bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 22
Numbers 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 23 →
1
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba, ʋakandodzika matente aʋo pamapani eMoabi, mhiri kwaJoridani paJeriko.
2
Ɀino Baraki, mŋanakomana waZipori, wakaŋga aʋona ɀose ɀakaitirwa ʋaAmori naʋaIsraeri.
3
Moabi akatya ʋanhu aʋo kwaɀo, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji; Moabi akavunduka nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri.
4
Ipapo Moabi akati kuʋakuru ʋaMidiani: Ɀino ʋanhu aʋa ʋazhinji ʋacananɀa ɀose ɀakatipoteredza, seŋombe inonanɀa ʋuswa bgesaŋgo; Baraki, mŋanakomana waZipori ndiye wakaŋga ari mambo waMoabi neŋguʋa iyo.
5
Ipapo akatuma nhume kunaBarami, mŋanakomana waBeori, paPetori paRwizi, kunyika yaʋana ʋorudzi rwake, kuzomuɗana, aciti: Tarira, pano panaʋanhu ʋakabva Egipita; tarira, ʋakafukidza nyika yose, ɀino ʋoɗa kurwa neni.
6
Naiɀoɀo ɗoʋuya hako ɀino, unditukire ʋanhu aʋa; nokuti ʋanondikurira nesimba; ɀimŋe ndiŋgagona kuʋakunda, ndiʋadziŋge munyika ino; nokuti ndinoziʋa kuti munhu wakaropafadzwa newe, wakaropafadzwa kwaɀo, ʋuye munhu wakatukwa newe, wakatukwa kwaɀo.
7
Ipapo ʋakuru ʋaMoabi naʋakuru ʋaMidiani ʋakaenda ʋakaɓata shanu yokuʋuka mumaʋoko aʋo, ʋakaȿika kunaBarami, ʋakamuʋudza mashoko aBaraki.
8
Iye akati kwaʋari: Ʋatai ʋusiku bguno pano, ndikudzoserei neshoko, seɀandicaʋudzwa naJehova; macinda aMoabi akagara’po kunaBaraki.
9
Ɀino Mŋari akaʋuya kunaBarami, akati: Ʋanhu aʋa ʋari kwauri ndiʋananiko?
10
Barami akati kunaMŋari: Baraki, mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi, wakatuma shoko kwandiri, aciti:
11
Tarira, ʋanhu ʋakabva Egipita ʋakafukidza nyika yose; ɀino, ʋuya unditukire iʋo; ɀimŋe ndiŋgagona kurwa naʋo, nokuʋadziŋga.
12
Ipapo Mŋari akati kunaBarami: Haufaniri kuenda naʋo; haufaniri kutuka ʋanhu aʋo; nokuti ʋakaropafadzwa.
13
Barami akamuka maŋgwanani, akati kumacinda aBaraki: Endai kunyika yenyu, nokuti Jehova unoramba kunditendera kuenda nemi.
14
Ipapo macinda aMoabi akasimuka, akaenda kunaBaraki, akati: Barami waramba kuʋuya nesu.
15
Ɀino Baraki akapamha ɀe kutuma macinda mazhinji kunaiʋo naʋakakudzwa kupfuʋura iʋo.
16
Ʋakaȿika kunaBarami, ʋakati kwaari: Ɀanzi naBaraki, mŋanakomana waZipori: Usatendera cinhu kukudziʋisa kuʋuya kwandiri;
17
nokuti ndicakukudza ɀikuru kwaɀo, ɀose ɀaunondiraira ndicaɀiita; naiɀoɀo ɗoʋuya hako unditukire ʋanhu aʋa.
18
Barami akapindura, akati kuʋaranda ʋaBaraki: Kunyaŋge Baraki akandipa imba yake izere nesirveri nendarama, handiŋgagoni kuɗarika shoko raJehova Mŋari waŋgu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri.
19
Naiɀoɀo ɀino nemi ʋo ɗoʋatai henyu pano ʋusiku bguno, kuti ndiziʋe ɀandicaʋudzwa ɀe naJehova.
20
Ɀino Mŋari akaʋuya kunaBarami ʋusiku, akati kwaari: Ʋanhu aʋa kana ʋakaʋuya kuzokuɗana simuka uende naʋo; asi shoko randicataura kwauri, unofanira kuita iro roga.
