bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 37
Isaiah 37
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 38 →
1
Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga, akapinda mumba yaTenzi.
2
Akabva atuma Eriyakimu mukuru mukuru womumuzinda wake naShebhuna samunyori mukuru navakuru vakuru vavapristi kumuporofita vakapfeka masaga Isaya mwanakomana waAmozi.
3
Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina.
4
Zvingangoita kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa zvacho. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu chasara.’ ”
5
Pakasvika makurukota amambo Hezekiya kuna Isaya,
6
Isaya akati kwavari, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pamashoko awanzwa kumakurukota amambo weAsiria okundinyomba.
7
Chiripo ndechichi ichi, ndichapinza mweya maari wokuti achangonzwa runyerekupe rwamarehwarehwa agopishinuka kudzokera kunyika kwake kwandichandomupinza murufu rwokuurayiwa nebakatwa munyika make imomo.’ ”
8
Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akadzokera nokuti akanga anzwa kuti mambo weAsiria abva kuRakishi akatomuwana achirwisana neRibhuna.
9
Mambo weAsiria paakanzwa nezvaTirihaka mambo weItiopia akanga ari munzira kuuya kuzomurwisa, akatumazve nhume kuna Hezekiya achiti,
10
“Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naTenzi waunovimba naye achiti, Jerusaremu harichaiswa mumaoko mamambo weAsiriya.
11
Tarisa uone, iwe wakangozvinzwirawo woga zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose zvokunyatsodziparadza chaizvo. Ko iwe ndopaunganunurwe here?
12
Ko vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzibaba angu idzi dzinoti: dzokuGozani nokuHarani neRezevhu navanhu vokuEdheni vaiva kuTeresari, vamwari vadzo vakadzinunura here?
13
Ko mambo weHamati aripi zvino? Ko mambo weAripadhi? Ko mambo weguta reSefarivhaimu? Ko mambo weHena namambo weIvha varipi?’ ”
14
Hezekiya akagamuchira tsamba iyoyo mumaoko enhumwa dziya akaverenga akaenda nayo kumba yaTenzi ndokundoiti ware ware pana Tenzi.
15
Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti,
16
“Tenzi, wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, imi mugere pamusoro pamakerubhu. Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose dzapasi pano pose. Ndimi makasika denga napasi.
17
Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe. Zazurai meso enyu Tenzi muone, munzwe mashoko aSenakeribhu aatumira kuzonyomba nawo Mwari mupenyu.
18
Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo.
19
Akapisa vamwari vavo nomoto. Akadaro, hongu, nokuti vakanga vasiri Mwari asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa namaoko avanhu, miti zvayo namatombo. Ndokusaka akazviparadza.
20
Zvino Tenzi, Mwari wedu tinunureiwo mumaoko make, nyika dzose dzapasi pano dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.”
21
Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Pamusana pokuti wanamata kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria.’ ”
22
Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi: “Iri kukushora inokuzvidza mhandara yeZioni. Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako mukunda weJerusaremu.
23
“Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani? Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvozvo? Waunodzvondorera maziso kuzvikudza kudaro ndiani? Wauri kudaro ndiyeni Mutsvene weIsiraeri
24
navaranda vako uchitonyombaka Tenzi iwe. Uchitoti zvako: ‘Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo, ndakakwira makomo ini kusvika pamusoro, nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni, miti yeko yakarebesesa yemisidhari ndikairizhanisa, miti yeko yemisaipurasi yakanakisisa ndikaitema, ndikaenda ini pamusoro pacho chaipo, chaimo mumasango ayo matema;
25
ndikatocheramo matsime ndikanwa ini mvura. Ndakatsika ini netsoka yangu tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa.’
26
Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu hazvisati zvakusvika munzeve nhai, zvandakaronga kare kare pasichigare, zvandava kutozoita iye nhasi zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo?
27
Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba, vakangaidzwa vazvishaira pazvo vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi, souswa hunomera padenga remba hunoshauruka kuoma husati hwambokura.
28
Mugariro wako ndinouziva kwaunofamba ndinokuziva twaunobata ndinotuziva kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva
29
nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe, kuzvitutumadza kwako kwasvika munzeve dzangu. Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako ndichakuisa matomhu mukanwa ndikupishunutsire nokwakare kunzira kwawakauya nako kuno.
30
Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, nakauno zvamuchadya zvichamera zvoga, gore ramakei zvichava zvamahoko, mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa, muchatosima zvenyu minda yemagirepisi, mukatodyawo zvenyu michero yayo.
31
Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara chichadzika midzi pasi, mudenga chichibereka michero
32
nokuti chitsama chinosara chichabuda muJerusaremu chikwata chavanopunyuka rufu chichabuda mugomo reZioni. Shungu dzina Tenzi wehondo nehondo ndidzo dzichaita izvozvi.
33
Naizvozvo panyaya yamambo weAsiria uyu zvanzi naTenzi; ‘Haambopinda muguta rino kana museve, haamborikanda. Hapana nhoo yaanomborivheyesera, kana kuriumbira nevhu kurusvingo chimusana chenzou kuita pokupindamo napo.
34
Nzira yaakauya nayo yacho ndiyo yaachadzokera nayo. Kupinda muguta rino haambomupinda ndiTenzi anodaro kutaura.
35
Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa. Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu uye pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”
36
Mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha.
37
Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe.
38
Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nebakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 38 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66