bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 2
Numbers 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati:
2
Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kudzika matente aʋo, mumŋe nomumŋe pamureza woʋokwake, neɀiratidzo ɀedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ʋanofanira kudzika matente aʋo ʋakatarisana netente rokusoŋgana ʋakarikomba.
3
Ʋanodzika kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokunoɓuɗa zuʋa nako, ʋanofanira kuʋa ʋomureza wemisasa yaJuda, namapoka aʋo; Nashoni mŋanakomana waAminadabi ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaJuda.
4
Ƃoka rake naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀinna namazana matanhatu.
5
Ʋanodzika kurutiʋi rwaʋo ʋanofanira kuʋa ʋorudzi rwaIsakari; Netaneri, mŋanakomana waZuari ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaIsakari.
6
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinna, namazana manna.
7
Noʋorudzi rwaZeburuni; Eriabi, mŋanakomana waHeroni, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaZeburuni.
8
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinomŋe, namazana manna.
9
Ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋemisasa yaJuda ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinezana neɀuru ɀinamakumi masere neɀitanhatu namazana manna, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kutaŋga kusimuka.
10
Kurutiʋi rwezasi ndiko kunofanira kuʋa nomureza wemisasa yaRubeni, namapoka aʋo; Erizuri, mŋanakomana waShedeuri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaRubeni.
11
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitanhatu namazana mashanu.
12
Rudzi rwaSimeoni ndiʋo ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwake; Sherumieri, mŋanakomana waZurishadai, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaSimeoni.
13
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀipfumbamŋe namazana matatu.
14
Norudzi rwaGadi: Eriasafi, mŋanakomana waReueri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaGadi.
15
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
16
Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaRubeni ʋakaȿika ɀuru ɀinezana rimŋe namakumi mashanu necuru cimŋe namazana manna namakumi mashanu, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kuȿimuka rwecipiri.
17
Ɀino tente rokusoŋgana rinofanira kusimuka pamŋe cete nemisasa yaʋaRevi pakati pemisasa yose; nomutoʋo waʋanodzika matente aʋo, ʋanofanira kusimuka saiɀoɀo, mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, pamureza wake.
18
Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfraimi, namapoka aʋo; Erishama, mŋanakomana waAmihudi, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaEfraimi.
19
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu.
20
Rudzi rwaManase ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwaʋo; Gamarieri, mŋanakomana waPedashuri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaManase.
21
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri namazana maʋiri.
22
Norudzi rwaBenjamini: Abidani, mŋanakomana waGideoni, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaBenjamini.
23
Ƃoka rake, naʋose ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀishanu namazana manna.
24
Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaEfraimi ʋakaȿika ɀuru ɀinezana neɀisere nezana rimŋe, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kuȿimuka rwecitatu.
25
Kurutiʋi rwokumsoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDani, namapoka aʋo; Ahiezeri, mŋanakomana waAmishadai, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaDani.
26
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀiʋiri namazana manomŋe.
27
Rudzi rwaAsheri ndiʋo ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwaʋo; Pagieri, mŋanakomana waOkrani, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaAsheri.
28
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna necimŋe namazana mashanu.
29
Norudzi rwaNaftari; Ahira, mŋanakomana waEnani, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaNaftari.
30
Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitatu namazana manna.
31
Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaDani ʋakaȿika ɀuru ɀinezana namakumi mashanu neɀinomŋe namazana matanhatu. Ndiʋo ʋanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yaʋo.
32
Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa ʋaʋana ʋaIsraeri nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaʋo, namapoka aʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu neɀitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
33
Asi ʋaRevi haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova.
34
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi seɀaakarairwa ɀose naJehova, saiɀoɀo ʋakadzika matente aʋo pamireza yaʋo, mumŋe nomumŋe pamhuri dzaʋo, padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36