bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 32
Numbers 32
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 33 →
1
Ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi ʋakaŋga ʋaneɀipfuwo ɀizhinji kwaɀo; ɀino ʋakati ʋacitarira nyika yeJazeri nenyika yeGireadi, ʋakaʋona kuti inɀimbo yakafanira ɀipfuwo.
2
Ipapo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakaʋuya ʋakataurirana naMosesi naEreazari muprista namacinda eʋuŋgano, ʋakati:
3
Ataroti neDiboni neJazeri neNimra neHeshboni neEreari neSebami neNebo neBeoni —
4
Nyika dzakakundwa naJehova pamberi peʋuŋgano yaIsraeri, inyika yakafanira ɀipfuwo; ɀino isu ʋaranda ʋenyu, tineɀipfuwo.
5
Ʋakati: Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ŋgaipiwe ʋaranda ʋenyu, iʋe yaʋo; musatiyambusa henyu Joridani.
6
Mosesi akati kuʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni: Ko hama dzenyu dziŋgaenda kundorwa, imi mukagara pano here?
7
Munoʋodzereiko mŋoyo yaʋana ʋaIsraeri ʋarege kuenda kunyika yaʋakapiwa naJehova?
8
Ndiɀo ɀakaita madziɓaɓa enyu ŋguʋa yandakaʋatuma ʋari paKadeshi‐barnea, kundoshora nyika.
9
Nokuti ʋakati ʋakwira kumupata weEshkori, ʋakaʋona nyika, ʋakaʋodza mŋoyo yaʋana ʋaIsraeri, kuti ʋarege kupinda munyika yaʋakaŋga ʋapiwa naJehova.
10
Jehova akatsamŋa nomusi iwoyo, akapika, akati:
11
Ɀirokwaɀo, hakuŋgaʋi nomumŋe waʋarume ʋakaɓuɗa Egipita, unamakore makumi maʋiri nounopfuʋura, uŋgandoʋona nyika yandakapikira Abrahama naIsaka naJakobo, nokuti haʋana‐kunditeʋera nomŋoyo wose;
12
asi Karebi, mŋanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mŋanakomana waNuni, nokuti iʋo ʋakateʋera Jehova nomŋoyo wose.
13
Jehova akatsamŋira ʋaIsraeri, akaʋadzuŋgairisa murenje makore anamakumi manna, kuȿikira rudzi rwose rwakaŋga rwatadza pamberi paJehova rwaparadzwa.
14
Ɀino tarirai, imi makamuka panɀimbo yamadziɓaɓa enyu, ʋana caiʋo ʋaʋanhu ʋeɀiʋi, kuti muwedzere kutsamŋa kukuru kwaJehova pamsoro paIsraeri.
15
Nokuti kana mukatsauka pakumuteʋera, ucaʋasiya ɀe murenje; imi mucaparadza ʋanhu aʋa ʋose
16
Ʋakasweɗera kwaari, ʋakati: Ticaʋakira ɀipfuwo ɀeɗu mataŋga naʋana ʋeɗu ʋaɗuku maguta pano;
17
asi isu ticaɀigadzirira kurwa, kuti tituŋgamirire ʋana ʋaIsraeri, kudzimana taʋaȿitsa kunɀimbo yaʋo; ʋana ʋeɗu ʋacagara mumaguta akakombga namaȿiŋgo nokuɗa kwaʋanhu ʋagere munyika.
18
Hatiŋgadzokeri kudzimba dzeɗu kudzimana ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋapiwa nhaka yaʋo.
19
Nokuti hatiŋgagari nhaka pamŋe cete naʋo mhiri kwaJoridani nemberi; nokuti isu tagoʋerwa nhaka yeɗu necoʋuno mhiri kwaJoridani kurutiʋi rwamabvazuʋa.
20
Ɀino Mosesi akati kwaʋari: Kana mukaita cinhu ici, kana mukashoŋga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehova kundorwa,
21
mumŋe nomumŋe wenyu wakashoŋga akayambuka Joridani pamberi paJehova, kudzimana iye adziŋga ʋaʋeŋgi ʋake pamberi pake,
22
nyika ikakundwa pamberi paJehova, ipapo muŋgadzoka henyu, hamuŋgaʋi nemhoȿa kunaJehova nokuʋaIsraeri; nyika ino igoʋa nhaka yenyu pamberi paJehova.
23
Asi kana mukasaita saiɀoɀo, tarirai matadzira Jehova, muziʋe kuti ɀiʋi ɀenyu ɀicakuwanai.
24
Ʋakirai henyu ʋana ʋenyu maguta namakwai enyu mataŋga; itai seɀamakataura.
25
Ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakataura naMosesi, ʋakati: Ʋaranda ʋenyu ʋacaita seɀakaraira tenzi weɗu.
26
Ʋana ʋeɗu, naʋakadzi ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu, neŋombe dzeɗu dzose, ɀicagara mumaguta eGireadi;
27
asi ʋaranda ʋenyu ʋacayambuka, ʋose ʋakaɀigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehova, seɀakataurwa natenzi weɗu.
28
Naiɀoɀo Mosesi akaraira pamsoro paʋo Ereazari muprista, naJoshua, mŋanakomana waNuni, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri,
29
Mosesi akati kwaʋari: Kana ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakayambuka nemi, murume mumŋe nomumŋe wakaɀigadzira kundorwa pamberi paJehova, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuʋapa nyika yeGireadi, iʋe yaʋo.
30
Asi kana ʋasiŋgayambuki nemi, ʋakashoŋga nhumbi dzaʋo dzokurwa, ʋanofanira kupiwa nhaka yaʋo pakati penyu panyika yeKanani.
31
Ipapo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakapindura, ʋakati: Seɀakareʋa Jehova kuʋaranda ʋenyu, ndiɀo ɀaticaita.
32
Ticayambukira pamberi paJehova kunyika yeKanani, takashoŋga nhumbi dzeɗu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yeɗu necoʋuno mhiri kwaJoridani.
33
Ɀino Mosesi akaʋapa, iʋo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni, nehafu yorudzi rwaManase, mŋanakomana waJosefa, ʋushe bgaSihoni, mambo waʋaAmori, noʋushe bgaOgi, mambo weBashani, nyika namaguta ayo nemiganho yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
34
Ʋana ʋaGadi ʋakaʋaka Diboni, neAtaroti, neAroeri,
35
neAtroti‐shofani, neJazeri, neJogbeha,
36
neBeti‐nimra, neBeti‐harani, ari maguta akakombga namaȿiŋgo, anamataŋga amakwai.
37
Ʋana ʋaRubeni ʋakaʋaka Heshboni, neEreari, neKiriataimi,
38
neNebo, neBaari‐meoni (ʋashandura mazita awo), neSibma; ʋakatumidza maguta aʋakaʋaka mamŋe mazita.
39
Ʋana ʋaMakiri, mŋanakomana waManase, ʋakaenda Gireadi, ʋakarikunda, ʋakadziŋga ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere’mo.
40
Mosesi akapa Makiri, mŋanakomana waManase, Gireadi, iye akagara’mo.
41
Jairi, mŋanakomana waManase, akakunda misha yaro, akaitumidza Misha yaJairi.
42
Noba akandokunda Kenati, nemisha yaro yakaŋga yakaɓatwa naro, akaritumidza Noba, nezita rake.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36