bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 1
Numbers 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi murenje reSinai, patente rokusoŋgana, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecipiri negore recipiri rokuɓuɗa kwaʋo Egipita, akati:
2
Ʋereŋga ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋarume ʋose, mumŋe nomumŋe.
3
Iwe naAroni muʋereŋge mapoka aʋo, ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose pakati paʋaIsraeri ʋanogona kundorwa.
4
Munofanira kuenda nomurume worudzi rumŋe norumŋe, mukuru weimba yamadziɓaɓa ake.
5
Ndiwo mazita aʋarume ʋanofanira kukuɓatsirai: WokwaRubeni, Erizuri, mŋanakomana waShedeuri.
6
WokwaSimeoni, Sherumieri, mŋanakomana waZurishadai.
7
WokwaJuda, Nashoni, mŋanakomana waAminadabi.
8
WokwaIsakari, Netaneri, mŋanakomana waZuari.
9
WokwaZeburuni, Eriabi, mŋanakomana waHeroni.
10
Ʋokuʋana ʋaJosefa: WokwaEfraimi, Erishama, mŋanakomana waAmihudi; wokwaManase, Gamarieri, mŋanakomana waPedazuri.
11
WokwaBenjamini, Abidani, mŋanakomana waGideoni.
12
WokwaDani, Ahiezeri, mŋanakomana waAmishadai.
13
WokwaAsheri, Pagieri, mŋanakomana waOkrani.
14
WokwaGadi, Eriasafi, mŋanakomana waDeueri.
15
WokwaNaftari, Ahira, mŋanakomana waEnani.
16
Ndiʋo ʋakaɗanwa paʋuŋgano, ari macinda amarudzi amadziɓaɓa aʋo, ʋakuru ʋedzimba dzaʋaIsraeri.
17
Ɀino Mosesi naAroni ʋakatora ʋarume aʋa ʋarebga mazita aʋo,
18
ʋakakoka ʋuŋgano yose nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecipiri, iʋo ʋakaʋarondedzera marudzi aʋo, mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋose ʋakaŋga ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, mumŋe nomumŋe.
19
Akaʋaʋereŋga murenje reSinai, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
20
Ʋokuʋana ʋaRubeni, mŋanakomana weɗaŋgwe waIsraeri naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, mumŋe nomumŋe, ʋarume ʋose ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
21
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaRubeni ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitanhatu namazana mashanu.
22
Ʋokuʋana ʋaSimeoni, namarudzi aʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋakaʋereŋgwa kwaʋari namazita aʋo, ʋose ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
23
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaSimeoni, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀipfumbamŋe namazana matatu.
24
Ʋokuʋana ʋaGadi, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋose ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
25
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaGadi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
26
Ʋokuʋana ʋaJuda, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
27
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaJuda, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀinna namazana matanhatu.
28
Ʋokuʋana ʋaIsakari, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
29
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaIsakari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu namazana manna.
30
Ʋokuʋana ʋaZeburuni, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
31
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaZeburuni, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinomŋe namazana mashanu.
32
Ʋokuʋana ʋaJosefa, iʋo ʋana ʋaEfraimi, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri, ʋose ʋaigona kundorwa,
33
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaEfraimi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu.
34
Ʋokuʋana ʋaManase, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
35
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaManase, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri namazana maʋiri.
36
Ʋokuʋana ʋaBenjamini, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
37
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaBenjamini, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀishanu namazana manna.
38
Ʋokuʋana ʋaDani, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
39
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaDani, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu namazana manomŋe.
40
Ʋokuʋana ʋaAsheri, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
41
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaAsheri, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna necuru cimŋe, namazana mashanu.
42
Ʋokuʋana ʋaNaftari, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
43
ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaNaftari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitatu namazana manna.
44
Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, namacinda aʋaIsraeri; ʋaiʋa ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri, mumŋe nomumŋe panɀimbo yeimba yaɓaɓa ʋake.
45
Naiɀoɀo ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋaʋana ʋaIsraeri nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa pakati paʋaIsraeri,
46
ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu neɀitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
47
Asi ʋaRevi, norudzi rwamadziɓaɓa aʋo, haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋo.
48
Nokuti Jehova wakaŋga ataura naMosesi, akati:
49
Asi ʋorudzi rwaRevi ʋoga usaʋaʋereŋga, usaʋaʋereŋgera pakati paʋana ʋaIsraeri;
50
asi ʋaRevi uʋagadze, ʋaʋe ʋatariri ʋetabernakeri yecipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, neɀose ɀayo; ndiʋo ʋanofanira kutakura tabernakeri, nenhumbi dzayo dzose, nokushumira’po, nokukomba tabernakeri nemisasa yaʋo.
51
Ɀino kana tabernakeri icipfuʋura mberi, ʋaRevi ndiʋo ʋanofanira kuibvisa; ʋuye kana tabernakeri icidzikwa ɀe, ʋaRevi ndiʋo ʋanofanira kuiʋaka; munhu usina‐kufanira unosweɗera’ko, unofanira kuʋurawa.
52
Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kudzika matente aʋo, mumŋe nomumŋe pamisasa yoʋokwake, mumŋe nomumŋe pamureza woʋokwake, ʋaciita mapoka aʋo.
53
Asi ʋaRevi ʋanofanira kudzika matente aʋo ʋacikomba tabernakeri yecipupuriro, kuti ʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri irege kutsamŋirwa; ʋaRevi ʋanofanira kuɓata maɓasa etabernakeri yecipupuriro.
54
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi seɀaakarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36