bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 25
Numbers 25
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
1
Ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paShitimi, ʋanhu ʋakataŋga kuita ʋupombge naʋanasikana ʋaMoabi;
2
nokuti ʋakaɗana ʋanhu ʋaʋuye kuɀiɓayiro ɀaʋamŋari ʋaʋo; ʋanhu ʋakadya, ʋakafugamira ʋamŋari ʋaʋo.
3
ƲaIsraeri ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori; Jehova akatsamŋira Israeri kwaɀo.
4
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora ʋakuru ʋose ʋaʋanhu, uʋasuŋgirire masikati makuru pamberi paJehova, kuti kutsamŋa kukuru kwaJehova kudzorwe kunaIsraeri.
5
Mosesi akati kuʋatoŋgi ʋaIsraeri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaaʋuraye ʋanhu ʋake ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori.
6
Ɀino ʋonei mumŋe murume waʋana ʋaIsraeri akaʋuya kuhama dzake nomukadzi muMidiani, Mosesi neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋaciɀiʋona, iʋo ʋari pakucema pamukoʋa wetente rokusoŋgana.
7
Ɀino Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wakati aciɀiʋona, akasimuka, akaɓuɗa pakati peʋuŋgano anepfumo muruʋoko rwake,
8
akateʋera murume uyo muIsraeri mukati metente, akaʋaɓaya nepfumo nomuɗumbu, iʋo ʋaʋiri, murume muIsraeri nomukadzi; naiɀoɀo ɗenda rakaguma pakati paʋana ʋaIsraeri.
9
Ʋose ʋakaŋga ʋafa neɗenda iro ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
10
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
11
Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wadzora kutsamŋa kwaŋgu kuʋana ʋaIsraeri; nokuti wakaŋga aneshuŋgu pakati paʋo, dzakafanana neshuŋgu dzaŋgu, naiɀoɀo handina‐kuparadza ʋana ʋaIsraeri neshuŋgu dzaŋgu.
12
Naiɀoɀo uti: Tarira, ndinomupa suŋgano yaŋgu yorugare,
13
icaʋa kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera suŋgano yoʋuprista bgusiŋgaperi; nokuti wakaŋga aneshuŋgu nokuɗa kwaMŋari wake, akayananisira ʋana ʋaIsraeri.
14
Zita romurume uyo muIsraeri wakaʋurawa, iye wakaʋurawa pamŋe cete nomukadzi muMidiani, rakaŋga riri Zimri, mŋanakomana waSaru, mucinda weimba yamadziɓaɓa pakati paʋaSimeoni.
15
Zita romukadzi muMidiani wakaʋurawa, rakaŋga riri Kozbi, mŋanasikana waZuri; iye wakaŋga ari mukuru waʋanhu weimba yamadziɓaɓa paʋaMidiani.
16
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
17
Ʋambana naʋaMidiani, uʋaparadze;
18
nokuti iʋo ʋakaʋambana nemi namano aʋo, aʋakakunyeŋgerai nawo paneɀakaitwa paPeori neɀakaitwa naKozbi, mŋanasikana womucinda waʋaMidiani, hanɀadzi yaʋo, wakaʋurawa nomusi weɗenda nokuɗa kweɀakaitwa paPeori.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36