bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 48
Isaiah 48
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 49 →
1
Teererai munzwe izvi imi vemba yokwaJakobho imi munodaidzwa nezita raIsiraeri uye makabva muura hwaJudha, imi munopika nezita raTenzi uye munozviti vanamati vaMwari weIsiraeri musingazviiti pachokwadi kana nomazvo,
2
nokuti munozviti vagari veguta rinoera uye kuti munovimba naMwari weIsiraeri ane zita rokuti Tenzi wehondo nehondo.
3
Zvinhu zvakare, ndakafanozvitaura nomuromo wangu ndikazviparidza, uye ndakazviita pakarepo zvikabva zvaitika.
4
Pamusana pokuti ndaizviziva kuti iwe uri tsvuuramuromo wakaomarara sesimbi uye kuti sendarira hautepuki,
5
ndakazviparidza kwamuri kubvira kare zvisati zvaitika, ndakazvitaura kwamuri ndichiti mungadaro mukazoti zvifananidzo zvedu zvekunamata ndizvo zvakazviita, kana kuti zvifananidzo zvedu zvokuveza kana zvokuumba ndozvakati zviitwe.
6
Makazvinzwa zvino mazvionaka zvose izvi saka imi hamusi kubvuma here? Kubvira iye zvino ndavakukutaurirai zvinhu zvitsva zvinhu zvakavanzika zvamusati mamboziva.
7
Zvandava kuita iye zvino, kwete zvakaitika kare kare, kusvika pari nhasi hamusati mambozvinzwa nokuti mungadaro mukati, “Ndaizviziva wani.”
8
Hamuna kumbozvinzwa kana kumbozviziva, nakare kose hazvina kumbopinda munzeve dzenyu, nokuti ndaiziva kuti imi hamutendeki, uye kuti kubvira pauduku hwenyu mainzi vapanduki.
9
Pamusana pezita rangu ndiri kumbodzora zvangu hasha dzangu. Pamusana pembiri yangu ndiri kudzidzora zvangu kuti ndirege kukuparadzai.
10
Chinzwai, ndakakunatsai, asi kwete kuita sesirivha, ndakakuedzai muvira ramatambudziko.
11
Ndiri kuzviitira ini pachangu, Wandiri kuitira wacho ndini. Chandingashorerwe zvangu zita rangu chii? Handingaregi mbiri yangu ichienda zvayo kuna vamwe.
12
“Chimbondinzwa unzwe Jakobho, iwe Isiraeri wandakadaidza. Ndini Iye ari, ndini wokutanga ndini wokupedzesera.
13
Ini noruoko rwangu ndini ndakaita ugaro hwenyika ini norudyi rwangu ndikaawarira matenga. Pandinozvidaidza zvinobva zvati pamwechete zhandanu kumira.
14
“Kokorodzanai mose zvenyu munzwe, ndiani pakati pavo akaparidza zvinhu izvozvi? Tenzi anomuda achiita zvaanoda neBhabhironi, nesimba roruoko rwake acharwisa vaKaridhea.
15
Ini iyeni ndini ndataura, ndini ndakamudaidza ndikauya naye uye achabudirira mune zvose zvaanoita.
16
Swederai kwandiri munzwe izvi, kubvira pakutanga handina kumbotaura, muchivande, kubvira panguva yazvakaitika ini ndakanga ndiripo.” Iye zvino Tenzi Mwari andituma neMweya wake.
17
Zvanzi naTenzi, Mununuri wenyu, iye anoera weIsiraeri, “Ndini Tenzi, Mwari wenyu iye anokudzidzisai zvine chimuko, anokutungamirirai mugwara ramunofanira kufamba naro.
18
Dai makangoteerera waro mitemo yangu, rugare rwenyu rungadai rwakaita serwizi, kururama kwenyu kuchiitawo samasaisai egungwa,
19
vana venyu vangadai vakaita sejecha kuwanda, zvizukuru zvenyu zvakaita setsanga dzaro zita ravo risingamboitwa kuti rirove kana zvako kutsakatika kwandiri.”
20
Budidzanai muBhabhironi mutize munyika yeKaridhea Paridzai vanhu zvinhu izvozvi, muchiita mupururu wokupembera kufara muchivazivisa izvozvi zvisvitsei kwakaperera nyika chaiko muchiti, “Tenzi anunura muranda wake Jakobho!”
21
Havana kumbonzwa nyota paakavatungamirira nomurenje, akavaitira kuti mvura iyerere ichibuda mudombo, akatsemura padombo mvura ikapfachuka kubuda.
22
Zvanzi naTenzi, “Vakaipa havana rugare.”
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 49 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66