bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 13
Numbers 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Tuma ʋarume kuti ʋandoshora nyika yeKanani, yandicapa ʋana ʋaIsraeri; utume mumŋe worudzi rumŋe norumŋe rwamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋaʋe ʋakuru pakati paʋo.
3
Mosesi akaʋatuma, ʋakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehova, ʋose ʋaʋo ʋari ʋarume ʋaiʋa ʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri.
4
Ndiwo mazita aʋo: Ʋokurudzi rwaRubeni, Shamua, mŋanakomana waZakuri.
5
Ʋokurudzi rwaSimeoni, Shafati, mŋanakomana waHori.
6
Ʋokurudzi rwaJuda, Karebi, mŋanakomana waJefune.
7
Ʋokurudzi rwaIsakari, Igari, mŋanakomana waJosefa.
8
Ʋokurudzi rwaEfraimi, Hoshea, mŋanakomana waNuni.
9
Ʋokurudzi rwaBenjamini, Parti, mŋanakomana waRafu.
10
Ʋokurudzi rwaZeburuni, Gadieri, mŋanakomana waSodi.
11
Ʋokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadi, mŋanakomana waSusi.
12
Ʋokurudzi rwaDani, Amieri, mŋanakomana waGemari.
13
Ʋokurudzi rwaAsheri, Seturi, mŋanakomana waMikaeri.
14
Ʋokurudzi rwaNaftari, Nabi, mŋanakomana waVofsi.
15
Ʋokurudzi rwaGadi, Geueri, mŋanakomana waMaki.
16
Ndiwo mazita aʋarume ʋakatumŋa naMosesi kundoshora nyika. Mosesi akatumidza Hoshea, mŋanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.
17
Mosesi akaʋatuma kundoshora nyika yeKanani, akati kwaʋari: Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;
18
mundoʋone‐nyika, kuti yakaɗiniko, naʋanhu ʋagere’mo, kana ʋanesimba, kana ʋasina, kana ʋari ʋashoma, kana ʋari ʋazhinji;
19
nenyika ʋo yaʋagere’mo, kuti yakaɗiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta maʋagere, kuti akaɗiniko, kana ʋagere mumisasa kana munhare;
20
nevu, kuti rakaɗiniko, kana rakaʋorera kana risinakuʋorera, kana panemiti kana pasinemiti; tsuŋgai mŋoyo, mugoʋuya neɀiɓereko ɀenyika iyo. Ɀino yaiʋa ŋguʋa yokutaŋga kuibva kwamazambiriŋga.
21
Naiɀoɀo ʋakakwira ʋakandoshorenyika, ʋacibva murenje reZini, kuȿikira Rehobi, paʋanopinda Hamati.
22
Ʋakapinda neZasi, ʋakaȿika Hebroni; ipapo pakaŋga panaAhimani naSheshai naTarmai, ʋanakomana ʋaAnaki. (Pakuʋakwa Hebroni rakataŋgira Zoani paEgipita namakore manomŋe.)
23
Ʋakandoȿika pamupata weEshkori, ʋakatema ɗaʋi raiʋa nesumbu rimŋe ramazambiriŋga, ʋakaritakura paɗanda pakati paʋanhu ʋaʋiri; ʋakaʋuya ʋo namatamba namaʋonde.
24
Nɀimbo iyo ʋakaitumidza mupata weEshkori nokuɗa kwesumbu rakatemŋa’po naʋana ʋaIsraeri.
25
Mazuʋa anamakumi manna akati apera, ʋakadzoka pakushore‐nyika.
26
Ʋakaȿika kunaMosesi naAroni neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, murenje reParani paKadeshi, ʋakaʋaʋudza mashoko nokuʋaratidza iʋo neʋuŋgano yose ɀiɓereko ɀenyika iyo.
27
Ʋakamuʋudza, ʋakati: Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; ɀirokwaɀo inoyerera mukaka noʋuci; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀayo.
28
Asi ʋanhu ʋagere munyika iyo ʋanesimba, maguta akakombga namaȿiŋgo, makuru kwaɀo; ʋuye, takaʋona’po ʋana ʋaAnaki.
29
ƲaAmareki ʋagere munyika neceZasi, naʋaHeti, naʋaJebusi, naʋaAmori ʋagere mumakomo; ʋaKanani ʋagere paguŋgwa, nokurutiʋi rwaJoridani.
30
Ipapo Karebi akanyaradza ʋanhu pamberi paMosesi, akati: Ŋgatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwaɀo kuikunda.
31
Asi ʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋakwira naye, ʋakati: Hatigoni kukwira kundorwa naʋanhu aʋo, nokuti ʋanotikurira nesimba.
32
Naiɀoɀo ʋakaʋuya kuʋana ʋaIsraeri neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, yaʋakaŋga ʋaenda kundoishora, ʋaciti: Nyika iyo yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika inopedza ʋanhu ʋagere’mo; ʋanhu ʋose ʋatakaʋona’mo ʋaiʋa ʋarume ʋakakura kwaɀo.
33
Takaʋona’po ʋanhu ʋarefu, ʋana ʋaAnaki, ʋanobva paʋarefu; kana ticiɀifananidza, takaŋga takaita semhashu, ndoɀatakaŋga takaita kwaʋari ʋo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36