bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 3
Numbers 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 4 →
1
Ɀino ndiwo marudzi aAroni naMosesi nomusi wakataura Jehova nawo naMosesi pagomo reSinai:
2
Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaAroni: Weɗaŋgwe Nadabi, teʋere Abihu naEreazari naItamari.
3
Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista ʋakazodzwa, ʋaakagadza kuti ʋashumire paɓasa roʋuprista.
4
Asi Nadabi naAbihu ʋakafa pamberi paJehova ŋguʋa yaʋakaʋuyisa mŋoto usakafanira pamberi paJehova murenje reSinai; ʋakaŋga ʋasinaʋana; asi Ereazari naItamari ʋakashumira paɓasa roʋuprista pamberi paAroni, ɓaɓa ʋaʋo.
5
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
6
Sweɗedza rudzi rwaRevi, uʋaise pamberi paAroni muprista, kuti ʋamushumire.
7
Ʋanofanira kumuɓatira iye, nokuɓatira ʋuŋgano yose pamberi petente rokusoŋgana, kuti ʋapedzise maɓasa etabernakeri.
8
Ʋanofanira kuceŋgeta nhumbi dzose dzetente rokusoŋgana, nokuɓatira ʋana ʋaIsraeri, kuti ʋapedzise maɓasa etabernakeri.
9
Unofanira kupa Aroni naʋanakomana ʋake ʋaRevi; ʋakaʋapiwa cose pakati paʋana ʋaIsraeri.
10
Asi Aroni naʋanakomana ʋake unofanira kuʋagadza, kuti ʋaɓate ɓasa roʋuprista bgaʋo; usina‐kufanira, unosweɗera’po, unofanira kuʋurawa.
11
Jehova akataura naMosesi, akati:
12
Tarira, ini ndimene ndakatora ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri panɀimbo yamataŋgwe ose anotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri; ʋaRevi ndaʋaŋgu;
13
nokuti mataŋgwe ose ndaaŋgu; musi wandakaʋuraya mataŋgwe ose panyika yeEgipita, ndakaɀitsaurira mataŋgwe ose paʋaIsraeri, paʋanhu napaɀipfuwo; anofanira kuʋa aŋgu; ndini Jehova.
14
Ɀino Jehova akataura naMosesi murenje reSinai, akati:
15
Ʋereŋga ʋana ʋaRevi nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, nemhuri dzaʋo; unofanira kuʋereŋga ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura.
16
Ipapo Mosesi akaʋaʋereŋga neshoko raJehova seɀaakarairwa.
17
Ndiʋo ʋanakomana ʋaRevi namazita aʋo: Gershoni, na Kohati, naMerari.
18
Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaGershoni, nemhuri dzaʋo: Ribni naShimei.
19
Naʋanakomana ʋaKohati nemhuri dzaʋo: Amrami naIzhari naHebroni naUzieri.
20
Naʋanakomana ʋaMerari nemhuri dzaʋo: Mari naMushi. Ndidzo mhuri dzaʋaRevi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
21
Gershoni ndiye teteguru waʋaRibni naʋaShimei; ndidzo mhuri dzaʋaGershoni.
22
Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋari ʋarume ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ʋakaȿika ɀuru ɀinomŋe namazana mashanu.
23
Mhuri dzaʋaGershoni dzinofanira kudzika matente adzo shure kwetabernakeri kumaʋirazuʋa.
24
Eriasafi, mŋanakomana waRaeri, ndiye unofanira kuʋa mucinda weimba yamadziɓaɓa aʋaGershoni.
25
Ʋanakomana ʋaGershoni ʋanofanira kuceŋgeta ɀinhu iɀi mutente rokusoŋgana: Tabernakeri, netente, necifukidzo cayo, necidzitiro comukoʋa wetente rokusoŋgana,
26
neɀirembedzwa ɀoruʋazhe, necidzitiro comukoʋa woruʋazhe, ruri patabernakeri nokunhiʋi dzose dzeartari, namaɓote ayo, ɀokuɓata maɓasa ayo ose.
27
Kohati ndiye teteguru waʋaAmrami, naʋaIzhari, naʋaHebroni, naʋaUzieri; ndidzo mhuri dzaʋaKohati.
