bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 49
Isaiah 49
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 50 →
1
Nditeererei munzwe imi nyika dzokumahombekombe, munzwe imi ndudzi dzavanhu dzokurekure Tenzi akandidaidza ndichiri munhumbu akanditumidza zita ndiri munhumbu mamai vangu.
2
Akaita kuti muromo wandinotaura unge bakatwa rakapinza akandihwandisa mumumvuri weruoko rwake. Akandiita museve wakakwenenzverwa akandihwandisa mumukutu wake.
3
Akanditi, “Iwe ndiwe muranda wangu iwe Isiraeri uchaita kuti ndidhumhe mbiri.”
4
Asi ini ndakati, “Inga ndakashandira pasina ndakapedzera simba pasina, nezvinhu zvisina maturo ose. Asi changu ini chiri muna Tenzi, nomubayiro wangu una Mwari wangu.”
5
Saka zvino zvanzi naTenzi, iye akandiumba ndichiri mudumbu kuti ndizova muranda wake wokudzosera vokwaJakobho kwaari kuti Isiraeri izoungana kwaari nokuti ini ndiri munhu anoremekedzeka kuna Tenzi, uye Mwari ndiye simba rangu,
6
iye anoti, “Chinhu chiduku nhai chokuti iwe uve muranda wangu, wokumutsa rudzi rwekwaJakobho nokudzosera pakare vacho vakachengetedzeka vokwaIsiraeri. Inga ndichaita kuti uve sechiedza kumarudzi evanhu kuitira kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.”
7
Zvanzi naTenzi, iye Mununuri weIsiraeri iye Anoera wayo kuna iye anozvidzwa zvokupedzesera anosemwa namarudzi evanhu, iye muranda wevatongi achiti, “Madzimambo achakuona vakasimuka machinda vachakupfugamira pamusana paTenzi akatendaka Anoera waIsiraeri akakusarudza.”
8
Zvanzi naTenzi, “Ndichakupindura panguva kwayo pazuva roruponeso ndichakubatsira ndichakuchengeta. Ndichaita kuti uve mumiriri wevanhu vose ndichiita chitenderano changu navo chokuvadzosera nyika uye vagogoverwa nhaka yakanga yadai kuparara
9
uye kuti uti vasungwa vabude muusungwa, vari murima vabude pachena. Vachafura zvavo, munyasi memigwagwa mikuru uye pamitunhu yakatunhumara isina miti ndopavachafurira zvavo
10
havachazonzwa nzara kana nyota, kunyange mhepo inopisa nezuva hazvizovatumhisa, nokuti iye anovada kwazvo achavatungamirira achivasesedza nokuzvitubu zvemvura.
11
Ndichaita kuti pamakomo angu pose pave nomugwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichaitwa kuti itanhuke.
12
Tarisai muone vamwe vachabva kure, vamwe vachibva kuchamhembe nokumadokero, vamwewo vachibva kunyika yeAsiwani.”
13
Imbai norufaro imi matenga upembere iwe nyika, tsemurai mumhanzi imi makomo nokuti Tenzi ava kunyaradza vanhu vake nokunzwira tsitsi vanhu vake vari munhamo.
14
Asi guta reZioni rakati, “Tenzi akandifuratira Tenzi wangu, akandikanganwa.”
15
“Mudzimai angakanganwe here mwana wake achiri kuyamwa, achitadza kuva netsitsi nomwana akabva munhumbu make? Kunyange zvazvo ivava vakakanganwa asi ini handizokukanganwi.
16
Chinzwa unzwe ndakaita zvokukutemera senyora muzvanza zvamaoko angu, tsvingo dzako dzinogara dziri mupfungwa dzangu.
17
“Vana venyu vava kupitipidza kudzoka vaikuparadzai vava kubudidzana kuenda.
18
Simudzai musoro mutarise kwose kwose muone kuti vari kuungana vose zvavo vachiuya kwamuri. Hezvino ndakudai ini Tenzi, ndinoti vose zvavo vachatoti pauri nyerere sezvishongo, sezvinoita muroora pamuchato kusungirira hanzu ndozvauchaita kuunganidza pauri vana vako.
19
“Kunyange zvazvo nzvimbo dzemako dzakanga dzarozvwa chaizvo dzasara dzava matongo, ivhu rako rasakadzwa; uye zvino uchanyatsova kamanimani zvokuti vagari vemako vanenge vasisakwane, vaya vakambokuzhanya vachange vava kure kure.
20
Vana vakaberekwa nguva yenhamo yako vachakutaura uchinzwa kuti, ‘Nzvimbo iyi yaita diki kwandiri, ndiwanisewo pokugara pakati kurei;’
21
iwe ndopauchati nechomumwoyo, ‘Ko ndiani akandiberekera ivava? Inga ndakanga ndafirwa ini ndisisabereke, ndakanga ndatopwa ini ndachinzi hangu uko njo, ko akazorera ivava ava ndiani? Zvamunoona ndakasiyiwa ndava ndoga, ko ava vabva nepiko?’ ”
22
Zvanzi naTenzi Mwari, “Chinzwa, ndichasumudza ruoko rwangu kumarudzi avanhu, ndichininira kundudzi dzavanhu. Vachauya vakatakura vanakomana mumaoko, vanasikana vako vari pamapfudzi.
23
Madzimambo achave madzibaba okukuchengeta vanavahosi vavowo vari vanamaiwo vokukurera. Vachati uso pasi kota kota vachikuremekedza, vachizvirereka zvokutonanzva guruva retsoka dzako. Ndopaunobva wazoziva kuti ini ndini Tenzi vose vanovimba neni havazonyadziswa.”
24
Ko chawira mumaoko eane simba chingabvutwe here kana kununura nhapwa dzomutongi ane utsinye
25
nokuti zvanzi naTenzi, “Kunyange chawira mumaoko meane simba chichabvutwa, nhapwa dzichinunurwa kumutongi ane utsinye nokuti ndicharwisana nevanokurwisa ndichanunura vana vako.
26
Ndichaita kuti ivo vanokudzvanyirira vadye nyama yomuviri wavo, vachadhakwa neropa ravo ivo sevadhakwa newaini. Ndopachaziva munhu wese kuti ini Tenzi ndini Muponesi wako, Muponesi wako noMununuri wako iyeni Samasimbaose waJakobho.”
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 50 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66