21
Ɀino Barami akamuka maŋgwanani, akaisa cigaro pamboŋgoro yake, akaenda namacinda aMoabi.
22
Asi Mŋari wakamutsamŋira, ɀaakaenda; mutumŋa waJehova akandomira munzira yake, kuti arwe naye. Ɀino iye wakaŋga akataȿa mboŋgoro yake, naʋaranda ʋake ʋaʋiri ʋakaŋga ʋanaye.
23
Ipapo mboŋgoro ikaʋona mutumŋga waJehova amire munzira, anomunondo wakavomorwa muruʋoko rwake; mboŋgoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusaŋgo; Barami akaroʋa mboŋgoro kuti aidzorere kunzira.
24
Ɀino mutumŋa waJehova akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiriŋga, ruȿiŋgo ruri kurutiʋi runo, noruȿiŋgo kunorumŋe rutiʋi ɀe.
25
Mboŋgoro ikaʋona mutumŋa waJehova, ikaɀisundira kuruȿiŋgo, ikambandidzira rutsoka rwaBarami paruȿiŋgo; ipapo akairoʋa ɀe.
26
Mutumŋa waJehova akapfuʋura mberi, akandomira pakaŋga pakamanikana, pakaŋga pasinenɀimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe.
27
Mboŋgoro ikaʋona mutumŋa waJehova, ikaʋata pasi, Barami ari pamsoro payo; Barami akatsamŋa, akaroʋa mboŋgoro netȿimbo yake.
28
Ɀino Jehova akashamisa muromo wemboŋgoro, ikati kunaBarami: Ndakakuitireiko, ɀamandiroʋa ɀino katatu?
29
Barami akati kumboŋgoro: Nokuti wakandiɗaɗira; ɗai ndaiʋa nomunondo muruʋoko rwaŋgu, ndiŋgaɗai ndakuʋuraya pakarepo.
30
Mboŋgoro ikati kunaBarami: Ko ini handizi mboŋgoro yenyu yamakataȿa makore enyu ose kuȿikira zuʋa rino here? Ko ndaigara ndicikuitirai saiɀoɀo here? Iye akati: Kwete.
31
Ipapo Jehova akaȿinudza meso aBarami, akaʋona mutumŋa waJehova amire munzira, anomunondo wakavomorwa muruʋoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi neciso cake.
32
Mutumŋa waJehova akati kwaari: Waroʋereiko mboŋgoro yako ɀino katatu? Tarira, ini ndimene ndaɓuɗa kuzokudziʋisa, nokuti nzira yako inoʋaʋarira kuneɀakaipa pamberi paŋgu.
33
Mboŋgoro yakandiʋona, ikatsauka pamberi paŋgu katatu; ɗai isinakutsauka pamberi paŋgu, ɀirokwaɀo ndiŋgaɗai ndakuʋuraya iwe, ndikairaramisa iyo.
34
Ipapo Barami akati kumutumŋa waJehova: Ndatadza, nokuti ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ndiwe wakaŋga umire munzira ucindidziʋisa; naiɀoɀo ɀino, kana usiŋgafari naɀo, ndicadzoka haŋgu.
35
Mutumŋa waJehova akati kunaBarami: Enda hako naʋarume aʋa, asi shoko roga randicataura kwauri, ndiro raunofanira kutaura. Naiɀoɀo Barami akaenda namacinda aBaraki.
36
Ɀino Baraki wakati anzwa kuti Barami waȿika, akaɓuɗa kundosoŋgana naye paIri‐Moabi riri pamuganho weArnoni, pamugumo wenyika.
37
Ɀino Baraki akati kunaBarami: Ko handina‐kutuma nhume kwauri nomŋoyo wose, ndicikuɗana here? Wakaregereiko kuʋuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here?
38
Barami akati kunaBaraki: Tarira, ndaʋuya kwauri; ko ini ndinesimba rokutaura cinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo maŋgu naMŋari, ndiro randicataura.
39
Ɀino Barami akaenda naBaraki, akaȿika paKiriati‐huzoti.
40
Baraki akaɓaya nzombe namakwai, akaɀitumira kunaBarami namacinda akaŋga anaye.
41
Ɀino maŋgwanani Baraki akatora Barami, akamukwidza panɀimbo dzakakwirira dzaBaari, akaʋona, ari’po, ʋanhu ʋokumudziʋo.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36