bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 22
Revelation 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
1
Ɀino akandiratidza rwizirwemvura yoʋupenyu, yakapenya sekristaro, inoɓuɗa pacigaro coʋushe caMŋari neceGwaiana,
2
pakati penzira yaro. Kumatiʋi maʋiri orwizi kwakaŋga kunomuti woʋupenyu, unoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi anegumi namaʋiri, uciita ɀiɓereko ɀaro mŋedzi mumŋe nomumŋe; namashizha omuti aiʋa mushoŋga wokuporesa ndudzi.
3
Hakucaʋi necinhu cakatukwa; cigaro coʋushe caMŋari neceGwaiana cicaʋa mukati maro; ʋaranda ʋake ʋacamushumira; ʋacaʋona ciso cake;
4
ʋuye zita rake ricaʋa pahuma dzaʋo.
5
Ʋusiku habgucazoʋi’po; haʋatȿaki ciedza comŋenje, kana ciedza cezuʋa; nokuti Ishe Mŋari ucaʋavenekera; ʋacaɓata ʋushe nokusiŋgaperi‐peri.
6
Ɀino akati kwandiri: Mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi; Ishe, Mŋari wemŋeya yaʋaprofita, wakatuma mutumŋa wake kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu ɀoɗo‐kuitwa.
7
Tarirai, ndokurumidza kuʋuya; unoceŋgeta mashoko okuprofita kwebuku iyi wakaropafadzwa.
8
Ini Johane, ndini ndakanzwa, ndikaʋona iɀoɀi. Ɀino ndakati ndicinzwa, nokuʋona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumŋa wakandiratidza iɀoɀi.
9
Akati kwandiri: Rega kuɗaro; ndiri muranda pamŋe cete newe, nehama dzako, ʋaprofita, naʋanoceŋgeta mashoko ebuku iyi; namata Mŋari.
10
Ipapo akati kwandiri: Usazarira mashoko okuprofita kwebuku iyi, nokuti ŋguʋa yaʋa pedyo.
11
Usina‐kururama ŋgaarambe aciita ɀisakarurama; unetȿina, ŋgaarambe aciȿiɓiswa; wakarurama ŋgaarambe aciita ɀakarurama; mutȿene ŋgaarambe aciitwa mutȿene.
12
Tarirai, ndinokurumidza kuʋuya; muɓairo waŋgu ndinawo, kuti ndipe mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata.
13
Ndini Arfa neOmega, wokutaŋga nowokupedzisira, kutaŋga nokuguma.
14
Ʋanosuka ŋguʋo dzaʋo ʋakaropafadzwa, kuti ʋaʋe nesimba rokuʋuya kumuti woʋupenyu, ʋapinde napamasuʋo eguta.
15
Kunze ndiko kunembga, naʋaroyi, nemhombge, naʋaʋurayi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoɗa nhema ʋacidziita.
16
Ini Jesu, ndakatuma mutumŋa waŋgu, kuti akupupurirei iɀoɀi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDavidi, nyamasase inopenya.
17
Mŋeya nomŋeŋga ʋanoti: Ʋuya! Naiye unonzwa ŋgaati: Ʋuya! Unenyota ŋgaaʋuye. Unoɗa ŋgaatore mvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi.
18
Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko okuprofita kwebuku iyi, ndiciti: Kana munhu akawedzera paɀinhu iɀi, Mŋari ucawedzera kwaari maɗambudziko akanyorwa mubuku iyi;
19
kana munhu akabvisa mashoko ebuku yokuprofita uku, Mŋari ucabvisa mugoʋe wake pamuti woʋupenyu, nomuguta dɀene, napaɀinhu ɀakanyorwa mubuku iyi.
20
Iye unopupura iɀoɀi unoti: Hoŋo, ndinokurumidza kuʋuya. Ameni, ʋuyai Ishe Jesu.
21
Nyasha dzaShe Jesu ŋgadziʋe naʋose. Ameni.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22