bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 41
Isaiah 41
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 40
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 42 →
1
“Nditeererei makanyarara imi nyika dzokumahombekombe kwegungwa, imi ndudzi dzavanhu chisungai dzisimbe muuye padyo mutaure, ngatiunganei pamwechete titongane.
2
“Ndiani akasvosva munhu wokumabvazuva anoti pose paatsika anongokurira chete. Anoti marudzi mumaoko make kacha achitsokodzera madzimambo pasi petsoka. Nebakatwa rake anoita kuti vave guruva, nouta hwake achivaitisa chimwandamwanda samashanga.
3
Anonyatsovaronda pasina kana chinomuwana nenzira dzaasati ambotsika zvake.
4
Ndiani akaita kuti zvose izvozvi zviitike, ndiani aipa zvijana kuzvizvarwa nezvizvarwa kubvira pakutanga? Ndinika iyeni Tenzi. Ndini iye wokutanga noWokupedzisira.
5
“Nyika dzokumahombekombe kwegungwa dzakazviona dzikatya, vekwakaperera nyika chaiko vakadedera vava kukotonoka kuuya.
6
Vanhu vari kuyamurana mumwe achitaurira mumwe wake kuti, ‘Tsunga mwoyo.’
7
Mhizha yebasa inokurudzirana nemhizha yezvendarama nowokukwenenzvera achipfura nenyundo neanorova pachisindi achiti kune anonama, ‘Manamiro acho akanaka.’ Vanorovera chifananidzo chokunamata nezvipikiri kuti chirege kuzunguzika.
8
“Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, iwe Jakobho wandakasarudza Imi chizvarwa chaAbhurahamu, shamwari yangu.
9
Iwe wandakatora kubva kwakaperera nyika ndikakudaidza kubva kure kure, ndichiti kwauri ‘Iwe uri muranda wangu ndakusarudza handina kukurasa.
10
Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’
11
“Chinzwa, vose zvavo vane daka newe vachanyadziswa zvigovapazamisa, vanorwisana newe vachava sezvinhu pasina vagotsakatika.
12
Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo
13
nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’
14
“Rega kutya Jakobho, iyewe honye zvayo kudai, iyemi vanhu veIsiraeri! Ndichakubatsirai, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi; mununuri wenyu, ndini Anoera waIsiraeri.
15
Chinzwai, ndichakuitai chinhu chokupurisa nacho chitsva chakapinza china mazino uzopura makomo uchiaparadza, zvikomo uchizviita semarara zvawo.
16
Muchazviurutsa zvigopeperetswa nemhepo zvigomwarariswa nedutu. Asi imi muchazofara zvikuru muri muna Tenzi, muchakurumbira naiye Anoera waIsiraeri.
17
“Varombo navasina chavanacho vari kutsvaka mvura, asi hapana vatooma pahuro nenyota, ini Tenzi ndichavapindura, Ini Mwari weIsiraeri handivafuratiri.
18
Ndichadziura hova pazvikomo zvisina miti nezvisipiti mumapani, Renje ndichariita dziva remvura pasi pakaoma ndichipaita chisipiti chemvura.
19
Murenje ndichamumeresa miti yemisidhari yemiunga neyemumituri nemiorivhi, ndichisima mugwenga misaipurasi nemipureni nemipaini pamwechete
20
kuitira kuti vanhu vaone vagoziva, varangarire vagonzwisisa pamwechete kuti simba roruoko rwaTenzi ndorwaita izvozvi, uye kuti iye Anoera waIsiraeri ndiye asika izvozvi.
21
“Tenzi ari kuti, pirai nyaya yenyu muunze zvokutsigira nyaya yenyu. Ndizvo zviri kutaurwa naMambo wevokwaJakobho.
22
Ngavauye nazvo zvifanotinyevera zvichazoitika, zvititaurire zvinhu zvapasi chigare kuti ndezvipi zvacho, tifunge nezvazvo tizive kwazvichazoperera kana kuti zvitizivise zviri mune ramangwana,
23
zvititaurire zvichaitika mangwana tiziveka kuti muri vanamwari. Wanaiwo chamungaite chingave chakanaka kana chakaipa chitikangaidzeka kana kutityisa.
24
Chionaika kuti, hapana nezvamuri, zvamunoita zvinhu pasina. Anokusarudzai anosemesa kwazvo.
25
“Ndamutsa mumwe wokumaodzanyemba ari kuuya nechokumabvazuva anonamata zita rangu. Anotsokodzera vatongi semadhaka, somuumbi ari kukanya munyakwe.
26
Ndiani akazvitaura pakutanga kuti tizvizivewo akafanozvireva kuti tigoti, ‘Aiva pachokwadi.’ Hapana akafanozvitaura kana kuwana akazviparidza. Hapana kana neakambokunzwai muchizvitaura.
27
Hezvika ndatotanga kuzviparidza muZioni, ndapa kuJerusaremu muparidzi weshoko rakanaka.
28
Asi ndinoti ndakatarisa ndinoona pasina mumwe akadai. Pakati paivava hapana kana jinda zvaro rokuti kana ndikabvunza ringapindure.
29
Munongozvionawo kuti, vose zvavo mazungairwa chaiwo, zvavanoita hazvina maturo zvifananidzo zvavo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa inongovawo mhepo zvayo, hapana zviripo.”
← Chapter 40
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 42 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66