bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 2
Revelation 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
1
Nyorera mutumŋa wekereke iri paEfeso, uti: Ɀanzi naiye wakaɓata nyeredzi nomŋe muruʋoko rwake rworudyi, unofamba pakati peɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama:
2
Ndinoziʋa maɓasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti hauɗi kuʋonana naʋanhu ʋakaipa; wakaʋaidza iʋo ʋanoti, tiri ʋaapostora, ʋasi iʋo caiʋo, ukaʋawana ʋari ʋenhema;
3
ukatsuŋgirira nokuʋa nomŋoyo murefu nokuɗa kwezita raŋgu, ukasaneta.
4
Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti wakasiya ruɗo rwako rwokutaŋga.
5
Naiɀoɀo raŋgarira pawakawa, utendeʋuke, ugoita maɓasa ako okutaŋga; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicaʋuya kwauri, ndikabvisa cigadziko cako comŋenje panɀimbo yaco, kana usiŋgatendeʋuki.
6
Asi cinhu ici unaco, kuti unoʋeŋga maɓasa aʋaNikoraiti, andinoʋeŋga neni ʋo.
7
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke; unokunda, ndicamutendera kuti adye muti woʋupenyu, uri muParadiso yaMŋari.
8
Nyorera mutumŋa wekereke iri paSmirna, uti: Ɀanzi naiye wokutaŋga nowokupedzisira, wakaŋga afa, akararama ɀe:
9
Ndinoziʋa kutambudzika kwako noʋurombo bgako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaiʋo ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi isinagoge raSatani,
10
usatya iɀo ɀaucatambudzika naɀo. Tarira, Diaborosi woɗo‐kuisa ʋamŋe ʋenyu mutoroŋgo, kuti muidzwe; mucatambudzika mazuʋa anegumi. Uʋe wakatendeka kuȿikira parufu, ndigokupa korona yoʋupenyu.
11
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke; unokunda, haaŋgakuʋadzwi norufu rwecipiri.
12
Nyorera mutumŋa wekereke iri paPergamo, uti: Ɀanzi naiye unomunondo, unopinza, unoceka kwose:
13
Ndinoziʋa paunogara, ndi’po panecigaro coʋushe caSatani; wakaɓatisisa zita raŋgu, ukasaramba kutenda kwaŋgu, kunyaŋge napamazuʋa aAntipasi, capupu caŋgu, munhu waŋgu wakatendeka, wakaʋurawa pakati penyu, apo panogara Satani.
14
Asi handifari neɀimŋe ɀinhu ɀishoma kwauri, nokuti unaʋamŋe’po ʋanoɓatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Baraki kuisa cigumbuso pamberi paʋana ʋaIsraeri, cokuti ʋadye ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, nokuita ʋupombge.
15
Nokuɗaro unaʋamŋe ʋo ʋanoɓatisisa saiɀoɀo dzidziso yaʋaNikoraiti.
16
Naiɀoɀo tendeʋuka; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicakurumidza kuʋuya kwauri, ndigorwa naʋo nomunondo womuromo waŋgu.
17
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Unokunda, ndicamupa mana yakaʋanzika, ʋuye ndicamupa ibge jena, napabge iro zita idɀa rakanyorwa’po, risiŋgazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
18
Nyorera mutumŋa wekereke iri paTiatira, uti: Ɀanzi noMŋanakomana waMŋari, unameso akafanana nomuraɀo womŋoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya:
19
Ndinoziʋa maɓasa ako, noruɗo, nokutenda, nokushumira, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti maɓasa ako okupedzisira anopfuʋura okutaŋga.
20
Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unoɀiidza muprofitakadzi, ʋuye unodzidzisa nokutsausa ʋaranda ʋaŋgu, kuti ʋaite ʋupombge, nokudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo.
21
Ndakamupa ŋguʋa kuti atendeʋuke; akaramba kutendeʋuka pakufeʋa kwake.
22
Tarira, ndoɗa kumukandira panhoʋo, naʋanoita ʋupombge naye panhamo huru, kana ʋasiŋgatendeʋuki pamaɓasa ake.
23
Naʋana ʋake ndicaʋaʋuraya norufu; nekereke dzose dzicaziʋa kuti ndini ndinonɀera itȿo nemŋoyo; ndicapa mumŋe nomumŋe wenyu paakaɓata napo.
24
Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, ʋose ʋasinedzidziso iyi, ʋasiŋgaziʋi iɀo ɀaʋanoti ɀakadzika ɀaSatani, ndinoti kwamuri: Handiŋgakutakudziyi mumŋe mutoro.
25
Asi ɓatisai iɀo ɀamunaɀo kuȿikira ndiciʋuya.
26
Unokunda aciceŋgeta maɓasa aŋgu kuȿikira pakupedzisira, ndicamupa simba pamsoro pamarudzi;
27
ucaafudza netȿimbo yeɗare, sehari dzomuʋumbi dzinoputsanyiwa; seɀandakapiwa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu.
28
Ʋuye ndicamupa nyamasase.
29
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22