
10
Wakatogadzikana zvako mwoyo uri muhuipi hwako ihwohwo uchitozviti, “Hakuna anondiona.” Uchenjeri hwako noruzivo rwako, zvakakurasisa uchizviti mumwoyo, “Ndini pano ini hakuna mumwe kunze kwangu.”
11
Asi nhamo ichakuvinga yausingagoni kupedza nokupfupira, uchawirwa nenyatwa yausingakwanise kupodza nokupira, uchayerekana wawirwa nedzinoparadza dzausina chaunoziva nezvadzo.
12
Batisisa zvemakona ako izvozvo nezvouroyi hwako hwakanyanya ihwohwo zvawadai kushanda nazvo kubvira pauduku hwako dzimwe nguva ungagone kubudiriraka, zvimwe ungambotyisidzirawo.
13
Waneteswa nawo mazano ako akawanda, ngaachimiraka akununure tione, ivo vanoisa matenga muzvikamu zvikamu vanoongorora nyenyedzi pakugara kwemwedzi vanoti pakugara kwemwedzi vofemberaka pamusoro pezvichazokuwira.
14
Hezvo vava kunge zvidzitsi, moto wovaroromesa zvino. Havachakwanisi kuzvinunura kusimba rokupisa kwerimi racho. Haasi mavhunze okuti munhu adziye usiri moto wokugara padyo uchigota!
15
Ndizvozvo chete zvavanogona kukuitira kuna ivo vacho kwawaindobvunzira kubvira pauduku hwako, vachakudzvamuka voti uyu nokwake uyu nokwake, wokukununura panenge pasisina.
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 48 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66