bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 18
Numbers 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
1
Ɀino Jehova akati kunaAroni: Iwe naʋanakomana ʋako, naʋeimba yaɓaɓa ʋako pamŋe cete newe, munofanira kutakura ɀakaipa ɀeimba tȿene; iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe munofanira kutakura ɀakaipa ɀoʋuprista bgenyu.
2
Nehama dzako dzorudzi rwaRevi, dzorudzi rwaɓaɓa ʋako, udzisweɗedze pamŋe cete newe, dziʋe newe, dzikuɓatire; asi iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe, munofanira kuʋa pamberi petente recipupuriro.
3
Ʋanofanira kukuceŋgeta iwe nokuceŋgeta Tente rose; asi haʋafaniri kusweɗera kunhumbi dzeimba tȿene neartari, kuti ʋarege kufa, kana iʋo kana imi.
4
Ʋanofanira kuʋa newe, nokuceŋgeta tente rokusoŋgana, nokuita maɓasa ose eTente; usina‐kufanira haafaniri kusweɗera kwamuri.
5
Munofanira kuceŋgeta imba tȿene, nokuceŋgeta artari, kuti kutsamŋa kurege kuʋuya pamsoro paʋana ʋaIsraeri.
6
Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, ʋaʋe cipo kwamuri, ʋanhu ʋakapiwa Jehova, kuti ʋaɓate maɓasa etente rokusoŋgana.
7
Iwe naʋana ʋako pamŋe cete newe munofanira kuɓate‐ɓasa roʋuprista bgenyu paɀinhu ɀose ɀeartari, neɀose ɀiri mukati mecidzitiro; ndipo pamunofanira kuɓata; ndinokupai ʋuprista, ciʋe cipo ceɓasa; asi usina‐kufanira, unosweɗera, unofanira kuʋurawa.
8
Jehova akataura ʋo naAroni, akati: Ini, tarira, ndakakupa ɓasa rokuceŋgeta ɀipiriso ɀaŋgu ɀinotsaurwa, iɀo ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo uʋe mugoʋe wako nowaʋanakomana ʋako nokusiŋgaperi.
9
Ɀinhu iɀi ndiɀo ɀinofanira kuʋa ɀako paɀinhu ɀitȿene ɀikuru, ɀakasara kana ɀimŋe ɀapiswa, ɀinoti: Ɀipo ɀaʋo ɀose, iɀo ɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀeɀiʋi, neɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀemhoȿa, ɀaʋanondipa, iɀo ɀinofanira kuʋa ɀitȿene ɀikuru kwauri nokuʋanakomana ʋako.
10
Munofanira kuɀidya panɀimbo tȿene‐tȿene; ʋarume ʋose ʋanofanira kuɀidya; ɀinofanira kuʋa ɀitȿene kwamuri.
11
Iɀi ndiɀo ɀako: Cipiriso cinotsaurwa ceɀipo ɀaʋo, iɀo ɀipiriso ɀose ɀinozuŋguzirwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo, iwe, naʋanakomana ʋako, naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, ɀiʋe ɀenyu nokusiŋgaperi; ʋose ʋakanaka mumba mako ʋaŋgaɀidya.
12
Ndakakupa mafuta ose akaiȿo‐naka, newaini yakaiȿo‐naka, neɀiyo ɀose ɀakaiȿo‐naka, iɀo ɀitȿa ɀaɀo ɀaʋanopa Jehova.
13
Ɀiɓereko ɀitȿa ɀose ɀeɀose ɀiri munyika yaʋo, ɀaʋanoʋuya naɀo kunaJehova, ɀinofanira kuʋa ɀako; mumŋe nomumŋe wakanaka mumba mako uŋgaɀidya.
14
Ɀose ɀakayeriswa pakati paIsraeri ɀinofanira kuʋa ɀako.
15
Ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, panyama yose yaʋanoʋuyisa kunaJehova, kana ɀiri ɀaʋanhu, kana ɀeɀipfuwo, ɀinofanira kuʋa ɀako; kunyaŋge ɀakaɗaro mataŋgwe aʋanhu unofanira kuadzikinura; ʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo unofanira kuʋadzikinura ʋo.
