bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Isaiah 14
Isaiah 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 15 →
1
Nokuti Jehova ucanzwira Jakobo tsitsi, ucasanaŋgura Israeri nokuʋagadza munyika yaʋo; mutorwa ucandogara naʋo, ʋacanamatira imba yaJakobo.
2
Marudzi acaʋatora, nokuʋaisa kunɀimbo yaʋo; imba yaʋaIsraeri icaʋaɓata panyika yaJehova ʋaʋe ʋaranda naʋashandiri ʋaʋo; ʋacatapa iʋo ʋaiʋa ʋatapi ʋaʋo, ʋacaɓata iʋo ʋaiʋamanikidza.
3
Ɀino nezuʋa iro kana Jehova acikuzorodza pakucema kwako napakutambudzika kwako, napakuɓata kwako kunorema kwawakaɓatiswa nako,
4
ucaimba rwiyo urwu pamsoro pamambo weBabironi, uciti: Haiwa, mumanikidzi wapera sei! Kutambudza kwapera sei!
5
Jehova wavuna muɗonɀo wowakaipa, netȿimbo yoʋushe yaʋaɓati;
6
iye wairoʋa marudzi aʋanhu nehasha nokuroʋa kusiŋgaperi, waiɓata ndudzi dzaʋanhu nokutambudza kusina‐kudzorwa nomunhu.
7
Nyika yose yozorora, yanyarara; ʋanofara nokuimba.
8
Ɀirokwaɀo miti yemisipresi inofara nokuɗa kwako, nemisidari yeRebanoni, iciti: Ciŋguʋa cawaparadzwa, hapanomutemi unokwira kutitema.
9
Sheori pasi rinenyoŋgano pamsoro pako kuzosoŋgana newe pakuʋuya kwako; rinokumutsira ʋakafa, iʋo ʋose ʋaiʋa ʋakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi aʋanhu paɀigaro ɀawo ɀoʋushe.
10
Iʋo ʋose ʋacapindura, ʋaciti kwauri: Newe waʋa usinesimba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?
11
Kuɀikudza kwako kwaɗeredzwa kuȿikira paSheori, nokurira kwoʋuɗimbga bgako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza.
12
Haiwa, wawa seiko ucibva kuɗeŋga, iwe nyamasase, iwe mŋanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!
13
Iwe wakati mumŋoyo mako: Ndicakwira kuɗeŋga, ndicakwiridza cigaro caŋgu coʋushe kumsoro kwenyeredzi dzaMŋari; ndicagara pamsoro pegomo reʋuŋgano, pamigumo yamatiʋi okumsoro;
14
ndicakwira kumsoro kwamakore, ndicaɀienzanisa noWokumsorosoro.
15
Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɗeredzwa kuȿikira paSheori, kuȿikira pakadzika pegomba.
16
Ʋanokuʋona ʋacakucerekedza, ʋacakutarira, ʋaciti: Ko uyu ndiye munhu waiɗeɗeresa nyika, waizunuŋgusa ʋushe;
17
waishandura nyika ifanane nerenje, waiparadza maguta ayo, wairamba kusunuŋgura ʋasuŋgwa ʋake ʋaende kumusha here?
18
Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anoʋata acikudzwa, mumŋe nomumŋe paimba yake.
19
Asi iwe warashwa kure nobgiro bgako, seɗaʋi rinonyaŋgadza, wafukidzwa naʋakaʋurawa, ʋakaɓayiwa nomunondo, ʋanoɓurukira kumabge egomba, somutumbu watsikwa netsoka.
20
Hauŋgaʋigwi pamŋe cete naʋo, nokuti wakaparadza nyika yako, ʋakaʋuraya ʋanhu ʋako; ʋana ʋaʋakaipa haʋaŋgarebgi nokusiŋgaperi.
21
Gadzirirai ʋana ʋake paʋaŋgaʋurawa nokuɗa kwokushata kwamadziɓaɓa aʋo; ʋarege kuzomuka, ʋagare nhaka yenyika, ʋazadze pasi pose namaguta.
22
Ɀanzi naJehova wehondo: Ndicaʋamukira, ndicatorera Babironi zita naʋakasara, naʋana naʋana ʋaʋana, ndiɀo ɀinotaura Jehova.
23
Ndicariita nɀimbo inogarwa nenuŋgu, ʋuye madziʋa emvura; ndicaritȿaira nomutȿairo wokuparadza, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
24
Jehova wehondo wakapika, aciti: Ɀirokwaɀo, seɀandakafuŋga, ndiɀo ɀaɀicaitika; seɀandakaraŋgarira, ɀicamira saiɀoɀo.
25
Kuti ndicavuna muAsiria munyika yaŋgu, ndicamutsika netsoka dzaŋgu pamakomo aŋgu; neŋguʋa iyo joko rake ricabva kwaʋari, nomutoro wake ucabva pamafudzi aʋo.
26
Ndico cireʋo cakatemerwa nyika yose; ndirwo ruʋoko rwakatambanudzwa pamsoro pamarudzi ose.
27
Nokuti Jehova wehondo wakatema cireʋo, ndiani uŋgapindura ɀe? Ruʋoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani uŋgarudzosa.
28
Negore rokufa kwamambo Ahazi cireʋo ici cakarebga:
29
Iwe nyika yeFiristia, iwe nyika yose, usafara ɀako nokuti shamhu yakaŋga yakuroʋa yavunika; nokuti pamudzi wenyoka pacaɓuɗa mvumbi, ciɓereko cayo cicaʋa nyoka yomŋoto inobururuka.
30
Mataŋgwe aʋarombo acadya, naʋanoshaiwa ʋacaʋata pasi ʋakafara; ndicaʋuraya mudzi wako nenzara, ʋakasara ʋako ʋacaʋurawa.
31
Cema, iwe suʋo; ɗanidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFiristia, iwe nyika yose; nokuti kurutiʋi rwokumsoro kunobva ʋutsi, hapana‐unotiza pahondo dzake.
32
Ɀino nhume dzorudzi urwu ʋacadzipindurei? Kuti Jehova wakaʋamba Zioni, ʋanotambudzika ʋaʋanhu ʋake ʋacaʋandira’mo.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66