bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 5
Numbers 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Raira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaɓuɗise pakati pemisasa ʋose ʋanamaperembudzi, naʋose ʋanehosha yokuyerera, naʋose ʋakaȿiɓiswa naʋakafa.
3
Munofanira kuɓuɗisa ʋose, ʋarume naʋakadzi; muʋaɓuɗise kunze kwemisasa, kuti ʋarege kuȿiɓisa misasa yaʋo, yandigere pakati payo.
4
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; ʋakaʋaɓuɗisa kunze kwemisasa; seɀakataura Jehova naMosesi, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri.
5
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
6
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana murume kana mukadzi aciŋge atadza nokutadza kwaʋanhu, akatadzira Jehova, munhu uyu akaʋa nemhoȿa;
7
ipapo unofanira kureʋurura ɀiʋi ɀake ɀaakaita, ndokuripira mhoȿa yake yose, aciwedzera ceshanu cayo, ndokupa iye waakatadzira.
8
Kana munhu uyo asinehama, iŋgaripirwa pamsoro pemhoȿa iyo, muripo wemhoȿa, unoripirwa Jehova, unofanira kuʋa womuprista; kunze kwegondobge rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.
9
Neɀipiriso ɀinotsaurwa paɀinhu ɀitȿene ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀaʋanoʋuya naɀo kumuprista, ɀinofanira kuʋa ɀake.
10
Ɀinhu ɀakatsaurwa ɀomunhu mumŋe nomumŋe ɀinofanira kuʋa ɀake; cinhu cipi necipi cinopiwa muprista nomunhu cinofanira kuʋa cake.
11
Jehova akataura naMosesi, akati:
12
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mukadzi womurume upi noupi akacinya, akamutadzira,
13
mumŋe murume akaʋata naye, ɀikaʋanzwa kumurume wake, ɀikasazikanwa, iye akaȿiɓiswa, asi ʋakashaiwa capupu, naiye asina‐kuɓatwa aciita iɀoɀo:
14
murume wake akaɓatwa nomŋeya weshuŋgu, akaʋa neshuŋgu nomukadzi wake, wakaȿiɓiswa; kana ɀimŋe akaɓatwa nomŋeya weshuŋgu, akaʋa neshuŋgu nomukadzi wake, usina‐kuȿiɓiswa;
15
ipapo murume unofanira kuʋuya nomukadzi wake kumuprista, aciʋuya ʋo necipo cake pamsoro pake, cinoti, cegumi coʋupfu bgebari; haafaniri kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo; nokuti ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu, cipiriso coʋupfu cokuraŋgaridza, cinoraŋgaridza ɀakaipa.
16
Ɀino muprista unofanira kumusweɗedza, ndokumuisa pamberi paJehova.
17
Ipapo muprista unofanira kutora mvura tȿene mumudziyo wevu, muprista agotora ʋo guruʋa riri pasi mutabernakeri, ndokuriisa mumvura.
18
Ɀino muprista unofanira kuisa mukadzi pamberi paJehova, ndokusunuŋgura vudzi romusoro womukadzi, ndokuisa cipiriso cokuraŋgaridza mumaʋoko ake, ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu; muprista ndokuɓata muruʋoko rwake mvura inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka.
19
Ipapo muprista unofanira kumupikisa, aciti kumukadzi: Kana kusinomurume wakaʋata newe, kana usina‐kutsaukira kuneɀakaipa, uri pasi pomurume wako, usunuŋgurwe hako pamvura iyi inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka;
20
asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukaȿiɓiswa, mumŋe murume asati ari murume wako aciŋge aʋata newe,
21
ɀino muprista unofanira kupikisa mukadzi mhiko inoʋuyisa kutuka, muprista ndokuti kumukadzi: Jehova ŋgaakuite cipiko cemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehova aciwondisa hudyu yako nokuɀimbisa ɗumbu rako;
22
mvura iyi inoʋuyisa kutuka icapinda muʋura bgako, ndokuɀimbisa ɗumbu rako, nokuwondisa hudyu yako; ɀino mukadzi unofanira kuti: Ameni, ameni.
23
Ipapo muprista unofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inoʋaʋisa.
24
Ɀino unofanira kunwisa mukadzi mvura inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka; mvura inoʋuyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuʋaʋise.
25
Ɀino muprista unofanira kutora cipiriso coʋupfu ceshuŋgu paruʋoko rwomukadzi, ndokuzuŋguzira cipiriso coʋupfu pamberi paJehova, ndokuʋuya naco kuartari;
26
muprista ndokutora tsama imŋe yecipiriso coʋupfu, kuti ciʋe cokuraŋgaridza caco, ndokubgupisa paartari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure.
27
Ɀino kana amunwisa mvura iyo, kana aciŋge aȿiɓiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inoʋuyisa kutuka icapinda maari, ikamuʋaʋisa, ɗumbu rake ricaɀimba, nehudyu yake icawonda; mukadzi uyu ucaʋa cituko pakati porudzi rwake.
28
Asi kana mukadzi uyo asina‐kuȿiɓiswa, akanaka hake, ucasunuŋgurwa hake, akaʋa nemimba ɀe.
29
Ndiwo murairo weshuŋgu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akacinya, akaȿiɓiswa;
30
kana ɀimŋe murume aciŋge aɓatwa nomŋeya weshuŋgu, aneshuŋgu nomukadzi wake; ipapo unofanira kuisa mukadzi pamberi paJehova, muprista agomuitira nomurairo uyu wose.
31
Murume haaŋgaʋi nemhoȿa, asi mukadzi unofanira kuʋa nemhoȿa yake.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36