bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 21
Revelation 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
1
Ɀino ndakaʋona ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, nokuti ɗeŋga rokutaŋga nenyika yokutaŋga ɀakaŋga ɀapfuʋura; neguŋgwa rakaŋga risisi’ po.
2
Ndikaʋona guta dɀene, Jerusarema idɀa, riciɓuruka kuɗeŋga ricibva kunaMŋari, rakagadzirwa somŋeŋga wakashoŋgerwa murume wake.
3
Ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Tarirai, tabernakeri yaMŋari iri pakati paʋanhu, iye ucagara naʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋake; Mŋari amene ucaʋa naʋo, aʋe Mŋari waʋo.
4
Ucapisika misodzi yose pameso aʋo; rufu harucaʋi’ po, kana kucema, kana kurira, kana kutambudzika haɀiŋgaʋi’ po; nokuti ɀokutaŋga ɀapfuʋura.
5
Wakaŋga agere pacigaro coʋushe akati: Tarirai, ndinoʋandudza ɀose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi.
6
Akati kwandiri: Ɀaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutaŋga nokuguma. Ini ndicapa unenyota ɀinobva patsime remvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi.
7
Unokunda ucagara nhaka yeɀinhu iɀi; ndicaʋa Mŋari wake, iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu.
8
Asi kana ʋari ʋanotya, naʋasiŋgatendi naʋanyaŋgadzi, naʋaʋurayi, nemhombge, naʋaroyi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoreʋa nhema, mugoʋe waʋo uri mudziʋa rinopfuta nomŋoto nesurferi; ndirwo rufu rwecipiri.
9
Ɀino mumŋe waʋatumŋa ʋanomŋe, ʋakaŋga ʋanendiro nomŋe dzizere namaɗambudziko manomŋe okupedzisira, wakaȿika, akataura neni, aciti: Ʋuya pano, ndigokuratidza mŋeŋga, mukadzi weGwaiana.
10
Ipapo wakandiisa muMŋeya kugomo guru refu, akandiratidza guta dɀene, Jerusarema, riciɓuruka kuɗeŋga, ricibva kunaMŋari,
11
rinokubginya kwaMŋari; ciedza caro cakaŋga cakaita sebge rinokosha kwaɀo, sebge rejaspisi, rinoʋonekera sekristaro;
12
rakaŋga rinoruȿiŋgo rukuru, rurefu, rakaŋga rinamasuʋo anegumi namaʋiri; naʋatumŋa ʋanegumi naʋaʋiri pamasuʋo, namazita akanyorwa pamsoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaʋiri aʋana ʋaIsraeri.
13
Kumabvazuʋa kwakaŋga kunamasuʋo matatu; kumsoro masuʋo matatu, zasi masuʋo matatu; nokumaʋirira masuʋo matatu;
14
ruȿiŋgo rweguta rwakaŋga runenheyo dzinegumi nembiri; napamsoro padzo mazita aʋaapostora ʋanegumi naʋaʋiri ʋeGwaiana.
15
Uyo, wakataura neni, wakaŋga anorutsaŋga rwendarama rwokuyera guta narwo, namasuʋo aro noruȿiŋgo rwaro.
16
Guta rakaŋga rakaʋakwa namatiʋi manna akaenzana, kureɓa kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsaŋga, ɀikaȿika pamastadia aneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; kureɓa nokufara, nokukwirira kwaro ɀakaŋga ɀakaenzana.
17
Akayera ruȿiŋgo rwaro, makubiti anezana namakumi manna namanna, neciyero comunhu, ciri ciyero comutumŋa.
18
Ruȿiŋgo rwaro rwakaŋga rwakaʋakwa nejaspisi, ʋuye guta rakaŋga riri re ndarama yakaiȿo‐naka, yakaʋonekera kwaɀo.
19
Nheyo dzoruȿiŋgo rweguta dzakaŋga dzakashoŋgedzwa namabge amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutaŋga yakaŋga iri yejaspisi; yecipiri yesafiri; yecitatu yekarsidoni; yecinna yesmaragdino;
20
yecishanu yesardoniksi; yecitanhatu yesardio; yecinomŋe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamŋe yetopasi; yegumi yekrisoprasi; yegumi neimŋe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti.
21
Masuʋo anegumi namaʋiri akaŋga ari amaparera anegumi namaʋiri; suʋo rimŋe nerimŋe rakaŋga riri reparera rimŋe; nzira yomuguta yakaŋga iri yendarama yakaiȿo‐naka, inoita seinoʋonekera.
22
Handina‐kuʋona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mŋari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro.
23
Guta haritȿaki zuʋa kana mŋedzi, kuti rivenekerwe naɀo; nokuti kubginya kwaMŋari ndiko kwairivenekera, nomŋenje waro ndiro Gwaiana.
24
Ndudzi dzinofamba neciedza caro; madzimambo enyika anoʋuyisa kubginya kwawo mukati maro.
25
Masuʋo aro haaŋgatoŋgozarirwi masikati, nokuti ʋusiku habgucazoʋi’po.
26
Ʋacaʋuyisa mukati maro kubginya nokukudzwa kwendudzi.
27
Mukati maro hamuŋgatoŋgopindi cinhu cinoȿiɓisa, kana cinonyaŋgadza, kana cinenhema; asi aʋo ɓeɗzi ʋakanyorwa mubuku yoʋupenyu yeGwaiana.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22