bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 35
Numbers 35
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 36 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko, akati:
2
Raira ʋana ʋaIsraeri, kuti ʋape ʋaRevi panhaka yaʋakagara iʋo, maguta maʋaŋgagara; munofanira ʋo kupa ʋaRevi ruwa runopoteredza maguta aʋo.
3
Ʋanofanira kuʋa namaguta maʋaŋgagara; noruwa rwawo runofanira kuʋa rweŋombe dzaʋo, nefuma yaʋo, neɀipfuwo ɀaʋo ɀose.
4
Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa ʋaRevi, runofanira kutaŋga paruȿiŋgo rweguta ndokupoteredza guta kuȿika pamakubiti anecuru cimŋe kunhiʋi dzose.
5
Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutiʋi rwokumabvazuʋa makubiti aneɀuru ɀiʋiri, nokurutiʋi rwezasi makubiti aneɀuru ɀiʋiri, nokurutiʋi rwokumsoro makubiti aneɀuru ɀiʋiri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuʋa ruwa rwamaguta aʋo.
6
Maguta amunopa ʋaRevi anofanira kuʋa maguta matanhatu oʋutiziro, amunofanira kuʋapa, kuti muʋurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuʋapa maguta anamakumi manna namaʋiri.
7
Maguta ose amunopa ʋaRevi anofanira kuʋa maguta anamakumi manna namasere, iwo noruwa rwawo.
8
Kana ari maguta amunotora panhaka dzaʋana ʋaIsraeri, kunaʋanamazhinji munofanira kutora mazhinji, kunaʋanamashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumŋe norumŋe runofanira kupa ʋaRevi mamŋe maguta, seɀarwakapiwa nhaka yarwo.
9
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
10
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mayambuka Joridani, mukapinda munyika yeKanani,
11
munofanira kuɀisanaŋgurira maguta, aʋe maguta oʋutiziro kwamuri; kuti muʋurayi, unoʋuraya munhu asiŋgaiti nobgoni atizire’ko.
12
Maguta iwayo anofanira kuʋa kwamuri ʋutiziro pamutsiʋi, kuti muʋurayi arege kufa, asinakumbotoŋgwa pamberi peʋuŋgano.
13
Maguta amunoʋapa, anofanira kuʋa kwamuri maguta matanhatu oʋutiziro.
14
Munofanira kuʋapa maguta matatu mhiri kwaJoridani, namamŋe maguta matatu munofanira kuʋapa munyika yeKanani; ndiwo anofanira kuʋa maguta oʋutiziro.
15
Maguta iwayo matanhatu anofanira kuʋa ʋutiziro kuʋana ʋaIsraeri, nokumŋeni, nokumutorwa ugere pakati paʋo; kuti mumŋe nomumŋe wakaʋuraya munhu, asina‐kuita nobgoni, atizire’ko.
16
Asi kana aciŋge amuroʋa nenhumbi yeɗare, akafa, waʋa muʋurayi; ɀino muʋurayi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
17
Kana aciŋge amuʋuraya nebge riri muruʋoko rwake, riŋgaʋuraya munhu, akafa, waʋa muʋurayi; ɀino muʋurayi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
18
Kana aciŋge amuroʋa nenhumbi yamatanda iri muruʋoko rwake, iŋgaʋuraya munhu, akafa, waʋa muʋurayi; muʋurayi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
19
Mutsiʋi weropa ndiye unofanira kuʋuraya muʋurayi amene; kana akasoŋgana naye, unofanira kumuʋuraya.
20
Kana aciŋge amusunda acimuʋeŋga, kana kumuposhera, amuʋandira, akafa;
21
kana ɀimŋe akamuroʋa noruʋoko, acimuʋeŋga, akafa, wakamuroʋa unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo; muʋurayi; mutsiʋi weropa, unofanira kuʋuraya muʋurayi, kana akasoŋgana naye.
22
Asi kana aciŋge amusunda kamŋe‐kamŋe, asinakumuʋeŋga, kana kumuposhera necinhu, asina‐kumuʋandira,
23
kana nebge, riŋgaʋuraya munhu, akarikanda pamsoro pake, asiŋgamuʋoni, akafa, iye asinakumuʋeŋga, kana kutȿaka kumukuʋadza;
24
ɀino ʋuŋgano inofanira kutoŋga mhoȿa pakati pomukuʋadzi nomutsiʋi weropa nemirairo iyi:
25
Ipapo ʋuŋgano inofanira kurwira muʋurayi paruʋoko rwomutsiʋi weropa, ʋuŋgano igomudzosera kuguta rake roʋutiziro, kwaakaŋga atizira; ɀino iye unofanira kugara’mo kuȿikira muprista mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matȿene.
26
Asi kana ŋguʋa ipi neipi muʋurayi akaɗarika muganho weguta rake roʋutiziro, kwaakaŋga atizira,
27
mutsiʋi weropa akamuwana kunze kwomuganho weguta rake roʋutiziro, mutsiʋi weropa akaʋuraya muʋurayi uyo, iye haaŋgaʋi nemhoȿa yeropa rake;
28
nokuti waifanira kugara muguta rake roʋutiziro kuȿikira muprista mukuru afa; asi kana muprista mukuru afa, muʋurayi unofanira kudzokera kunyika yake.
29
Iɀi ɀinofanira kuʋa kwamuri murairo wokutoŋga nawo kuȿikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kwose.
30
Aninani unoʋuraya munhu, muʋurayi unofanira kuʋurawa nokupupura kweɀapupu; asi capupu cimŋe hacifaniri kupupurira munhu akaʋurawa.
31
Ʋuye hamufaniri kugamucira dzikinuro pamsoro poʋupenyu bgomuʋurayi, unofanira kuti aʋurawe; asi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
32
Musagamucira dzikinuro pamsoro pomunhu wakatizira kuguta roʋutiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kuȿikira muprista afa.
33
Naiɀoɀo hamufaniri kuȿiɓisa nyika mamugere, nokuti ropa rinoȿiɓisa nyika; nyika haiŋgayananisirwi pamsoro peropa rakateʋurirwa’mo, asi kwoga neropa romunhu wakariteʋura.
34
Musaȿiɓisa nyika mamugere, mandigere ʋo ini; nokuti ini Jehova ndigere pakati paʋana ʋaIsraeri.
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36