bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 16
Revelation 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
1
Ɀino ndakanzwa inzwi guru ricibva mutembere, riciti kuʋatumŋa ʋanomŋe: Endai, mundoɗurura panyika ndiro nomŋe dzokutsamŋa dzaMŋari.
2
Wokutaŋga akaenda, akaɗurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikaʋa’po paʋanhu ʋakaŋga ʋaneciratidzo cecikara, ʋakanamata mufananidzo waco.
3
Wecipiri akaɗurura ndiro yake paguŋgwa; rikashanduka ropa seromunhu wakafa; neɀipenyu ɀose ɀakaŋga ɀiri muguŋgwa ɀikafa.
4
Wecitatu akaɗurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa.
5
Ndikanzwa mutumŋa wemvura aciti: Imi, Makarurama, muri’po, namakaŋga muri’po, Mutȿene, nokuti makatoŋga saiɀoɀo.
6
Nokuti ʋakaɗurura ropa raʋatȿene neraʋaprofita, mukaʋapa ropa, kuti ʋanwe; ʋakafanirwa naiɀoɀo.
7
Ndikanzwa artari riciti: Hoŋo, Ishe, Mŋari wamasimba ose, kutoŋga kwenyu ndokwaɀokwaɗi kwakarurama.
8
Ɀino wecinna akaɗurura ndiro yake pamsoro pezuʋa, rikapiwa simba kuti ripise ʋanhu nomŋoto.
9
Ʋanhu ʋakapiswa nokupisa kukuru, ʋakamhura zita raMŋari, unesimba pamsoro pamaɗambudziko awa; haʋana‐kutendeʋuka, kuti ʋamukudze.
10
Wecishanu akaɗurura ndiro yake pamsoro pecigaro coʋushe cecikara; ʋushe bgaco bgukaȿiɓiswa, ʋakatseŋga marimi aʋo nokurwadzwa;
11
ʋakamhura Mŋari wokuɗeŋga pamsoro pokurwadzwa kwaʋo namaronda aʋo; asi haʋana‐kutendeʋuka pamaɓasa aʋo.
12
Ɀino wecitanhatu akaɗurura ndiro yake pamsoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapxa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuʋa dzigadzirwe.
13
Ipapo ndakaʋona mŋeya yetȿina mitatu yakaita samatafi icibva mumuromo weshato nomumuromo wecikara, nomumuromo womuprofita wenhema;
14
nokuti ndiyo mŋeya yakaipa inoita ɀiratidzo; inoenda kumadzimambo enyika yose, kuʋakokera kukurwa pazuʋa iro guru raMŋari wamasimba ose.
15
Tarira, ndinoʋuya sembava. Wakaropafadzwa unorinda, unoceŋgeta ŋguʋo dzake, kuti arege kufamba asina‐kupfeka, ʋaʋone nyadzi dzake.
16
Akaʋaʋuŋganidzira panɀimbo inonzi Harmagedoni neciHeberu.
17
Ɀino wecinomŋe akaɗurura ndiro yake muɗeŋga, inzwi guru rikaɓuɗa mucigaro coʋushe, riciti: Ɀapera!
18
Ipapo mheni yakaʋa’po, namanzwi nokutinhira; nokuɗeŋgenyika kwenyika kukuru kwakaʋa’po; kuɗeŋgenyika kwenyika kwakakura‐kura kukaɗai hakuna‐kumboʋa’po kubva pakusikwa kwaʋanhu panyika.
19
Guta guru rikakamurwa rikaita ɀikamu ɀitatu, maguta amarudzi akaputsika; Babironi guta guru rikaraŋgarirwa pamberi paMŋari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamŋa kwehasha dzake.
20
Ɀiwi ɀose ɀikatiza, namakomo haana‐kuwanikwa.
21
Cimvuramabge cikuru, cinobva kuɗeŋga, cikawira pamsoro paʋanhu, kurema kwebge rimŋe nerimŋe kukaita setarenta; ʋanhu ʋakamhura Mŋari nokuɗa kweɗambudziko recimvuramabge, nokuti ɗambudziko raco raiʋa guru kwaɀo.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22