bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Isaiah 65
Isaiah 65
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 64
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 66 →
1
“Ndakanga ndakatomirira kuti nditsvakwe navanhu vasina kundibvunza. Ndakanga ndakamirira ini kuti vanhu vandiwane asi pakanga pasina. Ini ndaiti, ‘Ndiri pano, ndiri pano,’ kurudzi rusingambodaidza zvarwo zita rangu,
2
ndichiswerotambanudzira maoko kumhandupandu dzavanhu, vanofamba nenzira isina kunaka vachiita zvavo zvomusoro wavo.
3
Vanhu vanoramba vachindidenha ndiripo kudai, vachipira zvibayiro mumapindu vachipisira rusenzi pazvidhina.
4
Vanhu vanogara kumakuva vachirara vari munzvimbo dzakavandika vachidya nyama yenguruve, nomuto wezvinhu zvakan'ora zviri mumidziyo yavo.
5
Vanhu vanotozviti zvavo, ‘Mirira kure uko usaswedere pedyo neni nokuti kwauri ndinoera.’ Ivava kwandiri utsi zvahwo hunondipfungaidza mumhuno, zvichindipa mazaridzwa kunge moto unopfuta muswere wose.
6
“Chinzwai munzwe chiga chemhosva yavo chakanyorwa ndinacho. Zvokunyarara, handinyarari, asi ndichavaranga. Honguka, ndichavaripisa kudzamara pachipfuva chaipo, pavanochengetera mari yavo.
7
Ndichavaripisa uipi hwavo nouipi hwamadzibaba avo pamwechete,” ndizvo zviri kutaura Tenzi, achiti, “Ndinodaro nokuti vaindopisa rusenzi pamakomo vachindishonha pazvikomo. Ndichaona zvangu mwero wandichavatorera pachipfuwa pavo pavanochengetera mari ndichivaripisa zvavakaita kare.”
8
Zvanzi naTenzi, “Sezvinongoitawo waini kuti inowanikwa muchitsumbu chamagirepisi, vanhu vachiti regai kuchiparadza nokuti machiri mune chikomborero izvozvi, ndozvineni, pamusana pavaranda vangu handisi kuzovaparadza vose.
9
Ini ndichaunza zvizvarwa zvokwaJakobho, vari vedzinza rokwaJudha kuti vatore makomo angu ave avo, vasarudzwi vangu vagare nhaka nyika yavo ivava varanda vangu ndivo vachagara zvavo imomo.
10
KuSharoni uku kuchava mafuro ezvipfuwo, nebani reAkori richava mafuro emombe, pamusana pevanhu vangu vanenge vachinditsvaga.
11
“Asi imimi makafuratira Tenzi, imi makakanganwa gomo rangu rinoera, imi munotonamata zvenyu Gadhi, imi munozadza makapu emasanganiswa ewaini okuteura kuna Meni,
12
chenyu imi chandakutemerai kufa muchiurayiwa namapakatwa, mose mucharakatiswa kufa, nokuti ndakakudaidzaika ini asi hamuna kudaira. Pandaitaura, hamunaka kuteerera. Zvandinoti zvakaipa ndozvacho zvamakatoita, muchisarudza zvenyu kuita zvinhu zvandisingadi.”
13
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Varanda vangu vachadya asi imi muchifa nenzara. Mazvinzwa! Varanda vangu vachanwa asi imi muchifa nenyota. Mazvinzwaka! Varanda vangu vachapembera nokufara, asi imi muchanyadziswa.
14
Chinzwai munzwe, kuvaranda vangu achava makuwerere kuimba nokufara, asi kwamuri imi ichava misodzi chete kuchema muchirwadziwa mwoyo muchihwihwidza kuchema muchishungurudzwa mwoyo.
15
Zita renyu imi richasara pakati pevasarudzwi vangu rava chokutukisa nacho vanhu. Tenzi Mwari achakuurayai asi varanda vake achavadaidza nerimwewo zita.
16
Zvinenge zvava panyika ndezvokuti, munhu anenge ava kuda chikomborero, achakumbira kukomborerwa naMwari wechokwadi, neanenge oda kupika mhiko pasi pano achazopika naMwari wechokwadi. Ndinodaro nokuti nhamo dziye dzakare dzichange dzakanganwika dzisisimo mumaziso angu.”
17
“Chionai kuti ndava kusika denga idzva nenyika itsva. Zvinhu zvakare zviya hazvichazoyeukwa kana kuuya hazvo mumusoro.
18
Asi farai zvenyu mufare kwazvo nokusingaperi muchifarira zvandava kusika nokuti tarisai muone ndava kusika Jerusaremu rorufaro nevanhu varowo vari vanhu vakafara chaizvo.
19
Ini ndichafarira Jerusaremu vanhu vangu ndichivafarira. Mariri hamuzonzwika izwi rokuchema kana kuridza mhere.
20
Hamuna mucheche mariri achararama mazuva mashomanana, kana munhu achembera anodimurirwa panzira mazuva oupenyu hwake. Chinenge chotovepo ndechokuti mwana anotozofa asvitsa zana ramakore. Kunyange mutadzi kufa aine zana remakore runenge ruchitova rushambwa.
21
Vanhu vachavaka dzimba vakatodzigara, vachisima minda yamagirepisi vachitozodyawo michero yayo.
22
Havazomboti ivo vakavaka, mumwewo zvake ndiye ozogaramo, hazvisiri kuzombosima mumwe achizodya, nokuti vanhu vangu vachararama samakore anogara hunde yomuti. Vasarudzwi vangu ava vachasaraka chaizvo vachingofarira basa ravanoita ivo namaoko avo.
23
Havasi kuzomboshandira pasina kana kuberekera vana vavo nhamo nokuti ivo nevana vavo vanenge vari vana vaTenzi, nyakurumbidzwa.
24
Vasati vatombonamata ini ndinenge ndatopindura kare munamato wavo, ivo vachiri kutaura, ini ndinenge ndatozvinzwa.
25
Mhumhi nehwayana zvichafura pamwechete, shumba inenge yofura sora semombe, nyoka ichange yodya guruva. Zvinenge zvisisakuvadze kana kuparadza mugomo rangu rose zvaro rinoera,” ndizvo zviri kutaura Tenzi.
← Chapter 64
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 66 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66