bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 11
Revelation 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
1
Ɀino ndakapiwa rutsaŋga rwakaita somuɗonɀo; ɀikanzi: Simuka, uyere tembere yaMŋari, neartari, naʋanonamata mairi.
2
Asi siya ruʋazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa ʋahedeni; ʋacatsika guta dɀene mŋedzi inamakumi manna nemiʋiri.
3
ndicaraira ɀapupu ɀaŋgu ɀiʋiri kuti ɀiprofite, ɀakapfeka masaga, mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu.
4
Aʋa ndiyo miorivi miʋiri neɀigadziko ɀemŋenje ɀiʋiri ɀimire pamberi paShe wenyika.
5
Kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, mŋoto ucaɓuɗa mumiromo yaʋo uciparadza ʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, unofanira kuʋurawa saiɀoɀo.
6
Ʋanesimba rokuzarira ɗeŋga, kuti mvura irege kunaya namazuʋa okuprofita kwaʋo; ʋanesimba pamsoro pemvura kuti ʋaishandure iʋe ropa, nokuroʋa nyika namaɗambudziko ose neŋguʋa dzose dzaʋanoɗa.
7
Kana ʋapedza kupupura kwaʋo, cikara cinokwira cicibva mugomba rakadzika‐dzika cicarwa naʋo, ciciʋakunda nokuʋaʋuruya.
8
Mitumbu yaʋo icarashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodoma neEgipita, pakaroʋerwa ʋo Ishe waʋo pamucinjikwa.
9
Ʋanobva kuʋanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, ʋacaʋona mitumbu yaʋo mazuʋa matatu nehafu, ʋasiŋgatenderi kuti iʋigwe mubgiro.
10
Naʋanogara panyika ʋacafara nokupembera pamsoro paʋo, ʋacitumirana ɀipo, nokuti ʋaprofita aʋa ʋaʋiri ʋakatambudza aʋo ʋanogara panyika.
11
Ɀino mazuʋa matatu nehafu akati apfuʋura, mŋeya woʋupenyu, wakabva kunaMŋari, ukapinda mukati maʋo, ʋakamira netsoka dzaʋo, kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaʋaʋona.
12
Ipapo ʋakanzwa inzwi guru, rinobva kuɗeŋga, riciti kwaʋari: Kwirai pano. Ʋakakwira kuɗeŋga negore, ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋaʋona.
13
Ɀino neŋguʋa iyo kuɗeŋgenyika kwenyika kwakaʋa’po, cegumi ceguta cikaputsikira pasi, naʋanhu ʋaneɀuru ɀinomŋe ʋakaʋurawa nokuɗeŋgenyika; ʋakasara ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari wokuɗeŋga.
14
Nhamo yecipiri yapfuʋura; tarira, nhamo yecitatu inokurumidza kuȿika.
15
Ɀino mutumŋa wecinomŋe wakaridza; manzwi makuru akaʋa’po kuɗeŋga, aciti: Ʋushe bgenyika bgaʋa bgaShe weɗu, naKristu wake; ucabguɓata nokusiŋgaperi‐peri.
16
Ipapo Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋanogara paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe pamberi paMŋari, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakanamata Mŋari,
17
ʋaciti: Tinokuʋoŋgai imi, Ishe Mŋari wamasimba ose, muri’po, namakaŋga muri’po; nokuti makatora simba renyu guru, mukaɓata ʋushe.
18
Marudzi akatsamŋa, nokutsamŋa kwenyu kwakaȿika, neŋguʋa yaʋakafa, kuti ʋatoŋgwe, ʋuye kuti mupe ʋaranda ʋenyu muɓairo, iʋo ʋaprofita, naʋatȿene, naʋanotya zita renyu, ʋaɗuku naʋakuru; ʋuye kuti muparadze aʋo ʋanoparadza nyika.
19
Ipapo tembere yaMŋari iri kuɗeŋga yakazarurwa; areka yesuŋgano ikaʋonekwa mutembere yake; ipapo kwakaʋa’po mheni, namanzwi, nokutinhira, nokuɗeŋgenyika kwenyika, necimvuramabge cikuru.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22