bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 36
Isaiah 36
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 37 →
1
Mugore regumi nechina rokutonga kwamambo Hezekiya, Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa maguta ose okwaJudha akanga akavakirirwa netsvingo akaakurira.
2
Mambo weAsiria akatuma mutariri mukuru wezvomumuzinda make nehondo huru kubva kuRakishi kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu. Akasvikomira padyo nomugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokuMunda woMusuki waMachira.
3
Kwakabuda Eriyakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda nasamunyori mukuru, Shebhuna nomunyori Joa mwanakomana waAsafu.
4
Mutariri mukuru uya wezvomumuzinda akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’
5
Ndiri kuti iko kutaura pamuromo apa ndiko kuronga hondo here ikoko kana kuti ndiro simba rokurwa hondo iroro? Ndiani wawava kuvimba naye zvawava kutondipandukira kudai?
6
Zvino, chinzwa, uri kuvimba neIjipiti norutsanga zvarwo urwo rwakatyoka, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
7
“Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi. Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi.’
8
Zvino mochipikirana natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza zviuru zviviri. Pakopo ungaawanirewo vachayiri here?
9
Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurokota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisa iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti uwane ngoro dzehondo navachairi.
10
Uyewo kuuya kwandaita kuzorwisa ndichiparadza nyika ino, ndangouyawo here zvisina Tenzi mukati? Tenzi ndiye akanditi, ‘Vinga nyika iyoyi uiparadze.’ ”
11
Eriakimu naShebhuna naJoa vakati kumutariri wezvomumuzinda, “Dai mukataura zvenyu kwatiri isu varanda venyu nechiSiria nokuti tinochinzwa. Regai zvenyu kutaura nesu nechiJudha vanhu vari parusvingo apo vachinzwa.”
12
Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda akati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo izvozvi varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo?”
13
Mutariri mukuru wezvomumuzinda ndopaakasimuka kwazvo oshevedzera chaizvo muchiJudha achiti, “Tererai munzwe mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria.
14
Zvanzi namambo, ‘Regai kunyengedzwa naHezekiya nokuti haakwanisi kukununurai.
15
Musarege Hezekiya achikutii muvimbe naTenzi achiti Tenzi anonyatsokununurai uye kuti guta rino harimboiswa mumaoko amambo wavaAsiria.’
16
“Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei mubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya zvake muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya zvake michero yomuonde wake, munhu wose achinwa mvura yomutsime rake,
17
kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi. “Nyika yembesanwa newaini nyika yechingwa neminda yemagirepisi.
18
Chenjererai. Hezekiya uyu angadaro akakufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’ Pamarudzi ose, pana mwari here akanunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria?
19
‘Ko vamwari vokuHamati nokuAripadhi varipi?’ Ko vamwari vokuSefarivhaimu varipiko? Vakanunura Samaria mumaoko mangu here?
20
Pakati pavamwari vose venyika idzodzo ndivanaani vakanunura nyika dzavo mumaoko mangu zvingazonzi Tenzi achanunura Jerusaremu mumaoko angu?”
21
Asi vanhu vakati mwiro kunyarara vakarega nokumupindura kwose nokuti chirevo chamambo chaiti, “Regai kumupindura.”
22
Ipapo Eriyakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya vabvarura hanzu. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66