bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 6
Numbers 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana murume, kunyaŋge mukadzi, akaɀisuŋga nokupika kukuru, kupika kwomuNaziri, kuti aɀitsaurire Jehova;
3
unofanira kuramba waini neɀinoɓata; haafaniri kunwa vinega yewaini, kana vinega yeɀinoɓata, ʋuye haafaniri kunwa muto wemizambiriŋga, kana kudya mazambiriŋga matȿa kana akawomeswa.
4
Mazuʋa ose okuɀitsaura kwake haafaniri kudya cinhu cinobva pamuti womuzambiriŋga kubva paȿurwe kuȿika pamateko.
5
Mazuʋa ose okupika kwake kuɀitsaura haafaniri kuʋeʋurwa musoro wake neciȿo; unofanira kuʋa mutȿene, nevudzi romusoro wake unofanira kurirega rireɓe, kuȿikira mazuʋa apera aakaɀitsaurira Jehova nawo.
6
Ŋgaarege kusweɗera kucitunha mazuʋa ose aanoɀitsaurira Jehova nawo.
7
Haafaniri kuɀiȿiɓisa nokuɗa kwaɓaɓa ʋake, kana nokuɗa kwamai ʋake, kana nokuɗa kwomunuŋuna wake, kana nokuɗa kwehanɀadzi yake, kana ʋafa; nokuti wakaɀitsaurira Mŋari.
8
Mutȿene kunaJehova mazuʋa ose okuɀitsaura kwake.
9
Kana munhu akafa kamŋe‐kamŋe pedyo naye, akaȿiɓisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo unofanira kuʋeʋura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wecinomŋe unofanira kuuʋeʋura.
10
Nomusi worusere unofanira kuʋuya kumuprista nenjiʋa mbiri, kana twana tuʋiri twenjiʋa pamukoʋa wetente rokusoŋgana;
11
muprista agoɓayira imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, neimŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, amuyananisire ɀaakatadza nokuɗa kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
12
Unofanira kutsaurira Jehova mazuʋa okuɀitsaura kwake, ndokuʋuya negwaiana regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cemhoȿa; asi mazuʋa okutaŋga haaŋgaʋereŋgwi, nokuti kuɀitsaura kwake kwakaŋga kwaȿiɓiswa.
13
Ndiwo murairo womuNaziri, kana mazuʋa okuɀitsaura kwake aciŋge apera: Unofanira kuiswa kumukoʋa wetente rokusoŋgana;
14
kuti ape Jehova cipo cake, cinoti gwaiana rimŋe, regondobge regore rimŋe, risina‐kuremara, ciʋe cipiriso cinopiswa, negwaiana rimŋe reshece regore rimŋe, risina‐kuremara, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge rimŋe risina‐kuremara, ciʋe cipiriso cokuyananisa,
15
neɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, neɀiŋgwa ɀiɗuku ɀoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa, ɀakazodzwa namafuta, necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa.
16
Muprista unofanira kuʋuya naɀo pamberi paJehova, ndokugadzira cipiriso cake ceɀiʋi necipiriso cake cinopiswa;
17
ndokuʋuya negondobge ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova, pamŋe cete neɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; muprista unofanira kuʋuya ʋo necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
18
Ɀino muNaziri unofanira kuʋeʋura musoro wake wakatsaurwa pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ndokutora vudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamŋoto uri pasi peciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa.
19
Ɀino muprista unofanira kutora ɓandauko regondobge rakaɓikwa, neciŋgwa cimŋe ciɗuku cisina‐kuʋiriswa paɗeŋgu, necimŋe ciŋgwa citete cisina‐kuʋiriswa, ndokuɀiisa pamaʋoko omuNaziri, kana iye apedza kuʋeʋura musoro wake wakatsaurwa.
20
Ɀino muprista unofanira kuɀizuŋguzira pamberi paJehova, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa; cinhu citȿene comuprista, pamŋe cete necityu cinozuŋguzirwa, neɓandauko rinosimudzwa; ɀino muNaziri uŋganwa waini.
21
Ndiwo murairo womuNaziri pakupika kwake, necipo cake cokuɀitsaurira Jehova, ɀimŋe ɀaaŋgagona kuʋuya naɀo ɀisiŋgaʋereŋgwi; seɀaakapika, ndiɀo ɀaanofanira kuita nomurairo wokuɀitsaura nawo.
22
Jehova akataura naMosesi, akati:
23
Taura naAroni naʋanakomana ʋake, uti: Munofanira kuropafadza ʋana ʋaIsraeri nomutoʋo uyu: Muti kwaʋari:
24
Jehova akuropafadze, akuceŋgete;
25
Jehova akuvenekere neciso cake, akunzwire nyasha;
26
Jehova akusimudzire ciso cake, akupe rugare.
27
Nokuɗaro ʋacaisa zita raŋgu paʋana ʋaIsraeri; neni ndicaʋaropafadza.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36