bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 9
Numbers 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 10 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi murenje reSinai pamŋedzi wokutaŋga wegore recipiri rokuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita, akati:
2
Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kutamba paseka paŋguʋa yayo yakatarwa.
3
Nezuʋa regumi namanna romŋedzi uno, maɗekwana, munofanira kuitamba paŋguʋa yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muciterera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.
4
Ipapo Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, kuti ʋatambe paseka.
5
Iʋo ʋakatamba paseka nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, murenje reSinai; ɀose seɀakarairwa Mosesi naJehova, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri.
6
Ɀino kwakaŋga kunaʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋasina‐kunaka nokuɗa kwecitunha comunhu, naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kudya paseka nomusi iwoyo; naiɀoɀo ʋakaʋuya kunaMosesi naAroni nomusi iwoyo;
7
ʋarume aʋa ʋakati kwaari: Hatina‐kunaka nokuɗa kwecitunha comunhu; tiŋgadziʋiswa seiko kupa cipo caJehova neŋguʋa yaco yakatarwa pakati paʋana ʋaIsraeri?
8
Mosesi akati kwaʋari: Mirai, ndinzwe ɀinorairwa naJehova pamsoro penyu.
9
Jehova akataura naMosesi, akati:
10
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana mumŋe wenyu, kana waʋana ʋenyu, aciŋge aʋa usina‐kunaka nokuɗa kwecitunha, kana ɀimŋe ari kurwendo ruri kure, kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kutamba paseka yaJehova.
11
Iʋo ʋanofanira kuidya nomŋedzi wecipiri, nezuʋa regumi namanna, maɗekwana; ʋanofanira kuidya neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa nemiriʋo inoʋaʋa.
12
Haʋafaniri kusiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana, kana kuvuna fupa rimŋe rayo, asi ʋanofanira kuitamba ʋaciterera mitemo yose yepaseka.
13
Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya paseka, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; ɀaasinakupa cipo caJehova paŋguʋa yakatarwa, munhu uyo ucaʋa neɀiʋi ɀake.
14
Kana ari mutorwa ugere nemi, akaɗa kudya paseka yaJehova, unofanira kuidya aciterera mutemo wepaseka, nomurairo wayo; munofanira kuʋa nomutemo mumŋe, womutorwa nomunhu wakaɓerekwa munyika.
15
Nomusi wokumiswa kwetabernakeri, gore rakafukidza tabernakeri, iro tente recipupuriro; maɗekwana rakaŋga riri pamsoro petabernakeri rakaita somŋoto kuȿikira maŋgwana.
16
Ɀakaŋga ɀakaɗaro ŋguʋa dzose; gore rakaifukidza, asi ʋusiku rakaŋga rakaita somŋoto.
17
Ɀino ŋguʋa dzose kana gore ricisimudzwa pamsoro peTente, shure kwaiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋaifamba; paindomira gore, ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋaidzika matente aʋo;
18
seɀaʋairairwa naJehova, ʋana ʋaIsraeri ʋaifamba, seɀaʋairairwa naJehova ʋaidzika matente aʋo; ŋguʋa yose kana gore rimire pamsoro petabernakeri, iʋo ʋairambira mumatente aʋo.
19
Kana gore ricirambira pamsoro petabernakeri mazuʋa mazhinji, ʋana ʋaIsraeri ʋaiceŋgeta ɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakasafamba.
20
Dzimŋe ŋguʋa gore raigara pamsoro petabernakeri mazuʋa mashomanene; ɀino seɀairaira Jehova ʋairamba ʋagere pamatente aʋo, ʋuye seɀairaira Jehova ʋaifamba.
21
Dzimŋe ŋguʋa gore raiʋa’po kubva maɗeko kuȿikira maŋgwana; ɀino kana gore ricisimudzwa maŋgwana, ʋaifamba; kana masikati kana ʋusiku, kana gore ricisimudzwa, ʋaifamba.
22
Kana gore rikaramba riri pamsoro petabernakeri mazuʋa maʋiri, kana mŋedzi, kana gore, ricimira pamsoro payo, ʋana ʋaIsraeri ʋairamba ʋagere mumatente aʋo, ʋasiŋgafambi; asi kana rasimudzwa, ʋaifamba.
23
Seɀaʋairairwa naJehova, ʋaidzika matente aʋo; seɀaʋairairwa naJehova, ʋaifamba; ʋaiceŋgeta ɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, seɀakaraira Jehova nomuromo waMosesi.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36