16
Ɀose ɀinofanira kudzikinurwa paɀiri, ɀomŋedzi mumŋe neɀinopfuʋura, unofanira kuɀidzikinura seɀaunotara iwe, nemari inoȿika pamashekeri mashanu, ɀicienzaniswa neshekeri rapaimba tȿene (rakaenzana namagera anamakumi maʋiri).
17
Asi usadzikinura mŋana wemhoŋgora yeŋombe, kana yegwai, kana yembudzi; ɀitȿene; unofanira kusasa ropa raɀo pamsoro peartari, nokupisa mafuta aɀo, ciʋe cipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
18
Asi nyama yaɀo inofanira kuʋa yako, ɀinofanira kuʋa ɀako secityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rorudyi.
19
Ɀipiriso ɀose ɀinotsaurwa ɀeɀinhu ɀinopiwa Jehova naʋana ʋaIsraeri, ndakakupa iɀo, iwe naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, ɀiʋe ɀako nokusiŋgaperi; isuŋgano yomunyu nokusiŋgaperi pamberi paJehova, kwauri naʋazukuru ʋako pamŋe cete newe.
20
Ɀino Jehova akati kunaAroni: Iwe hauŋgaʋi nenhaka panyika yaʋo, hauŋgaʋi nomugoʋe pakati paʋo; ini ndiri mugoʋe wako nenhaka yako pakati paʋana ʋaIsraeri.
21
Tarira, ʋana ʋaRevi ndakaʋapa ɀegumi ɀeɀose ɀaʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo, uʋe muɓayiro weɓasa raʋanoɓata, iro ɓasa rapatente rokusoŋgana.
22
Kubva ɀino ʋana ʋaIsraeri ŋgaʋarege kusweɗera kutente rukosoŋgana, kuti ʋarege kuʋa nemhoȿa yeɀiʋi ɀaʋo, ʋakafa.
23
Asi ʋaRevi ʋanofanira kuɓate‐ɓasa rapatente rokusoŋgana, iʋo ʋanofanira kutakura ɀakaipa ɀaʋo; unofanira kuʋa mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose; haʋaŋgaʋi nenhaka pakati paʋana ʋaIsraeri.
24
Nokuti ɀegumi ɀaʋana ʋaIsraeri ɀaʋanopa Jehova, ɀiʋe ɀipiriso ɀinotsaurwa, ndiɀo ɀandakapa ʋaRevi, kuti iʋe nhaka yaʋo; naiɀoɀo ndakati kwaʋari, haʋaŋgaʋi nenhaka pakati paʋana ʋaIsraeri.
25
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
26
Taura naʋaRevi, uti kwaʋari: Kana mucitora kuʋana ʋaIsraeri ɀegumi ɀaʋo ɀandakakupai, kuti iʋe nhaka yenyu, munofanira kupa Jehova cegumi ceɀegumi iɀo, ciʋe cipiriso cinotsaurwa.
27
Cipiriso cenyu cinotsaurwa cicaʋereŋgwa kwamuri seɀiyo ɀiri paɓuriro, ʋuye sewaini izere muciȿiniro cewaini.
28
Saiɀoɀo nemi ʋo mucapa Jehova cipiriso cinotsaurwa ceɀegumi ɀenyu ɀose ɀamunopiwa naʋana ʋaIsraeri; ɀino kunaiɀoɀo munofanira kupa Aroni muprista cipiriso cinotsaurwa caJehova.
29
Paɀose ɀamunopiwa, munofanira kupa Jehova ɀipiriso ɀenyu ɀose ɀinotsaurwa, mucitsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri, mugoʋe wakatsaurwa pakati paɀo.
30
Naiɀoɀo uti kwaʋari: Kana matsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri, ɀinofanira kuʋereŋgerwa ʋaRevi seɀakapurwa paɓuriro, neɀakaȿiniwa paciȿiniro cewaini.
31
Munofanira kuɀidya panɀimbo dzose, imi nemhuri dzenyu; nokuti ndiwo muɓairo wenyu weɓasa ramunoɓata patente rokusoŋgana.
32
Hamuŋgazoʋi neɀiʋi nokuɗa kwaɀo, kana mambotsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri; hamufaniri kuɀidza ɀinhu ɀitȿene ɀaʋana ʋaIsraeri, kuti murege kufa.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36