bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 34
Isaiah 34
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 35 →
1
Swederai padyo imi marudzi avanhu muzonzwa, tererai munzwe imi ndudzi dzavanhu. Nyika ngaiteerere nezvose zviri mairi naipo pasi pose nezvinhu zvose zvazvo zvinobva mairi,
2
nokuti Tenzi avirukira nehasha marudzi ose avanhu ashatirirwa vose zvavo nouwandi hwavo kudaro avatemera kuparadzwa avatemera kuti vakatakazhwe kuurayiwa.
3
Zvitunha zvavo zvichanzi hupukupu kuraswa kunze, zvitunha zvavo zvichaita gutukutu kunhuwa. Makomo achayerera ropa ravo.
4
Gurusvusvu rezvomudenga richaora, matenga omonwa sebhuku rokumononora gurusvusvu razvo zvose richidonha samashizha anosasamuka mumugirepisi samashizha ari kusasamuka mumukuyu.
5
Chikonzero ndechokuti bakatwa rangu ranwa rikaguta nezvokumatenga, hero, rava kuburuka kuzoranga Edhomu pavanhu vandatemera kuparadzwa.
6
Tenzi ane bakatwa bakatwa racho rizere ropa rakanunirira namafuta neropa rehwayana nerembudzi namafuta etsvo dzehondohwe nokuti Tenzi ane chibayiro kuBhozira kukatakazhwa chaiko kwavanhu munyika yeEdhomu.
7
Vacharigirwa pasi pamwechete nenyati nezvigondora zvenzombe uye nehandira dzakasimba. Nyika yavo ichanyata neropa ivhu ravo rakoreswa namafuta
8
nokuti Tenzi ane zuva rake rokutsividza gore rokudzosera achitsividzira Zioni.
9
Hova dzeEdhomu dzichasandurwa dzikasviba setara ivhu ravo richaita somoto wesarufa nyika yavo ichava setara iri kutsva
10
siku nesikati isina anogona kudzima utsi hwayo huchatogoka mudenga nokusingaperi. Ichagara chizvarwa nechizvarwa isina anoishandisa hapana anenge achipfuura nemo kudzamara narini wose.
11
Asi inenge yatova zvayo mumaoko morukodzi nenungu, nezizi negunguo zvotogara zvazvo imomo. Achakaka tambo yemanyongori pamusoro payo, nokuimutsira nyonganyonga inorema sekasimbi kokukakisa nako tambo yokuvakisa.
12
Vachazoitumidza zita rokuti “Kasinaumamboikoko” machinda ayo achange ari vanhu pasina.
13
Minzwa ichakura zvayo munhare dzayo dzokuzvidzivira muhondo nadzo, uye unye namakwenzi eminzwa mumaguta ayo etsvingo. Ichange yava dambiro ramakava nomusha wemhou.
14
Mhuka dzesango dzichasangana namapere, madzimudzangara achidaidzirana namamwe awo madzangaradzimu. Ehe, imomo ndomuchapindwa nomweya werima uchizviwanira pokuzororera.
15
Zizi richazvivakira zvaro dendere imomo nokutokandira zvaro mazai richizoachochonya nokutozovhumbamirawo vana varo mumumvuri waro. Ehe, njerere dzichaunganidzana imomo dziri mbiri mbiri, jongwe nesheshe yaro.
16
Zvitsvakei izvozvi muchazviverenga muBhuku raTenzi, hakuna nechimwe chaizvozvi izvi chichazenge chisimo zvose zvichange zviri chikono nechikadzi nokuti ndizvo zvatemwa nomuromo waTenzi Mweya wake ndouchazviunganidza.
17
Chimwe nechimwe akachipa mugove wacho akazvitarira mutsetse noruoko rwake achizvigovanisa uchava mugove wazvo narini wose. Zvichagara imomo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66