bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 45
Isaiah 45
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 46 →
1
Tenzi ari kutaurira muzodzwa wake Sairasi wandakabatana ruoko rwerudyi zvokuti ndinofanokurira marudzi avanhu mberi kwake nokushayisa madzimambo simba nokufanozarura makonhi mberi kwake kuitira kuti misuo mikuru irege kupfigwa achiti,
2
“Ndichafanoenda mberi kwako ndichifanoita kuti nzvimbo dzakatunhumara dziti chechetere, ndichipaza kuti mwarara makonhi endarira ndichidimura zvihuri zvesimbi.
3
Ndichakupa upfumi hwomurima hwakavigwa munzvimbo dzechivande kuti uzive kuti ini ndini Tenzi Mwari weIsiraeri ari kukudoma nezita.
4
Chandiri kuitira muranda wangu Jakobho, naIsiraeri wandakasarudza. Ndinokudoma nezita ndichikudaidza nezita redzinza rako kunyange zvako usingandizivi.
5
Ndini Tenzi hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari kunze kwangu anokupa simba ndini kunyange usingandizivi
6
kuitira kuti kubvira kumabuda zuva kusvikira kumadokero vanhu vagoziva kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Tenzi hakuna mumwe.
7
Ndini ndinoita kuti chiedza chivepo ndichisikawo rima. Ndini ndinoita kuti kuve nokugarika. Ndini ndinounza pfumvu. Ndini iyeni Tenzi ndinoita zvinhu zvese izvozvi.
8
“Imi matenga muchadenga'mu nayai, makuti anaise ururami nyika ngaizaruke ruponeso rumere pairi iite kuti ururami hutungirewo, Ini Tenzi ndini ndinozviita.”
9
Ane nhamo munhu anokakavadzana noMusiki wake, ihari inorwisana nomuumbi wayo! Iro ivhu rokuumbisa ringabvunze here anoumba naro kuti, “Ko ndicho chii ichochi chauri kuumba?” Kana kuti, “Inga zvokuumba izvi, hamuna maoko nazvo?”
10
Ane nhamo mwana anoti kuna baba, “Ko ndicho chiikowo ichochi chamakabereka?” Kana kutoti zvake kuna mai, “Ko chiikowo ichochi chamakasununguka?”
11
Tenzi, iye Anoera waIsiraeri, Musiki wake anoti, “Wada here iwe kundibvunza nezvevana vangu? Kana kutondiudza zvokuita nebasa randinoita ini namaoko angu?
12
Ndini ndakaita nyika ndikasika munhu pairi; ini namaoko angu ndini ndakatambanudza matenga uko nekokoko. Ndini ndakabata mumaoko gurusvusvu rezvose zvomudenga imomu.
13
Ndini ndakamumutsa mwoyo ndikamupa ukundi ndicharuramisawo makwara ake ose. Achavaka guta rangu achasunungura vanhu vangu vari muutapwa pasina zvokupiwa mubayiro kana muripo.” Ndozvinotaura Tenzi wehondo nehondo.
14
Zvanzi naTenzi, “Zvinhu zvinoshandwa kuIjipiti noupfumi hwokuItiopia nevaSabhia ivo vaye hofori dzavanhu zvichauya kwamuri zvichiva zvenyu. Vachati rongondo munzira kukuteverai vachayambukira kwamuri vakasungwa nemajoti vachizoti kwamuri pasi kota kota. Vachakutetererai vachiti, imimi chete ndimi muna Mwari, hakuna mumwe, kunze kwake, hakunazve mumwe Mwari!”
15
Imi muri Mwari anozvivanza zvenyu imi Mwari weIsiraeri, Mununuri.
16
Vose zvavo vanenge vanyadziswa, vatsveruka, vagadziri vezvifananidzo zvokunamata vachadumbirwa pamwechete.
17
Asi Isiraeri inonunurwa naTenzi nokununura kunogara narini wose asi imimi zvokunyadziswa hamunyadziswe kana kutsverutswa zvako nokusingaperi.
18
Chikonzero ndechokuti iye Tenzi, Nyakusika matenga ndiye Mwari iyeyu akaumba nyika akaiita, akaita kuti imire kudai; haana kuisika sechinhu chisina kunyatsoumbwa. Chaakaisikira kuti igarwe navanhu. Ari kuti, “Ini ndini Tenzi, hakuna mumwe.
19
Handina kutaura muchivande mukati menyika yerima. Handina kumboti kuzvizvarwa zvokwaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Zvandinoreva ini Tenzi, zvakarurama ndinotaura zvinhu zviri pachokwadi.”
20
“Kokorodzanai muuye muswedere pedyo pamwechete imi vakapunyuka vokumarudzi avanhu uku! Havana noruzivo zvarwo ivo vanotakura zvifananidzo zvokunamata zvezvimiti vachidzunga nazvo vachingogoorera kunamata kuna mwari asingagone kununura.
21
Zivisai vanhu mupire nyaya yenyu murege vapane mazano pamwechete! Ndiani akafanozvitaura izvozvi kareko? Ndiani akazvizivisa vanhu kare ikako? Handisiri here ini Tenzi hakuna mumwe Mwari kunze kwangu ini, Mwari akarurama, Mununuri hakuna mumwe kunze kwangu.
22
“Tendeukirai kwandiri muponeswe imi vekwose kwakaperera nyika ndinodaro nokuti ini ndini Mwari hakuna mumwe.
23
Ndinopika neni pachangu kuti shoko rangu randareva muururami muromo usingawire pasi rinoti, ‘Ibvi rose zvaro richandipfugamira rurimi rwese zvarwo ruchandipupura.’
24
“Zvichataurwa nezvangu zvichinzi, ‘Muna Tenzi chete ndimo mune ururami nesimba. Vose zvavo vaiva nedaka naye vachauya kwaari vachinyara.’
25
“Muna Tenzi umu zvizvarwa zvose zvokwaIsiraeri zvichava nokukurira nembiri.”
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 46 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66