bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 10
Numbers 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Uɀiitire hwamanda mbiri dzesirveri; unofanira kudziita nesirveri yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukuɓatsira kuɗana ʋuŋgano nokuraira kuti mapoka afambe.
3
Kana ʋacidziridza ʋuŋgano yose inofanira kuʋuŋgana kwauri pamukoʋa wetente rokusoŋgana.
4
Kana ʋaciridza imŋe cete, ɀino macinda ʋari ʋakuru ʋeɀuru ɀaʋaIsraeri ʋanofanira kuʋuŋgana kwauri.
5
Kana muciridzisa, mapoka okurutiʋi rwamabvazuʋa anofanira kusimuka, ʋafambe.
6
Kana muciridzisa rwecipiri mapoka okurutiʋi rwezasi anofanira kusimuka, ʋafambe; ʋanofanira kuridzisa kana ʋofamba nzendo.
7
Asi kana ʋuŋgano icifanira kuʋuŋganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa.
8
Ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ndiʋo ʋanofanira kuridza hwamanda; ŋgaɀiʋe tsika kwamuri nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose.
9
Kana mucindorwa munyika yenyu nomuʋeŋgi unokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucaraŋgarirwa pamberi paJehova Mŋari wenyu, mugoponeswa paʋaʋeŋgi ʋenyu.
10
Ʋuye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa, napakutaŋga kwemŋedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamsoro peɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, napamsoro peɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, kuti Jehova akuraŋgarirei naɀo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
11
Ɀino negore recipiri, nomŋedzi wecipiri, nezuʋa ramakumi maʋiri romŋedzi, gore rakasimudzwa pamsoro petabernakeri yecipupuriro.
12
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzaʋo; gore rikandomira murenje reParani.
13
Ʋakataŋga kufamba seɀaʋakarairwa naJehova nomuromo waMosesi.
14
Pakutaŋga mureza weɓoka raʋana ʋaJuda wakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naNashoni, mŋanakomana waAminadabi.
15
Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaIsakari rakaŋga ricirairwa naNetaneri, mŋanakomana waZuari.
16
Ƃoka rorudzi rwaZeburuni rakaŋga ricirairwa naEriabi, mŋanakomana waHeroni.
17
Ɀino tabernakeri yakabviswa, ʋanakomana ʋaGershoni naʋanakomana ʋaMerari, ʋatakuri ʋetabernakeri, ʋakasimuka.
18
Ɀino mureza weɓoka raRubeni wakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naErizuri, mŋanakomana waShedeuri.
19
Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaSimeoni rakaŋga ricirairwa naSherumieri, mŋanakomana waZurishadai.
20
Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaGadi rakaŋga ricirairwa naEriasafi, mŋanakomana waDeureri.
21
Ɀino ʋaKohati ʋakasimuka, ʋakatakura imba tȿene; ʋamŋe ʋakamisa tabernakeri iʋo ʋacigere kuȿika.
22
Ɀino mureza weɓoka raʋana ʋaEfraimi wakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naErishama, mŋanakomana waAmihudi.
23
Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaManase rakaŋga ricirairwa naGamarieri, mŋanakomana waPedashuri.
24
Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaBenjamini rakaŋga ricirairwa naAbidani, mŋanakomana waGideoni.
25
Ipapo mureza weɓoka raʋana ʋaDani, ndiʋo ʋokupedzisira pamapoka ose, ʋakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naAhiezeri, mŋanakomana waAmishadai.
26
Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaAsheri rakaŋga ricirairwa naPagieri, mŋanakomana waOkrani.
27
Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaNaftari rakaŋga ricirairwa naAhira, mŋanakomana waEnani.
28
Ndiko kufamba kwaʋana ʋaIsraeri namapoka aʋo; ʋakasimuka.
29
Ɀino Mosesi akati kunaHobabi, mŋanakomana waReueri, muMidiani, mukarabga waMosesi: Toenda kunɀimbo iyo yakanzi naJehova, ndicakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai ɀakanaka, nokuti Jehova wakataura ɀakanaka pamsoro paʋaIsraeri.
30
Iye akati kwaari: Handiŋgaendi, asi ndicaenda haŋgu kunyika yaŋgu nokuhama dzaŋgu.
31
Iye akati: Ndinonyeŋgetera kuti murege henyu kutisiya, ɀamunoziʋa mudzikirwe wamatente eɗu murenje, mucaʋa meso eɗu.
32
Kana mukaenda nesu, kana Jehova akatiitira ɀakanaka ɀipi neɀipi, ticakuitirai iɀoɀo ʋo.
33
Ɀino ʋakasimuka pagomo raJehova, ʋakafamba mazuʋa matatu; areka yesuŋgano yaJehova ikaʋatuŋgamirira mazuʋa matatu, kuʋatȿakira pokuzorora.
34
Gore raJehova rikaʋa pamsoro paʋo masikati pakusimuka kwaʋo pamisasa.
35
Ɀino areka yakati yasimuka, Mosesi akati: Simukai Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu ŋgaʋaparadzwe; naʋanokuʋeŋgai ŋgaʋatize pamberi penyu.
36
Ɀino pakuzorora kwayo, akati: Dzokai Jehova, kuɀuru ɀinegumi ɀeɀuru ɀaʋaIsraeri.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36