28
Ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura ʋakaʋereŋgwa ʋakaȿika ɀuru ɀisere namazana matanhatu; ndiʋo ʋaiɓata maɓasa paimba tȿene.
29
Mhuri dzaʋanakomana ʋaKohati dzinofanira kudzika matente adzo kurutiʋi rwetabernakeri necenyasi.
30
Erizafani, mŋanakomana waUzieri, ndiye unofanira kuʋa mucinda weimba yamadziɓaɓa emhuri dzaʋaKohati.
31
Iʋo ʋanofanira kuceŋgeta areka, netafura, necigadziko cemŋenje, neartari, nenhumbi dzeimba tȿene, dzaʋanoɓata nadzo, necidzitiro, namaɓasa ose ayo.
32
Ereazari, mŋanakomana waAroni muprista, ndiye unofanira kuʋa mucinda wamacinda aʋaRevi, iye unofanira kuʋa mutariri waʋanoɓata maɓasa paimba tȿene.
33
Merari ndiye teteguru waʋaMari naʋaMushi; ndidzo mhuri dzaMerari.
34
Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, iʋo ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ʋakaȿika ɀuru ɀitanhatu namazana maʋiri.
35
Zurieri, mŋanakomana waAbihairi, ndiye unofanira kuʋa mucinda weimba yamadziɓaɓa emhuri dzaMerari; iʋo ʋanofanira kudzika matente aʋo kurutiʋi rwetabernakeri necokumsoro.
36
Ƃasa rakatarirwa ʋanakomana ʋaMerari nderokuceŋgeta matanda etabernakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀadzo, nenhumbi dzayo dzose, namaɓasa ayo ose;
37
nembiru dzaparuʋazhe kunhiʋi dzose, neɀigadziko ɀadzo, nembambo dzadzo, namaɓote adzo.
38
Aʋo ʋanodzika matente aʋo pamberi petabernakeri kumabvazuʋa, pamberi petente rokusoŋgana, kurutiʋi runoɓuɗa zuʋa, ndiʋo Mosesi naAroni naʋanakomana ʋake, ʋanoɓate‐ɓasa renɀimbo tȿene, ndiro ɓasa raʋana ʋaIsraeri; usina‐kufanira unosweɗera’po unofanira kuʋurawa.
39
Ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋaʋaRevi, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni seɀaʋakarairwa naJehova, nemhuri dzaʋo, ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri.
40
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋereŋga mataŋgwe ose aʋarume aʋana ʋaIsraeri ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ugonyora kuwanda kwamazita aʋo.
41
Ɀino unofanira kunditorera ʋaRevi (ndini Jehova) panɀimbo yamataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri, neŋombe dzaʋaRevi panɀimbo yaʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeŋombe dzaʋana ʋaIsraeri.
42
Mosesi akaʋereŋga mataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri, seɀaakarairwa naJehova.
43
Namataŋgwe ose aʋarume namazita aʋanomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri namazana maʋiri namakumi manomŋe namatatu.
44
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
45
Tora ʋaRevi panɀimbo yamataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri, neŋombe dzaʋaRevi panɀimbo yeŋombe dzaʋo; nokuti ʋaRevi ndaʋaŋgu; ndini Jehova.
46
Ɀino kuti udzikinure mataŋgwe anamazana maʋiri namakumi manomŋe namatatu aʋana ʋaIsraeri, ʋanopfuʋura ʋaRevi pakuwanda kwaʋo,
47
unofanira kutora mashekeri mashanu kunomumŋe nomumŋe; unofanira kuatora ucienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene (shekeri rinamagera makumi maʋiri).
48
Ɀino unofanira kupa Aroni naʋanakomana ʋake mari iyo yokudzikinura aʋo ʋakapfuʋura pakuʋereŋgwa pakati paʋo.
49
Mosesi akatora mari yokudzikinura kunaiʋo ʋakaŋga ʋakapfuʋura ʋakadzikinurwa naʋaRevi;
50
wakatora mari iyi kumataŋgwe aʋana ʋaIsraeri, mashekeri anecuru cimŋe namazana matatu namakumi matanhatu namashanu, acienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene.
51
Mosesi akapa Aroni naʋanakomana ʋake mari iyo yokudzikinura, seshoko raJehova, seɀakarairwa Mosesi naJehova.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36