bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Numbers 27
Numbers 27
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
1
Ɀino ʋanasikana ʋaZerofehadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mŋanakomana waJosefa, ʋakasweɗera kunaMosesi; ndiwo mazita aʋanasikana ʋake: Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza;
2
ʋakamira pamberi paMosesi napamberi paEreazari muprista, napamberi pamacinda neʋuŋgano yose, pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋakati:
3
Ƃaɓa ʋeɗu ʋakafira murenje, asi ʋakaŋga ʋasi pakati peɓoka raʋaya ʋakaʋuŋgana kuzorwa naJehova, ʋeɓoka raKora; ʋakafira haʋo muɀiʋi ɀaʋo, ʋasinaʋanakomana.
4
Ɀino zita raɓaɓa ʋeɗu ricabvisirweiko pakati pemhuri yaʋo, nokuti ʋakaŋga ʋasinaʋanakomana? Tipei ʋo nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋeɗu.
5
Mosesi akaisa shoko raʋo pamberi paJehova.
6
Jehova akataura naMosesi, akati:
7
Ʋanasikana ʋaZerofehadi ʋanotaura kwaɀo; ɀirokwaɀo, unofanira kuʋapa nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋaʋo; unofanira kuʋagarisa nhaka yaɓaɓa ʋaʋo.
8
Ɀino unofanira kutaura naʋana ʋaIsraeri, uciti: Kana munhu akafa asinomŋanakomana, munofanira kugarisa mŋanasikana wake nhaka yake.
9
Kana asinomŋanasikana, munofanira kupa ʋakuru ʋake naʋanuŋuna ʋake nhaka yake.
10
Kana asinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa ʋakuru kana ʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋake nhaka yake.
11
Kana ɓaɓa ʋake ʋasinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, iʋe yake. Unofanira kuʋa mutemo wokutoŋga nawo pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova.
12
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Kwira pagomo iri reAbarimi, uʋone nyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri.
13
Ipapo kana waiʋona, newe ʋo ucasoŋganiswa naʋanhu ʋako, seɀakasoŋganiswa mukuru wako Aroni;
14
nokuti makaramba shoko raŋgu murenje reZini, paŋguʋa yokurwa kweʋuŋgano, mukarega kunditsaura pamberi paʋo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeriba paKadeshi, murenje reZini.)
15
Ɀino Mosesi akataura naJehova, akati:
16
Jehova, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ŋgaagadze murume paʋuŋgano iyi,
17
ucaɓuɗa pamberi paʋo, nokupinda pamberi paʋo, uŋgaʋaɓuɗisa nokuʋapinza; kuti ʋuŋgano yaJehova irege kuʋa samakwai asinomufudzi.
18
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora Joshua, mŋanakomana waNuni, murume unomŋeya mukati make, uise ruʋoko rwako pamsoro pake.
19
Umuise pamberi paEreazari muprista, napamberi peʋuŋgano yose, ugomurairira pamberi paʋo.
20
Uise pamsoro pake ɀoʋukuru bgako, kuti ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri imuterere.
21
Iye unofanira kumira pamberi pomuprista Ereazari, iye amuvunzire pamberi paJehova nokutoŋga kweUrimi; nokuraira kwake, ʋanofanira kuɓuɗa, nokuraira kwake, ʋanofanira kupinda, iye pamŋe cete naʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋuŋgano yose.
22
Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; akatora Joshua, akamuisa pamberi pomuprista Ereazari, napamberi peʋuŋgano yose;
23
akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akamurairira, seɀakataura Jehova nomuromo waMosesi.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36