bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Isaiah 30
Isaiah 30
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 31 →
1
Ɀanzi naJehova: Ʋanenhamo ʋana ʋano ndi mukira, ʋanofuŋga mano ʋasiŋgandibvunzi, ʋanoita suŋgano ɀisiŋgabvi paMŋeya waŋgu, kuti ʋawedzere ɀiʋi neɀiʋi;
2
ʋanoɀiroŋgedza kuenda Egipita, ʋasino‐kubvunza muromo waŋgu, kuti ʋaɀisimbise nesimba raFarao, nokuʋanda mumumvuri weEgipita.
3
Naiɀoɀo simba raFarao ricakunyadzisai, kuʋanda kwenyu mumumvuri waFarao kucaʋa kukaŋganisa kwenyu.
4
Nokuti macinda aʋo ari paZoani, nhume dzake dzaȿika Hanesi.
5
Ʋose ʋacanyadziswa pamsoro porudzi rwaʋanhu ʋasiŋgagoni kuʋafumisa, ʋasiŋgaʋaɓatsiri kana kuʋafumisa, asi kuʋanyadzisa nokuʋashoʋodza.
6
Cireʋo pamsoro peɀikara ɀenyika yezasi. Panyika yokutambudzika neyokucema, kunobva shumba hadzi negonho, nenyoka, nenyoka yomŋoto inobururuka, ndi’po paʋanotakudza fuma yaʋo pamsoro pamafudzi aʋana ʋemboŋgoro, neɀinokosha ɀaʋo panyuŋgwa dzamakamera, ʋaciɀiisa kuʋanhu ʋasiŋgaʋafumisi.
7
Nokuti Egipita inoɓatsira pasina, ɀisinamaturo; saka ndakaitumidza zita rokuti Rahabi unoŋgogara ɀake.
8
Ɀino cienda, uɀinyore pamberi paʋo pahwendefa rebge, uɀinyore mubuku, ɀiʋe’po paŋguʋa inoʋuya nokusiŋgaperi‐peri.
9
Nokuti aʋa rudzi runo ndi mukira, ʋana ʋanenhema, ʋana ʋasiŋgaɗi kunzwa murairo waJehova;
10
ʋanoti kuʋaʋoni: Musaʋona; nokuʋaprofita: Musatiprofitera ɀinhu ɀakarurama, tiʋudzei ɀinofadza, tiprofitere ɀinonyeŋgera;
11
ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai Mutȿene waIsraeri pamberi peɗu.
12
Naiɀoɀo ɀanzi noMutȿene waIsraeri: Ɀamunoɀidza shoko iri, muciʋimba nokumanikidzwa nokunyeŋgera, muciɀitenda iɀo;
13
naiɀoɀo kuipa uku kucaʋa kwamuri sapakakoromoka panoɗa kuwa, panotȿeyama paruȿiŋgo rwakareɓa, panowa kamŋe‐kamŋe pakarepo.
14
Ucaiputsa seɀinoputswa mudziyo womuʋumbi, ucaiputsa‐putsa asinenyasha, kuȿikira pacishaikwa pakati peɀimeɗu ɀayo caeŋga cokundogoka mŋoto naco pacoto, kana kutekesa mvura naco patsime.
15
Nokuti ɀanzi naShe Jehova, Mutȿene waIsraeri: Pakudzoka nokuzorora ndi’po panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndi’po pacaʋa nesimba renyu; asi makaramba,
16
mukati: Kwete, ticatiza takataȿa mabiza; saka mucatiza ɀenyu; ʋuye ɀe: Ticataȿa mabiza anomhanyisa; saka ʋanodziŋgana nemi ʋacamhanyisa.
17
Ʋanecuru ʋacatiza kana ʋaciʋambga nomumŋe; mucatiza kana muciʋambga naʋashanu; kuȿikira masiyiwa seɗanda pamsoro pegomo, somureza pamsoro pecikomo.
18
Naiɀoɀo Jehova ucambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naiɀoɀo ucakudzwa, kuti aʋe nenyasha nemi, nokuti Jehova ndiMŋari wokururamisira; ʋakaropafadzwa ʋose ʋanomumirira.
19
Nokuti ʋanhu ʋacagara paZioni paJerusarema; hamuŋgazocemi, ɀirokwaɀo ucakunzwirai tsitsi, kana acinzwa kucema kwenyu; kana acinzwa, ucakupindurai.
20
Kunyaŋge Ishe akakupai ciŋgwa cenhamo nemvura yokutambudzika, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋadzidzisi ʋenyu haʋaŋgazoʋandi, asi meso enyu acaʋona ʋadzidzisi ʋenyu;
21
nzeʋe dzenyu dzicanzwa shoko shure kwenyu, riciti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muciɗa kutsaukira kurudyi, kana ɀimŋe muciɗa kutsaukira kuruɓoshwe.
22
Mucashatsa sirveri yakafukidza mifananidzo yenyu yakaʋezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaʋumbga; ucairashira kure secinhu cakashata; ucati kwaciri: Ibva pano.
23
Ucakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yaucadɀara muvu; neɀokudya, ɀinoɓerekwa nevu, ɀicaʋa ɀakakora ɀizhinji. Nezuʋa iro ŋombe dzenyu dzicafura pamafuro makuru;
24
nzombe naʋana ʋemboŋgoro, ɀinorima minda, ɀicadya ɀokudya ɀakaruŋgwa, ɀakarudzwa nemitȿairo nemisero.
25
Pamsoro pegomo rimŋe nerimŋe rakareɓa, napacikomo cimŋe necimŋe cakakwirira, pacaʋa nenzizi nehoʋa dzemvura, nezuʋa rokuʋurawa kukuru kana shoŋgwe dziciwa.
26
Ʋuye ɀe, ciedza comŋedzi cicafanana neciedza cezuʋa, ciedza cezuʋa cicawedzerwa kanomŋe, seciedza camazuʋa manomŋe, nezuʋa iro kana Jehova acisuŋga pakakuʋara paʋanhu ʋake, nokuporesa ʋaŋga raʋakarobga.
27
Tarirai, zita raJehova rinobva kure, ricipisa nokutsamŋa kwake, riciɓuɗisa ʋutsi ʋuzhinji; miromo yake izere nehasha, rurimi rwake rwakafanana nomŋoto unopedza ɀose;
28
mŋeya wake wakaita sorwizi runofema kunze, runoȿikira pamutsipa, kuti asere marudzi aʋanhu nomusero wokuparadza; matomu anotsausa acaʋa mumiromo yaʋanhu.
29
Mucaimba rwiyo, seɀinoitwa ʋusiku kana mutambo mutȿene ucitambga; mucaʋa nokufara kwomŋoyo, wakafanana nowomunhu unoenda aciridza nyere kugomo raJehova, kuɗombo raIsraeri.
30
Jehova ucanzwisa inzwi rake roʋumambo, ucaratidza kuɓuruka kworuʋoko rwake, nokutsamŋa kwake kukuru, nomuraɀo womŋoto unopedza ɀose, necampupuri, nokunaya kukuru kwemvura, necimvuramabge.
31
Nokuti muAsiria ucakaŋganiswa nenzwi raJehova; ucamuroʋa neshamhu.
32
Kuroʋa kwose kwetȿimbo yakatumŋa, yaacarobga nayo naJehova, kucaitwa nokurira kweŋgoma nembira; ucarwa naʋo nokurwa kucaʋazunuŋgusa.
33
Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa; ɀirokwaɀo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; ɗutu riri’po mŋoto nehuni zhinji; mŋeya waJehova, wakafanana norwizi rwesurferi, ucaɀipfutidza.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66