bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 24
Numbers 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
1
Ɀino Barami wakati aciʋona kuti ɀakaŋga ɀicifadza Jehova kuropafadza Israeri, haana‐kuzoenda sapanedzimŋe ŋguʋa, kutȿaka ʋuŋaŋga, asi wakariŋgira kurenje,
2
Barami akasimudza meso ake, akaʋona ʋaIsraeri ʋagere namarudzi aʋo; Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake,
3
akataura nomufananidzo wake, akati: Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori, Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake,
4
Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari, Iye unoʋona ɀinoratidzwa naWamasimba ose, Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake:
5
Matente ako akanaka ɀikuru sei, iwe Jakobo, Nedzimba dzako, iwe Israeri!
6
Ʋakatasanurwa semipata, Seminda kunhiʋi dzorwizi, Samagaʋakaʋa akasimŋa naJehova, Semicindwe pedyo nemvura.
7
Mvura inobva paɀiroŋgo ɀake, Mbeu dzake dzicaʋa pamvura zhinji. Mambo wake ucakurira Agagi, Ʋushe bgake bgucakuriswa.
8
Mŋari wakamuɓuɗisa Egipita, Unesimba rakafanana nerenyati; Ucapedza ʋahedeni, iʋo ʋaʋeŋgi ʋake; Ucavuna‐vuna mafupa aʋo, Nokuʋabvoʋora nemiseʋe yake.
9
Unokotama, unoʋata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa? Mumŋe nomumŋe unokuropafadza, ŋgaaropafadzwe, Mumŋe nomumŋe unokutuka, ŋgaatukwe.
10
Ipapo Baraki akatsamŋira Barami kwaɀo, akaɓuɓudza maʋoko ake; Baraki akati kunaBarami: Ndakuɗana, kuti utuke ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, asi tarira, waramba uciŋgoʋaropafadza katatu.
11
Naiɀoɀo ɀino citiza hako kunɀimbo yako; nokuti ndakati ndicakukudza kwaɀo; asi tarira, Jehova wadziʋisa kukudzwa kwako.
12
Barami akati kunaBaraki: Ko handina‐kutaura ʋo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndiciti:
13
Kunyaŋge Baraki akandipa imba yake izere nesirveri nendarama, handiŋgagoni kuɗarika shoko raJehova, ndiite nomŋoyo waŋgu ɀakanaka kana ɀakaipa; ɀinotaurwa naJehova, ndiɀo ɀandicaita?
14
Ɀino tarira, ndinoenda haŋgu kurudzi rwaŋgu; ʋuya ndikuʋudze ɀicaitirwa ʋanhu ʋako naʋanhu aʋa pamazuʋa okupedzisira.
15
Akataura nomufananidzo wake, akati: Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori, Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake;
16
Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari, Iye unoziʋa ziʋo yoWokuɗeŋgaɗeŋga, Iye unoʋona ɀinoratidzwa noWamasimba ose, Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake:
17
Ndinomuʋona, asi handimuʋoni ɀino; Ndinomuʋona, asi handimuʋoneri pedyo; Nyeredzi icaɓuɗa kunaJakobo, Netȿimbo yoʋushe icabva kunaIsraeri; Icabvoʋora nyika yaMoabi, Nokuparadza ʋanakomana ʋose ʋeɓope.
18
Edomi icaʋa nhaka yake, NeSeiri ʋo icaʋa nhaka yake, ndiʋo ʋaʋeŋgi ʋake; Asi Israeri ucakunda.
19
Mumŋe, ucabva kunaJakobo, ucaʋa noʋushe, Ucaparadza ʋakasara muguta.
20
Ɀino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati: Amareki ndiye wokutaŋga waʋahedeni, Asi pakupedzisira ucaparadzwa.
21
Ɀino akatarira ʋaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati: Ʋugaro bgako bgakasimba, Ƌendere rako rakateyiwa paɗombo.
22
Kunyaŋge ɀakaɗaro Kaini ucaparadzwa, Kusikira iwe ucitapxa naAshuri.
23
Akataura nomufananidzo wake akati: Haiwa! ndianiko ucararama, kana Mŋari aciita saiɀoɀo?
24
Asi ɀikepe ɀicabva kurutiʋi rweKitimi, Ɀicarwadza Ashuri, nokurwadza Eberi, Naiye ʋo ucaparadzwa.
25
Ipapo Barami akasimuka, akadzokera kunɀimbo yake; naBaraki akaenda ʋo.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36