bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 40
Isaiah 40
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 41 →
1
“Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu” ndizvo zviri kutaura Mwari wenyu,
2
“Taurirai Jerusaremu mazwi anonyaradza mwoyo, muparidze Jerusaremu kuti nguva yenyu yehondo yapera uye kuti mhosva yenyu yaregererwa uyewo kuti makatogamuchira kare kakapetwa kaviri chirango cheshamhu yaTenzi chezvitadzo zvenyu zvose.”
3
Izwi rinodaidzira richiti, “Gadzirai murenje mugwagwa waTenzi, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa mukuru mugwenga.
4
Mapani ose ngaafushirwe, makomo ose nezvikomo ngazviparadzirwe zviti pasi sandarara. Panenge pasina kuenzana panyatsonzi chechetere, pana magadhi magadhi panyatsoti ware ware.
5
Mbiri yaTenzi ichaburitswa pachena, vanhu vose vachaiona pamwechete, nokuti Tenzi anozvitaura nomromo wake.”
6
Izwi rakati, “Daidzira!” Ini ndikati, “Ndodaidzira kuti kuti?” Iti, “Vanhu vose zvavo uswa norunako rwavo rwakaita seruva zvaro resango.
7
Uswa hunouna, ruva rinosvava pazvinongorohwa nemhepo inofuridzwa naTenzi kwazviri, chokwadika vanhu uswa zvahwo.
8
Uswa hunouna, ruva rinosvava asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
9
Kwira pamusoro pegomo refu iwe Zioni muparidzi wamashoko akanaka, udaidzire nezwi guru iwe Jerusaremu muparidzi wamashoko akanaka, daidzira usatye. Iti kumaguta ekwaJudha, hoyo, tarirai muone Mwari wenyu.
10
Tarisai muone, Tenzi ari kuuya nesimba rake anotonga nesimba roruoko rwake. Tarirai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza.
11
Achafudza zvipfuwo zvake somufudzi achagumbatira hwayana mumaoko ake achidzitakura pachifuva chake achinyatsonanaidza dzina vana.
12
Ndiani akamboera mvura yamakungwa nechanza choruoko rwake kana akamboerawo matenga nechanza chake, kana akamboisa ivhu rapasi pose zvapo mumugomo kunyange kuera makomo muzvikero, kana zvikomo muchikero chomurengarenga?
13
Ndiani akambotungamirira Mweya waTenzi, kana segweta rake achimurayiridza;
14
waakambondobvunza mazano kuti amujekesere ndiani; akambomudzidzisa gwara roruenzaniso ndiani, akambomudzidzisa amupa ruzivo ndiani; akamuratidza nzira yokunzwisisa nayo?
15
Chinzwai munzwe, marudzi ose avanhu aya akaita sedonhwe remvura riri mumugomo, uye akangoita semhukutu iri muzvikero, muonewo zvenyu kuti, zvitsuwa anozvikuhumura zvake seguruva rakatsetseka.
16
Rebhanoni haina huni dzakakwana kana mhuka dzayo hadzikwane kuita mupiro wokupisa.
17
Marudzi ose zvawo kwaari iye akangoita sechinhu chisina maturo, iye anoaona seasiri chinhu zvavo uye sechinhu pasina.
18
Mwari mungamufananidze nei chaizvo, kana kuti chii chaichowo chamungamuenzanise nacho?
19
Chifananidzo chokunamata, chinotoita zvokugadzirwa nomushandi, mhizha yezvendarama yochinamirira nendarama yochigadzirira cheni dzesirivha.
20
Murombo anotozozvisarudzira zvake huniwo zvadzo dzisingaori kuti awane chokuitisa mupiro anotsvakawo nyanzvi inoziva basa kuzomisa chifananidzo chokunamata chisingazobviswa.
21
Hamuna zvamunoziva here? Hamuna chamakambonzwa here? Hamuna here chamakataurirwa pakutanga? Hamunzwisisi here mavambirwo akaita nyika?
22
Iye agere pamusoro peziendanakuenda rakatenderedza nyika ina vanhu vageremo, vakaita sezvitaunhau iye akawarira matenga sejira rokudzikatirisa anoatambanudza somusasa wetendhe wokugara,
23
anoita kuti machinda ave zvinhu zvisina maturo, anoita kuti vatongi vapanyika vave vanhu pasina.
24
Vanoita sokungonzi simwei kana kuti dyarwei midzi isati yatombobata muvhu, iye akangovafuridza nemhepo yake vanobva vawuna votututswa nemhepo huru ine simba sehundi.
25
Zvino munonditora saani chaizvo wamunondienzanisa naye? Ndizvo zviri kubvunzwa naiye Anoera.
26
Munodiiko kumbosimudza musoro mukaonawo kuti ndiani chaizvo akasika zvose izvozvi, iye anozvitungamirira sehondo nouwandi hwazvo kudaro achizvidaidza zvose namazita. Pamusana poukuru hwesimba rake uye nokuti pasimba chikakarara chaicho, hapana nechimwe chinenge chisipo.
27
Nhaiwe Jakobho, nhaiwe Isiraeri, unodirei kutaura. Chii chauri kunyunyutira uchiti? “Upenyu hwangu ini kuna Mwari hwava chinhu chakavandika uye zvokuti ndiwane zvandinofanira kuwana Mwari haasisina hanya nazvo.”
28
Hamuna zvamunoziva here? Hamuna chamakambonzwa here kuti, Tenzi ndiye Mwari, Chidzachepo kuti ndiye Musiki wenyika yose zvayo kusvika kwainoperera? Haamborukutika kana kuneta zvako, udzamu hwepfungwa dzake hakuna angahubate.
29
Anopa simba munhu anenge arukutika, anenge asina simba anomusimbaradza.
30
Kunyange vechidiki vanorukutika vachitoneta, majaya anowira pasi nokuneta
31
asi vanovimba naTenzi simba ravo richavandudzwa, vachabhururuka namapapiro samakondo vachamhanya asi vasinganeti vachafamba asi vasingarukutiki.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66