bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 60
Isaiah 60
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 59
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 61 →
1
Chisimuka uti ngwe-e kuvheneka nokuti chiedza chako chasvika uye mbiri yaTenzi yapenya pamusoro pako
2
nokuti tarisa uone nyika ichanzi kwidiba nerima, vanhu vachanzi nezarima gude gude. Asi pauri Tenzi achanyatsoti ngwe-e, mbiri yake ichaonekwa pauri.
3
Vechirudzi vachauya kuchiedza chako, madzimambo achauya kuchiedza chako chinenge chasimuka.
4
Simudzai musoro mutarise uku nokuku muone, vose vari kuunganidzana vari kuuya kwauri, vanakomana vako vari kuuya vachibva kure, vanasikana vako vakaita zvokutakurwa mumaoko.
5
Ipapo uchazviona ugomwekuma kufara, mwoyo usingagoni nokufara nokuti upfumi hwose hwegungwa hunenge hwonanga kwauri upfumi hwevechirudzi huchauya kwamuri.
6
Mauri muchava nebvakapfaka renghamera, nghamera dzichine simba dzokuMidhiani nokuEfa nedzose dzinobva kuShebha dzichakotonoka. Dzichauya nendarama norusenzi, dzichadhumisa mbiri yaTenzi.
7
Matanga ese ezvipfuwo zvokuKedhari achakurumukira kwauri, hondohwe dzokwaNebhaoti ndodzichava dzebasa rokupira kwako. Dzichave dzinogamuchirika paatari yangu, ndichapa mbiri kuimba yangu inomukurumbira.
8
Ko avo ndivanaani avo vanopepera sekaguti, sehangaiwa dzananga pamusuo padzo?
9
Ndinodaro nokuti nyika dzokumahombekombe kwegungwa uku dzichandishandira, kutanga nengarava dzokuTashishi dzichiuya navana vako dzichibva navo kure kure vakatakura sirivha yavo nendarama zvokurumbidza nazvo zita raTenzi, Mwari wako, iye Anoera weIsiraeri nokuti akakupa mukurumbira.
10
Vatorwa zvavo ndovachakuvakira tsvingo dzako, madzimambo avo ivo ndoanenge otokushandira iwe. Ndakakuranga pamusana pokushatirwa kwandakanga ndaita, asi zvino pamusana pemwoyochena wangu ndava kukuitira tsiye nyoro.
11
Misuo mikuru yako ichangogara yakazaruka siku nesikati, kuzarirwa isingazarirwi kuitira kuuya kunenge kuchiita vanhu kwauri noupfumi hwevechirudzi, vachitungamirirwa namadzimambo avo.
12
Zvichavepo ndezvokuti rudzi kana nyika inenge isingakushandirei ichaparara, marudzi iwayo achanyatsotsakatiswa.
13
Mbiri yacho yeRebhanoni inoti: misaipurasi nemipureni nemipaini iyoyo, ichauya kwauri kuzoshongedza pamana pangu paNzvimbo yangu Inoera ndichiita kuti mandinotsika ini netsoka dzangu mukurumbire.
14
Vana vavaikudzvinyirira vachauya kwauri vachisvikoti pasi kota kota, vose zvavo vaikushorai vachasvikoti pasi gwadagwa patsoka dzako. Vachakutumidzai zita rokuti, Guta raTenzi, Guta reZioni raiye Anoera weIsiraeri.
15
Wakanga wafuratirwa uchivengwa pasisina kana neachadimura namauri, zvino ndichakuita guta rino mukurumbira narini narini richange riri rinofadza pachizvarwa nechizvarwa.
16
Uchayamwa mukaka wevechirudzi uchayamwa mazamu amadzimambo ndopauchaziva kuti ini Tenzi, ndini Muponesi wako, iye Mununuri wako iye Samasimbaose waJakobho.
17
Ndichakuigira ndarama panzvimbo pendarira ndichikuigira sirivha panzvimbo pesimbi panzvimbo pamapango, ndarira panzvimbo pamabwe, simbi. Rugare ndorwandichaita kuti ruve somutariri wako, ururami hurihwo mushandisi wako pabasa.
18
Manyongori haachazombonzwikizve munyika mako. Umharadzi nokuparadza kwose hazvichazombonzwikizve munyika yakatenderedzwa nemiganhu yako. Tsvingo dzako uchadzitumidza zita rokuti Ruponeso, misuo mikuru yako zita rokuti Kurumbidza.
19
Chichakuvhenekera masikati harisi zuva nechichakuvhenekera usiku unenge usisiri mwedzi, asi kuti ini Tenzi ndini ndichava chiedza chako narini wose. Ini Mwari wako ndini ndichava mbiri yako.
20
Kwauri iwe zuva harizombodoka kana iwo mwedzi kwauri iwe hauchazombonyura nokuti ini Tenzi ndini ndichakuvhenekera narini wose. Mazuva ako okuchema achabva apera.
21
Vanhu vako vose zvavo vachave vakarurama, nyika ichava yavo nokusingaperi, ivo bukira rangu randakasima namaoko angu kuti ndigorumbidzwa.
22
Mudikidiki pavari ndichaita kuti ave dzinza chairo, mudukuduku pavari achiva rudzi rwavanhu rukuru. Ndini Tenzi, panguva yayo ndichakurumidza kuzviita.
← Chapter 59
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 61 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66