bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 38
Isaiah 38
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 39 →
1
Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa, zvoupenyu kwamuri hapasisina.”
2
Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi
3
achiti, “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.” Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo,
4
ndokubva izwi raTenzi rauya kuna Isaya richiti,
5
“Enda kuna Hezekiya undoti, zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu.
6
Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko mamambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri.”
7
“Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita zvaakuvimbisai ndechichi.
8
Chinzwa, ndichaitisa kuti mumvuri wechiringazuva chiya chakavakwa naAhazi udzokere shure nhano gumi zuva rorereka.” Saizvozvowo zuva rakadzokera shure nhano gumi pachiringazuva chacho dzarakanga rambofamba.
9
Zvakanyorwa naHezekiya mambo wokwaJudha mushure mokunge amborwara apora paurwere hwake ndezvizvi:
10
Ndakazviti, inga ndava kupfuura ini ndichiri kuzvinzwa kudai. Changu ini chandatemerwawo zvangu chava chokundozaririrwa munzvimbo yavachakabvu upenyu hwangu hwose.
11
Ndakazviti, handichazoona Tenzi, Tenzi, ndiri munyika yavapenyu. Ziso rangu harichazoona munhu zvakare ndiri mukati mavanhu vayo nyika.
12
Musasa wandiri wapazwa ukabviswa pandiri setendhe yomufudzi. Upenyu hwangu hwapetwa-petwa sezvinoita muruki akandidimura kubva pachirukiso kubvira kwachena kusvikira usiku munondipedzisa.
13
Ndinochemera rubatsiro kusvikira kuedze. Anondityora mapfupa angu ose sezvinoita mhondoro kubvira kwachena kusvikira usiku.
14
Sekanyenganyenga kana kuti senhapata ndinorira, ndinowuwura senjiva. Maziso angu aneta kutarisa mudenga. Tenzi, ndaona nhamo ini, ivai imi wokundichengeta!
15
Asi chandingataurewo chii nokuti iye ndiye ataura kwandiri, uye iye pachake ndiye azviita. Ndichananavara kufamba upenyu hwangu hwose, zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo kwandiri kuita.
16
Tenzi, wandichararamira ndimi, mweya wangu unoraramira imi moga. Ndiporesei mundiraramise.
17
Ehe, kushungurudzwa kwazvo mwoyo kwandanga ndinako, kwanga kuri kuti zvindinakirewo paupenyu. Asi pamusana porudo rwenyu makandiraramisa mugomba rokuparadzwa nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose shure kwenyu.
18
Chandinodariro ndechokuti, nzvimbo yavachakabvu haikutendei, rufu harukurumbidzei, vanoenda kugomba havangakwanise kuva nechitarisiro chokutendeka kwenyu.
19
Mupenyu, mupenyu chete ndiye anokutendai sezvandiri kuita nhasi uno. Madzibaba vanotaurira vana vavo nezvokutendeseka kwenyu.
20
Tenzi akandinunura nezvo tichiridza zvokuimbisa mazuva ose oupenyu hwedu pamba yaTenzi.
21
Ipapo Isaya akanga ati, ngavatore chambwa chemakuyu vachinamire pamota kuti ipore.
22
Hezekia akanga atobvunzawo kuti, “Chiratidzo chokuti ndichazoenda kuimba yaTenzi ndechipiko?”
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 39 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66