bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 24
Isaiah 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 25 →
1
Chinzwai, Tenzi achaparadza pasi pose Achipaita renje achawondonga nyika achimwararanisa vageremo.
2
Munhu wose achaitirwa zvimwechetezvo, vangave vanhu zvavo kana mupristi, angave muranda kana tenzi wake, angavewo musikana webasa kana amai vaanoshandira angave mutengi kana mutengesi, angave mukweretesi kana mukwereti, angave mudzoreri kana mudzorerwi.
3
Pasi pose pachanyatsoparadzwa zvokunyatsoitwa dongo chairo nokuti Tenzi wazvitaura.
4
Pasi pose pari kuchema, pauna, nyika iri kuperezeka nokusvava, matenga ari kuperezekawo pamwechete napasi pose.
5
Pasi pose paipiswa navagari vemo nokuti vakadarika mitemo vakaramba mirao vakatyora chitenderano chokugara nokugara.
6
Naizvozvo rushambwa rwaparadza pasi pose vagari vemo vanotambudzikira mhosva dzavo. Ndokusaka vagari vepasi pose vakatsva kwasara vanhu vashoma.
7
Waini inochema migirepisi inosvava vose vamafaro vaya vari kutowuwura.
8
Rufaro rwokuridza ngoma rwamiswa, ruzha rwevamafaro rwapera, rufaro rwokuridza zvipendhani rwamiswa.
9
Zvokunwa waini vachiimba zvachiti nho-o, hwahwa, kune avo vanohunwa, hwava kuvava.
10
Guta remhirizhonga rachiti pasi mbombombo, dzimba dzose dzachinzi gwibha gwibha kuzarira, zvokuti hapana anogona kupinda.
11
Rave jemedzanwa mumigwagwa, pamusana pokushaya waini mafaro ose asvika kumapeto kwawo, rufaro rwapanyika rwarambidzwa.
12
Muguta chasara hapasisina, misuo mikuru yabvungunjurwa kusara asakara.
13
Izvozvo ndozvazvichaita mukati menyika, pakati pamarudzi avanhu sezvinongoita muti womuorivhi kana wagumwa, sepanguva yokufuhwa magirepisi nguva yokusvina waini yapera.
14
Vanodaidzira vachiimba norufaro vanodaidzira nezvoukuru hwaTenzi kumadokero.
15
Naizvozvo vokumabvazuva, rumbidzai Tenzi, vokunyika dzokumahombekombe kwegungwa, rumbidzai zita raTenzi, Mwari weIsiraeri.
16
Kubva kwakaperera nyika tinonzwa nziyo dzokurumbidza, mbiri yaiye Mururami. Asi ndati, “Ndapera ini, ndapera simba! Nhamo yangu iyi, nokuti vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi, vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi chaizvo.”
17
Imi vagari vapanyika kutya nehunza nomusungo zvavanemi.
18
Anotiza maungira anotyisa achawira muhunza, anenge ati regai ndibude muhunza imomo anobva anzi kachi nomusungo nokuti mawindho edenga akazaruka nougaro hwenyika huri kundengendeka.
19
Pasi pose panyatsomeduka-meduka, pasi pose patsemuka, pasi pose pazunzwa zvakaipisisa kwazvo.
20
Nyika iri kudzedzereka sechidhakwa, iri kuzvebuka semba. Kukanganisa kwayo kuri kuiremera, iri kutoputsika, haichazombomukazve.
21
Pazuva iroro Tenzi acharanga hondo dzomudenga, mudenga imomo madzimambo apasi ipo pasi pano
22
vachaunganidzwa pamwechete savasungwa vari muhunza, vachapfigirwa mujeri mushure memazuva mazhinji vanozorangwa.
23
Ipapo mwedzi uchaora zuva rigodzima nokuti Tenzi wehondo nehondo achatonga paGomo reZioni muJerusaremu acharatidza mbiri yake kuvakuru vakuru vake.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66